Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rakachinjwa Here?

Bhaibheri Rakachinjwa Here?

 Kwete. Ongororo yakaitwa pazvinyorwa zveBhaibheri zvekare inoratidza kuti Bhaibheri harina kuchinja kunyange zvazvo rakaita zviuru zvemakore richikopwa uye richinyorerwa pazvinhu zvinokurumidza kuparara.

Izvi zvinoreva here kuti hapana kana zvikanganiso zvakamboitika pakukopa Bhaibheri?

 Pane zviuru zvezvinyorwa zveBhaibheri zvekare zvakawanikwa. Zvimwe zvacho zvine misiyano yakati kuti uye izvi zvinoratidza kuti pane zvikanganiso zvakaitwa pakukopa. Misiyano yakawanda yacho midiki uye haichinji zvinenge zvichirehwa. Asi pane mimwe misiyano mishomanana yakakura uye mimwe yacho inoratidza kuti vanhu vaikopa vaida kuchinja mashoko eBhaibheri nemaune. Chimbofunga nezvemienzaniso miviri:

  1.   Pana 1 Johani 5:7, mamwe maBhaibheri ekare ane mashoko ekuti: ‘zviri kudenga, Baba, Shoko, neMweya Mutsvene: . . . zvitatu izvi chinhu chimwe chete.’ Asi zvinyorwa zvakarurama zvekare zvinoratidza kuti mashoko aya akanga asimo muBhaibheri rekutangatanga. Akatoita zvekuwedzeredzwa pava paya. a Saka maBhaibheri emazuva ano anovimbwa nawo haana mashoko iwayo.

  2.   Muzvinyorwa zveBhaibheri zvekare, zita raMwari rinowanikwa kanenge ka7 000. Asi mumaBhaibheri akawanda zita iroro rakatsiviwa nemazita ekuremekedza akadai sekuti “Ishe” kana kuti “Mwari.”

Tingava sei nechokwadi chekuti hapana zvimwe zvikanganiso zvichawanikwa muBhaibheri?

 Iye zvino, zvava nyore chaizvo kupfuura kare kuti tione kuti pakakanganisika ndepapi nekuti kwava nezvinyorwa zvekare zvakawanda zvakawanikwa. b Kuenzanisa zvinyorwa izvi kwakaratidzei nezvekururama kweBhaibheri?

  •   Achitaura nezveMagwaro echiHebheru (anowanzonzi “Testamende Yekare”), muongorori anonzi William H. Green akati: “Tinogona kutaura takasununguka kuti hakuna rimwe bhuku rekare rakakopwa zvakarurama kudaro.”

  •   Achitaura nezveMagwaro echiKristu echiGiriki kana kuti “Testamende Itsva,” muongorori weBhaibheri F.  F.  Bruce akanyora kuti: “Vanhu vanobvuma uchapupu hwemabhuku akawanda ekare akanyorwa nevanhu, asi kunotova neuchapupu hunopfuura ipapo nekure hunoratidza kuti Testamende Itsva ndeyechokwadi.”

  •   Sir Frederic Kenyon, nyanzvi yekuongorora zvinyorwa zveBhaibheri zvekare vakataura kuti munhu “anogona kubata Bhaibheri otaura asingatyi kuti akabata Shoko raMwari rechokwadi, rakakwana kunyange zvazvo rakapfuudzwa kuzvizvarwa nezvizvarwa kwemazana emakore.”

Ndezvipi zvimwe zvinoita kuti tinyatsobvuma kuti Bhaibheri rakakopwa nemazvo?

  •   Vakopi vechiJudha uye vechiKristu havana kuda kuvanza zvikanganiso zvakakura zvakaitwa nevanhu vaMwari. c (Numeri 20:12; 2 Samueri 11:2-4; VaGaratiya 2:11-14) Vakanyorawo ndima dzaitaura nezvekusateerera kwaiitwa nevaJudha uye dzaifumura dzidziso dzakatangwa nevanhu. (Hosiya 4:2; Maraki 2:8, 9; Mateu 23:8, 9; 1 Johani 5:21) Kukopa kwavakaita vasingasiyiriri zvimwe kunoratidza kuti vainge vakavimbika uye kuti vairemekedza Shoko dzvene raMwari.

  •   Zvine musoro kubvuma kuti Mwari, uyo akafemera Bhaibheri, aizorichengetedza kuti zvirimo zvisakanganiswa.  d (Isaya 40:8; 1 Petro 1:24, 25) Aida kuti ribatsire vanhu vese, vekare uye vemazuva ano. (1 VaKorinde 10:11) Zviri pachena kuti, “zvinhu zvese zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva pakutsungirira kwedu uye pakunyaradza kunobva muMagwaro.”​—VaRoma 15:4.

  •   Jesu nevateveri vake vakataura mashoko ari muMagwaro echiHebheru vachiratidza kuti zvaivamo ndezvechokwadi.​—Ruka 4:16-21; Mabasa 17:1-3.

a Mashoko aya haawanikwe muCodex Sinaiticus, Codex Alexandrinus, Vatican Manuscript ya1209, Latin Vulgate yepakutangatanga, Philoxenian-Harclean Syriac Version, kana muSyriac Peshitta.

b Semuenzaniso, kwakawanikwa zvinyorwa zvekare zvinopfuura 5 000 zveMagwaro echiKristu echiGiriki, ayo anowanzonzi Testamende Itsva.

c Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vaMwari vaitombokanganisawo. Rinoti: “Hapana munhu asingatadzi.”​—1 Madzimambo 8:46.

d Bhaibheri rinotaura kuti kunyange zvazvo Mwari asina kuita zvekushevedzera shoko rimwe nerimwe rakanyorwa muBhaibheri, iye akatungamirira pfungwa dzevanhu vakarinyora.​—2 Timoti 3:16, 17; 2 Petro 1:21.