Enda pane zvauri kuda

Jesu Anoponesa Sei?

Jesu Anoponesa Sei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Jesu akaponesa vanhu vakatendeka paakapa upenyu hwake sechibayiro cherudzikinuro. (Mateu 20:28) Ndokusaka Bhaibheri richiti Jesu “Muponesi wenyika.” (1 Johani 4:14) Rinotaurawo kuti: “Hapana mumwe angaponesa vanhu, nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.”​—Mabasa 4:12.

 Jesu ‘akaravira rufu nekuda kwevanhu vese’ vanotenda maari. (VaHebheru 2:9; Johani 3:16) Pashure peizvi, “Mwari akamumutsa kubva kuvakafa,” uye Jesu akadzokera kudenga ava nemuviri wemweya. (Mabasa 3:15) Ari ikoko, Jesu anokwanisa “kuponesa zvakakwana vaya vanosvika kuna Mwari vachishandisa iye, nokuti anogara ari mupenyu kuti ateterere nokuda kwavo.”​—VaHebheru 7:25.

Nei tichida kuti Jesu ateterere nekuda kwedu?

 Tese tinotadza. (VaRoma 3:23) Chivi chinotitadzisa kuva neushamwari naMwari, uye chinoita kuti tife. (VaRoma 6:23) Asi Jesu anoshanda ‘semubatsiri’ kune vaya vanotenda muchibayiro chake cherudzikinuro. (1 Johani 2:1) Anoteterera nekuda kwavo, achikumbira Jehovha kuti anzwe minyengetero yavo uye avaregerere zvivi zvavo achishandisa chibayiro cherufu rwaJesu. (Mateu 1:21; VaRoma 8:34) Mwari anopindura zvikumbiro izvozvo zvinoitwa naJesu nekuti zvinoenderana nezvaanoda. Mwari akatuma Jesu panyika “kuti nyika iponeswe naye.”​—Johani 3:17.

Kutenda muna Jesu ndiko chete here kunoita kuti tiponeswe?

 Aiwa. Kunyange zvazvo tichifanira kutenda muna Jesu kuti tiponeswe, pane zvakawanda zvatinofanira kuita. (Mabasa 16:30, 31) Bhaibheri rinoti: “Muviri usina simba roupenyu zvawakafa, saizvozvowo kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jakobho 2:26) Kuti tiponeswe, tinofanira:

  •   Kudzidza nezvaJesu naBaba vake, Jehovha.​—Johani 17:3.

  •   Kuva nekutenda mavari.​—Johani 12:44; 14:1.

  •   Kuratidza kutenda kwedu nekuteerera mirayiro yavo. (Ruka 6:46; 1 Johani 2:17) Jesu akadzidzisa kuti haasi munhu wese anoti kwaari “Ishe” achaponeswa, asi vaya chete ‘vanoita kuda kwaBaba vake vari kumatenga.’​—Mateu 7:21.

  •   Kuramba tichiratidza kuti tine kutenda pasinei nematambudziko atinosangana nawo. Jesu akajekesa izvozvo paakati: “Anenge atsungirira kusvikira pakuguma ndiye achaponeswa.”​—Mateu 24:13.