Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakarurama Here?

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakarurama Here?

 Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva reChirungu rakatanga kubudiswa muna 1950. Kubvira ipapo vamwe vakarumbidza Shanduro yeNyika Itsva a yacho asi vamwe vakaishora nokuti ine mamwe mavhesi akashandurwa zvakasiyana nemamwe maBhaibheri. Zvikonzero zvakaita kuti Shanduro yeNyika Itsva isiyane nemamwe maBhaibheri ndeizvi:

  •   Inogona kuvimbwa nayo. Pakunyora Shanduro yeNyika Itsva pakaitwa tsvakurudzo yakadzama uye pakashandiswa zvinyorwa zvekare-kare zvinovimbwa nazvo. Asi kana iri King James Version ya1611 yakashandisa zvinyorwa zvakanga zvisina uchokwadi hwakazara uye zvinyorwa zvacho zvakanga zvisiri zvekare-kare sezvakashandiswa pakunyora Shanduro yeNyika Itsva.

  •   Yakavimbika. Mashoko okutanga akafuridzirwa naMwari ndiwo anoedza kubudiswa neShanduro yeNyika Itsva. (2 Timoti 3:​16) MaBhaibheri akawanda haaiti izvozvo nokuti anotevedzera tsika dzevanhu dzakadai sokutsiva zita raMwari rokuti Jehovha vachinyora rokuti Ishe kana kuti Mwari.

  •   Inoshandura shoko neshoko. Shanduro yeNyika Itsva yakasiyana nemamwe maBhaibheri pakuti inoshandura shoko neshoko kunze kwokuti kana shoko racho richizoita kuti pfungwa iri kudiwa isabuda zvakanaka. MaBhaibheri asingashanduri shoko neshoko anoita kuti pave nomukana wokuwedzeredza kana kusiirira mashoko ari muzvinyorwa zvekare.

Kusiyana kwakaita Shanduro yeNyika Itsva nemamwe maBhaibheri

 Haina mamwe mabhuku. MaBhaibheri echechi yeRoma uye eEastern Orthodox ane mabhuku avanoti Apokirifa. Asi vaJudha vanoramba kuti mabhuku iwayo akanga arimo muMagwaro echiHebheru, uye chinoita kuti tivimbe nezvinotaurwa nevaJudha ndechokuti Bhaibheri rinoti vaJudha ndivo “vakachengeteswa mashoko matsvene aMwari.” (VaRoma 3:1, 2) Ndokusaka Shanduro yeNyika Itsva nemamwe maBhaibheri emazuva ano asina mabhuku eApokirifa.

 Haina mamwe mavhesi. Mamwe maBhaibheri anowedzera mavhesi kana kuti mashoko asimo muzvinyorwa zvekare zvinoshandiswa pakushandura Bhaibheri asi Shanduro yeNyika Itsva haiiti zvakadaro. MaBhaibheri akawanda emazuva ano haanyori mavhesi iwayo asi kana vakaanyora vanobva vataura kuti hapana zvinyorwa zvakavimbika zvinotsigira mashoko ari muvhesi yacho. b

 Manyorerwo akasiyana emamwe mashoko. Pane dzimwe nguva, kushandura shoko neshoko kunoita kuti zvinhu zviri kutaurwa zvisabuda zvakajeka kana kuti zvitorasisa muverengi. Somuenzaniso, mashoko akataurwa naJesu pana Mateu 5:3 anowanzoshandurwa achinzi: “Vakaropafadzwa varombo pamweya.” (Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi; Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona; Bhaibheri Rinoyera) Vakawanda vanovhiringidzwa nokushandurwa kweshoko neshoko kwokuti “varombo pamweya” uye vamwe vanofunga kuti Jesu aireva kuti vanhu vanofanira kuzvininipisa kana kuva varombo. Asi Jesu aireva kuti mufaro wechokwadi unobva pakuziva kuti tinoda kutungamirirwa naMwari muupenyu. Shanduro yeNyika Itsva inonyatsobudisa zvinorehwa nemashoko acho ichiti ‘vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvokunamata.’​—Mateu 5:3.

Mashoko okurumbidza Shanduro yeNyika Itsva akataurwa nenyanzvi dzisiri Zvapupu zvaJehovha

  •   Musi wa8 December 1950, Edgar J. Goodspeed mushanduri weBhaibheri anoremekedzwa, akanyora tsamba achitaura nezveShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki achiti: “Ndinofarira chinangwa chamunacho pabasa ramunoita uye kuti munoriita pasi rose, uye ndinoda chaizvo kushandura kwamunoita nokuti kwakajeka uye ndekwemhando yepamusoro uye hamutengesi maBhaibheri acho. Semaonero angu basa ramunoita rinoratidza kuti munoongorora zvakadzama.”

