Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvakachinja Bhaibheri Kuti Rienderane Nedzidziso Dzavo Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvakachinja Bhaibheri Kuti Rienderane Nedzidziso Dzavo Here?

 Aiwa hatina kudaro. Chakaitika ndechokuti, pataiona kuti dzidziso dzedu hadzisi kuenderana nezviri muBhaibheri, taibva tachinja dzidziso dzedu kuti dzienderane neBhaibheri.

 Takagara tichiongorora Bhaibheri kubvira kare kare, tisati tatombotanga kubudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yeChirungu muna 1950. Taishandisa chero shanduro yeBhaibheri yataiwana, uye dzidziso dzedu dzaibva pane zvataiona mumaBhaibheri iwayo. Ona mimwe mienzaniso yedzidziso dzava nemakore dzichitendwa neZvapupu zvaJehovha, wozvionera woga kana zvavanotaura zvichienderana nezvinonyatsodzidziswa neBhaibheri.

  1.   Zvatinotenda: Mwari haasi Utatu. Zion’s Watch Tower yaJuly 1882 yakati: “Vaverengi vedu vanoziva kuti kunyange zvedu tichitenda kuti kuna Jehovha, Jesu uye Mudzimu mutsvene, hatibvumi zvachose dzidziso isiri mumagwaro yokuti zvose izvi ndivanaMwari vatatu vari mumunhu mumwe chete kana kuti sezvinotaurwa nevamwe kuti ndiMwari ari muvanhu vatatu.

      Zvinodzidziswa neBhaibheri: “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.” (Dheuteronomio 6:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) “Asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiripo nokuda kwake; uye Ishe mumwe Jesu Kristu; zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.” (1 VaKorinde 8:6, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Jesu pachake akati: “Baba vakuru kwandiri.”—Johani 14:28, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

  2.   Zvatinotenda: Vanhu havasi kuzotambudzwa nokusingaperi mugomba remoto. Zion’s Watch Tower yaJune 1882 yaiva nomusoro waiti “Mubayiro Wezvivi Rufu” uyo waibva pana VaRoma 6:23 muKing James Version. Yakati: “Zvinotaurwa nevhesi iyi zvakajeka uye zviri nyore kunzwisisa. Zvinoshamisa kunzwa vanhu vakawanda vanozviti vanotenda kuti Bhaibheri iShoko raMwari asi vachiramba vachitaura zvinopesana nezviri muvhesi iyi, uye vachitosimbirira kutaura kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti mubayiro wezvivi kutambudzwa nokusingaperi.”

      Zvinodzidziswa neBhaibheri: “Mweya unotadza, uchafa.” (Ezekieri 18:4, 20, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Chirango chichapiwa vanhu vasingateereri Mwari hachisi chokutambudzwa nokusingaperi asi kuti ‘kuparadzwa nokusingaperi.’​—2 VaTesaronika 1:9, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

  3.   Zvatinotenda: Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo kwete kuti huri mumwoyo momunhu. Zion’s Watch Tower yaDecember 1881 ichitaura nezveUmambo hwaMwari yakati: “Pachagadzwa umambo uhwu, hurumende dzose dziri panyika dzichaparadzwa.”

      Zvinodzidziswa neBhaibheri: ‘Zvino nemazuva emadzimambo iwayo Mwari wokudenga achamutsa umambo, husingazoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza umambo uhwu hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.’​—Dhanieri 2:44, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Zvapupu zvaJehovha zvinongoshandisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene kutsigira dzidziso dzavo here?

 Aiwa, tinoshandisa shanduro dzemaBhaibheri dzakasiyana-siyana patinoita basa redu rokuparidzira. Kunyange zvazvo tichipa vanhu Shanduro yeNyika Itsva tisingavabhadharisi, takasununguka kukurukura nyaya dzeBhaibheri nevanhu vanoda kushandisa mamwe maBhaibheri.