Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Isaya 26:3—“Muchachengeta Murugare Rukuru Munhu Ano Mwoyo Wakasimba”

Isaya 26:3—“Muchachengeta Murugare Rukuru Munhu Ano Mwoyo Wakasimba”

 “Muchachengetedza vaya vanovimba nemi zvizere; muchaita kuti varambe vaine rugare, nekuti ivo vanovimba nemi.”—Isaya 26:3, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Muchachengeta murugare rukuru munhu ano mwoyo wakasimba, nokuti anovimba nemi.”—Isaya 26:3, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naIsaya 26:3

 Muprofita Isaya akataura mashoko iwayo anosimbisa achiratidza kuti Mwari anodzivirira vaya vanonyatsovimba naye. Anozviita nekuvabatsira kuti vanzwe vakachengeteka uye vaine rugare.

 “Muchachengetedza vaya vanovimba nemi zvizere.” Mashoko aya anotaura nezvevaya vakanyatsozvipira nemwoyo wese kuti vavimbe naJehovha a nguva dzese. Vaya vanovimba naMwari vanoziva kuti vanofanira kubatsirwa naye. Semuenzaniso, pavanenge vachiita zvisarudzo zvinokosha muupenyu, havavimbi nepfungwa dzavo kana kuti nemafungiro avo. Asi vanotanga vaona kuti Mwari anoti kudii pane zvese zvavanoita. (Zvirevo 3:5, 6) Vanonyatsoverenga Shoko raMwari Bhaibheri kuti vazive kuti Mwari anoti kudii uye vanodzamisa pfungwa dzavo pane zvavanenge vaverenga. (Pisarema 1:2; 119:15) Pavanenge vari mumamiriro ezvinhu akaoma, vanonyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese vachikumbira kuti avabatsire. (Pisarema 37:5; 55:22) Pavanoita izvozvo, vanoratidza kuti vanovimba naMwari uye Mwari anobva avapawo rugare.

 “Muchaita kuti varambe vaine rugare.” Mashoko aya paakatanga kunyorwa muchiHebheru, shoko rekuti “rugare” rakadzokororwa kaviri zvichiratidza kusimbisa. Kuti pfungwa iyoyo ibude, shoko iri rinogona kushandurwa richinzi “varambe vaine rugare,” “rugare chairwo,” kana kuti “rugare rukuru.” Chiri kurehwa ndechekuti vaya vanonyatsovimba naJehovha vanonzwa vaine rugare, vakagadzikana mupfungwa nemumwoyo pasinei nekuti vanenge vari mumatambudziko. (Pisarema 112:7; 119:165) Rugare irworwo runobva pakuva neushamwari hwepedyo naJehovha, uye pakuedza kuita zvinomufadza.—Zvirevo 3:32; Isaya 48:18.

 Mwari paanoita kuti vanamati vake “varambe vaine rugare,” hazvirevi kuti anovabvisira matambudziko avo ese zvekuti vanosara vasingatombozvidyi mwoyo. (1 Samueri 1:6, 7; Jobho 6:1, 2; Pisarema 31:9) Asi anovabatsira kuti vatsungirire matambudziko avo. (Isaya 41:10, 13) Anopindura minyengetero yavo nekuvapa uchenjeri, simba uye kuvanyaradza. (Pisarema 94:19; Zvirevo 2:6; Isaya 40:29) Izvi zvinobva zvaita kuti vanzwe vakagadzikana mumwoyo nemupfungwa kunyange vari mumatambudziko.—VaFiripi 4:6, 7.

Mashoko akapoteredza Isaya 26:3

 Muprofita Isaya akararama makore anenge 2 800 akapfuura. Vakawanda vaiva muJudha panguva iyoyo uye mumakore akazotevera, havana kunamata Jehovha vakatendeka. Saka Jehovha akarega guta ravo guru reJerusarema, richiparadzwa mugore ra607 B.C.E.

 Asi pachiine makore anopfuura 100 Jerusarema risati raparadzwa, Isaya akanyora rwiyo rwekurumbidza Jehovha rwatinowana muchitsauko 26. (Isaya 26:1-6) Rwiyo irworwo rwaitaura kuti paizosvika nguva yekuti rimwe guta raiva munyika yaJudha raizovakwazve. Guta rairehwa raiva Jerusarema.

 Jerusarema rakazovakwazve gore ra537 B.C.E rapfuura. Paraizenge ravakwa, vaJudha vakatendeka vainge vadzokera ikoko vaizonzwa vakachengeteka vachiti: “Tine guta rakasimba.” (Isaya 26:1) Masvingo akasimba ainge akapoteredza guta iri haasiriwo hawo aiita kuti rinzi rakasimba. Asi kuchengeteka kweguta racho kwaibva pakuti Jehovha ndiye aizovakomborera uye aizovadzivirira.—Isaya 26:2.

 Ndozvazvakaitawo mazuva ano. Vaya vanonyatsovimba naJehovha vanonzwa vakachengeteka nekuti vanomuona “seDombo” ravo kana kuti senzvimbo yekutizira.—Isaya 26:4.

 Ona vhidhiyo iyi kuti uone pfupiso yezviri mubhuku raIsaya.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?