Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BalanceFormcreative/iStock via Getty Images Plus

Batsira Vamwe Kuti Usanyanya Kusurukirwa—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Batsira Vamwe Kuti Usanyanya Kusurukirwa—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Pasi rese vanhu vakawanda vari kusurukirwa uye vari kunzwa sekuti havakwanisi kuva neshamwari. Vamwe vezveutano vanoti kubatsira vamwe ndeimwe nzira yekuderedza nayo kusurukirwa.

  •   “Kubatsira vamwe kunogona kuita kuti munhu unakidzwe neupenyu, usanyanya kunzwa kusurukirwa uye hauzonyanyi kuzviita zindoga.”—U.S. National Institutes of Health.

 Bhaibheri rine mazano ezvatingaita kuti tibatsire vamwe. Tikashandisa zvarinotaura tinogona kuderedza kusurukirwa kwatingava tichiita.

Zvaunogona kuita

 Iva nerupo. Tsvaga mikana yekuti uve nenguva yekuva nevamwe muchiita zvekutoonana kwete zvepafoni. Vapewo zvaunenge unazvo kwete kuomera. Ukadaro zvichaita kuti vakufarire uye vachakutenda. Izvi zvinoita kuti musimbise ushamwari.

  •   Zvinotaurwa neBhaibheri: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.”—Ruka 6:38.

 Batsira vamwe. Tsvaga nzira dzekuti ubatsire vamwe kana paine dambudziko ravari kusangana naro. Zvimwe zvaunogona kuita kunyatsovateerera pavanenge vachitaura woratidza kuti uri kuvanzwira tsitsi. Vapewo kana kuti vaitirewo zvimwe zvinhu zvinogona kuita kuti vanzwe kurerukirwa padambudziko ravo.

  •   Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese.”—Zvirevo 17:17.

 Kana uchida kunzwa zvimwe zvaungaita kuti uwedzere kusimbisa ushamwari hwako nevamwe, verenga nyaya yakanzi “Kuwirirana Mumhuri Uye Neshamwari.”