Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvine Bhaibheri Razvo Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvine Bhaibheri Razvo Here?

 Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa shanduro dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana pakudzidza Bhaibheri. Asi vanofarira kushandisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene kana ichiwanika mumutauro wavanogona kunzwisisa nokuti inoshandisa zita raMwari, yakarurama, uye iri nyore kunzwisisa.

  •   Inoshandisa zita raMwari. Vamwe vanobudisa maBhaibheri havana kuremekedza munyori waro. Somuenzaniso, imwe shanduro yeBhaibheri ine mazita evanhu vanopfuura 70 vanonzi ndivo vakabatsira pakuita kuti shanduro iyoyo ibudiswe. Asi muBhaibheri iroro zita raMwari rokuti Jehovha haritombowaniki!

     Kusiyana nemaBhaibheri akadaro, Shanduro yeNyika Itsva yakadzorera zita raMwari rokuti Jehovha munzvimbo dzakawanda dzaraiwanika muzvinyorwa zvepakutanga, asi dare rakabudisa Bhaibheri racho harina kuda kuzivikanwa mazita aro.

  •   Yakarurama. Dzimwe shanduro hadzinyatsobudisa mashoko akarurama aiva mumashoko epakutanga-tanga pakanyorwa Bhaibheri. Somuenzaniso imwe shanduro yeBhaibheri inoshandura Mateu 7:13 ichiti: “Pindai nepagedhi rakatetepa, nokuti gedhi rehero rakafara uye mugwagwa unoenda kwairi uri nyore.” Asi shoko rakashandiswa pakutanga raiva rokuti “kukuparadzwa” kwete “hero.” Vashanduri vanogona kunge vakaisa shoko rokuti “hero” vachifunga kuti vakaipa vaizotambudzwa nekusingaperi mugomba remoto. Asi Bhaibheri haritsigiri pfungwa iyoyo. Shanduro yeNyika Itsva inoshandura mashoko acho zvakarurama ichiti: “Pindai nepagedhi rakamanikana; nokuti mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa.”

  •   Iri nyore kunzwisisa. Shanduro yakanaka haifaniri kungogumira pakuti yakarurama asi inofanira kunge yakajeka, iri nyore kunzwisisa. Ona muenzaniso. Pana 1 Petro 1:13, muapostora Pauro anoshandisa mashoko anoreva kuti “sungai zviuno zvepfungwa dzenyu.” Mashoko aya akashandurwa sezvaari haanzwisisiki zvaanoreva, saka Shanduro yeNyika Itsva inoshandura mashoko acho nenzira iri nyore kunzwisisa ichiti ‘gadzirirai pfungwa dzenyu.’

 Kuwedzera kwayo pakuva yakajeka, iri nyore pakunzwisisa, inoshandisa zita raMwari, Shanduro yeNyika Itsva haitengeswi inopiwa vanhu mahara. Izvi zviri kuita kuti vanhu vakawanda vaverenge Bhaibheri mumutauro wavo, kunyange vaya vakanga vasingazombokwanisi kufa vakatenga Bhaibheri.