    Edgar J. Goodspeed

  •   Purofesa Allen Wikgren wekuUniversity of Chicago achitaura nezveShanduro yeNyika Itsva akati yakanyorwa nomutauro uri nyore kunzwisisa nokuti haina kushandurwa ichibva mune mamwe maBhaibheri asi yaishandisa zvinyorwa zvekare zvepakutanga.”​—The Interpreter’s Bible, Volume I, peji  99.

  •   Alexander Thomson ndewekuBritain uye muongorori wemaBhaibheri saka paaitaura nezveShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki, akati: “Bhaibheri iri rakashandurwa nenyanzvi chaidzo idzo dzaiedza kunyatsobudisa zvinorehwa nemagwaro echiGiriki.”​—The Differentiator, April 1952, peji 52.

  •   Pasinei hapo nokuti pane zvishoma zvaasingabvumirani nazvo, munyori anonzi Charles Francis Potter akati: “Vashanduri ava vasingazivikanwi mazita avo vakashandura zvinyorwa zvechiGiriki uye zvechiHebheru zvakarurama uye vakazviita nounyanzvi chaihwo.”​—The Faiths Men Live By, peji 300.

  •   Robert M. McCoy kunyange zvazvo achiti manyorerwo akaitwa Shanduro yeNyika Itsva akati siyanei nemamwe maBhaibheri uyewo pane zvimwe zvakanaka zviri mairi, anogumisa achiti: “Kushandurwa kwakaitwa Testamende Itsva neZvapupu zvaJehovha kwakaitwa nenyanzvi dzinoziva basa radzo uye dzinogona kugadzirisa matambudziko anosangana nevamwe vashanduri vemaBhaibheri.”​—Andover Newton Quarterly, January 1963, peji 31.

  •   Kunyange zvazvo Purofesa S. MacLean Gilmour, asingabvumirani nemamwe manyorerwo akaitwa Shanduro yeNyika Itsva, anotaura kuti vanhu vakaishandura “vanoratidza kuti vanonyatsonzwisisa chiGiriki.”​—Andover Newton Quarterly, September 1966, peji 26.

  •   Purofesa Thomas N. Winter achiongorora Shanduro yeNyika Itsva iyo inowanikwawo muKingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures, akanyora kuti: “Boka revashanduri ava vasingadi kuzivikanwa mazita avo rinoratidza kuti riri kufambirana nenguva uye zvarinoshandura zvakarurama.”​—The Classical Journal, April-May 1974, peji 376.

  •   Purofesa Benjamin Kedar, nyanzvi yomutauro wechiHebheru kuIsrael, muna 1989 akati: “Pakuongorora kwandinoita Magwaro echiHebheru ndichienzanisa nokushandurwa kwaanoitwa mune mimwe mitauro ndinowanzoshandisa Shanduro yeNyika Itsva. Pose pandinoishandisa ndinonyatsonzwa kuti shanduro iyi yakabuda zvakanaka uye kushandura kwacho kwaiedza kubudisa chaizvo zviri kurehwa.”

  •   Jason David BeDuhn, purofesa anoongorora nyaya dzezvitendero paakaongorora shanduro dzemaBhaibheri 9 anonyanya kushandiswa akanyora kuti: “Shanduro yeNyika Itsva ndiyo yakanyanya kururama.” Kunyange zvazvo vamwe vanhu uye dzimwe nyanzvi dzinoongorora maBhaibheri dzichiti kusiyana kwakaita Shanduro yeNyika Itsva nemamwe maBhaibheri imhaka yokuti vashanduri vayo ndevechitendero ichocho, BeDuhn akati: “Chinoita kuti misiyano mikuru ivepo ndechokuti Shanduro yeNyika Itsva yakashandura chaizvo zvaiva muzvinyorwa zvepakutanga uye yakabudisa pfungwa dzaiva nevanyori veTestamende Itsva.”​—Truth in Translation, mapeji 163, 165.

a Mashoko okurumbidza aya uye okushora aiva akanangana nemaBhaibheri eShanduro yeNyika Itsva yeChirungu akashandurwa 2013 asati asvika.

b Somuenzaniso, ona Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona uye Bhaibheri Rinoyera. Mavhesi akawedzererwa ndeaya Mateu 17:21; 18:11; 23:14; 18:11; 23:14; Mako 7:16; 9:44, 46; 11:26; 15:28; Ruka 17:36; 23:17; Johani 5:4; Mabasa 8:​37; 15:34; 24:7; 28:29; uye VaRoma 16:24. Bhaibheri reKing James Version uye reDouay-Rheims Version pana 1 Johani 5:​7, 8, anotsigira dzidziso yokuti Jehovha, Jesu uye mudzimu mutsvene munhu mumwe chete asi mashoko aya akazonyorwa makore anopfuura 100 Bhaibheri ratopera kunyorwa.