Enda pane zvauri kuda

Dhiyabhorosi Ndiye Honzeri Yokutambura Kwose Here?

Dhiyabhorosi Ndiye Honzeri Yokutambura Kwose Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinoratidza kuti Satani Dhiyabhorosi munhu chaiye uye akafanana nemutungamiriri ane simba wematsotsi, uyo anoda kuita zvose zvaanogona kuti azadzise zvinangwa zvake achishandisa “zviratidzo zvenhema” uye ‘unyengeri.’ Kutaura zvazviri “anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza,” rinodaro Bhaibheri. (2 VaTesaronika 2:​9, 10; 2 VaKorinde 11:​14) Zvinhu zvakaipa zviri kuitika ndizvo zvinoita kuti tizive kuti Dhiyabhorosi ariko.

 Asi Dhiyabhorosi haasi iye anokonzera kutambura kwose kwatinoona. Nei tichidaro? Mwari akasika vanhu vachikwanisa kusarudza kuita zvakanaka kana kuti zvakaipa. (Joshua 24:​15) Kana tikatadza kuita zvisarudzo zvakanaka tinokohwawo zvakaipa.​—VaGaratiya 6:​7, 8.