Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinodzidzisa Here Kuti ‘Kana Munhu Aponeswa, Atoponeswa Zvachose’?

Bhaibheri Rinodzidzisa Here Kuti ‘Kana Munhu Aponeswa, Atoponeswa Zvachose’?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kwete, haridzidzisi kuti ‘kana munhu aponeswa, atoponeswa zvachose.’ Munhu anenge awana ruponeso nekuda kwekutenda muna Jesu anogona kurasikirwa nekutenda ikoko pamwe chete neruponeso runouya nekutenda kwacho. Bhaibheri rinotaura kuti munhu anofanira kushanda nesimba, kana kuti ‘kurwa kwazvo’ kuti arambe aine kutenda. (Judha 3, 5) VaKristu vepakutanga avo vainge vakatogamuchira Kristu vakaudzwa kuti: “Rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera”—VaFiripi 2:12.

Mavhesi eBhaibheri anoramba dzidziso yekuti ‘kana munhu aponeswa, atoponeswa zvachose’

  •   Bhaibheri rinonyevera nezvezvivi zvakakura izvo zvinoita kuti munhu asapinda muUmambo hwaMwari. (1 VaKorinde 6:9-11; VaGaratiya 5:19-21) Kudai kuri kuti munhu haagoni kurasikirwa neruponeso, nyevero idzodzo dzaisazova nezvadzinoreva. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti munhu anenge akawana ruponeso anogona kutsauka otangazve kuva netsika yekuita chivi chakakura. Semuenzaniso, VaHebheru 10:26 inoti: “Kana tiine tsika yokuita chivi nemaune pashure pokunge tagamuchira zivo yakarurama pamusoro pechokwadi, hapasisina kana chibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi.”​—VaHebheru 6:4-6; 2 Petro 2:20-22.

  •   Jesu akasimbisa nyaya yekukosha kwazvinoita kuti munhu arambe aine kutenda paakazvifananidza nemuzambiringa, vateveri vake achivafananidza nemapazi emuzambiringa. Vamwe vavo vaizoratidza nezvibereko zvavo, kana kuti mabasa avo kuti vane kutenda, asi nekufamba kwenguva vaizokundikana kuramba vakadaro, zvoita kuti ‘vakandwe kunze sebazi risina zvibereko,’ kureva kuti vaizorasikirwa neruponeso. (Johani 15:1-6) Muapostora Pauro akashandisawo mufananidzo wakafanana naiwoyo, paakataura kuti vaKristu vasingarambi vaine kutenda ‘vachatemwa.’​—VaRoma 11:17-22.

  •   VaKristu vanoudzwa kuti ‘varambe vakarinda.’ (Mateu 24:42; 25:13) Vaya vanorara mune zvekunamata, zvichida nekuita “mabasa erima” kana kuti nekusanyatsoita zvose zvatakarayirwa naJesu, vanorasikirwa neruponeso rwavo.​—VaRoma 13:11-13; Zvakazarurwa 3:1-3.

  •   Magwaro akawanda anoratidza kuti vaya vakawana ruponeso vanofanira kuramba vachitsungirira vakatendeka kusvikira pakuguma. (Mateu 24:13; VaHebheru 10:36; 12:2, 3; Zvakazarurwa 2:10) VaKristu vepakutanga vakafara chaizvo pavakaziva kuti vamwe vavo vaitsungirira mukutenda kwavo. (1 VaTesaronika 1:2, 3; 3 Johani 3, 4) Zvingava nemusoro here kuti Bhaibheri risimbise nyaya yekutsungirira takatendeka kana kuri kuti vaya vasina kutsungirira vanozongopona zvakadaro?

  •   Muapostora Pauro akanyatsova nechokwadi chekuti aizoponeswa pazvakanga zvava pachena kuti ava kuzofa. (2 Timoti 4:6-8) Asi kare kese, aiziva kuti aigona kurasikirwa neruponeso kudai aizobvuma kuita zvido zvenyama. Akanyora kuti: “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiuita somuranda, kuti zvimwe, pashure pokunge ndaparidzira vamwe, ini ndirege kuva asingatenderwi.”​—1 VaKorinde 9:27; VaFiripi 3:12-14.