Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Mateu 6:34—“Musambozvidya Mwoyo Pamusoro Pezuva Rinotevera”

Mateu 6:34—“Musambozvidya Mwoyo Pamusoro Pezuva Rinotevera”

 “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nematambudziko aro.”—Mateu 6:34, Shanduro yeNyika Itsva.

 “Musafunganya nezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.”—Mateu 6:34, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naMateu 6:34

 Jesu, uyo akataura mashoko iwayo, akaudza vateereri vake kuti vaisafanira havo kunyanya kunetseka, kana kuti kunyanya kuzvidya mwoyo, nezvematambudziko ari mberi. Kuteerera yambiro yake kwaizovabatsira kuti vafunge nezvedambudziko rimwe chete panguva.

 Jesu aisareva kuti hatifaniri kufunga kana kuronga nezveramangwana. (Zvirevo 21:5) Asi aitibatsira kuti tisanyanya kunetseka, kana kuzvidya mwoyo, pamusoro pezvingangoitika mangwana. Kuzvidya mwoyo kwakadaro kunogona kutibira mufaro wedu uye kutitadzisa kuisa pfungwa pane zvatinofanira kuita. Hatikwanisi kugadzirisa matambudziko achaitika mangwana nekunetseka nezvawo nhasi. Uye kakawanda kacho zvatinotyira hazviwanzoitiki kana kuti hazvizonyanyi kushata sezvataifungidzira.

Mashoko akapoteredza Mateu 6:34

 Mashoko aya akataurwa naJesu mumharidzo yake yepagomo yakakurumbira, inowanika muzvitsauko 5 kusvika ku7 zvaMateu. Mumharidzo iyi, Jesu akatsanangura kuti kunyanya kuzvidya mwoyo hakuvandudzi upenyu hwedu kana kutiwedzera mazuva ekurarama. (Mateu 6:27) Akataurawo kuti patinoisa Mwari pekutanga muupenyu hwedu, hatifaniri hedu kunyanya kunetseka nezvamangwana. Mwari anochengeta zvirimwa nemhuka; achachengetawo vaya vanomushumira.—Mateu 6:25, 26, 28-33.

Verenga Mateu chitsauko 6 pamwe chete nemashoko emuzasi, mavhesi anoenderana nearimo, uye tarisa mapikicha.