Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Left: Yasser Qudaih/Anadolu via Getty Images; right: RONALDO SCHEMIDT/AFP via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Kurwisana Kuchapera Riini? Bhaibheri Rinoti Kudii?

Kurwisana Kuchapera Riini? Bhaibheri Rinoti Kudii?

 Paaitaura nezvekurwiswa kwakaitwa nyika yeIsrael neIran musi weMugovera, 13 April, 2024, munyori mukuru weSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (United Nations) anonzi António Guterres akati: “Tinofanira kutora matanho ekuti hondo isatanga. Ino ndiyo nguva yekuzvidzora zvakakwana.”

 Zviri kuitika munharaunda yeMiddle East ndizvo zviri kuitikawo mune dzimwe nzvimbo pasi rese.

 “Kubva pakapera Hondo Yenyika II, iye zvino ndiyo nguva ine hondo dzakawanda dziri kurwiwa panguva imwe chete. Vanhu 2 bhiriyoni vari kukanganiswa nehondo idzi. Izvi zvinoreva kuti munhu mumwe chete pavanhu 4 vega vega ari kukanganiswa nehondo.”—United Nations Security Council, 26 January, 2023.

 Nyika dzinotevera dziri kubatanidzwa mukurwisana kuri kuitika pasi rese: Israel, Gaza, Syria, Azerbaijan, Ukraine, Sudan, Ethiopia, Niger, Myanmar, uye Haiti. a

 Kurwisana Kuchapera Riini? Vatungamiriri venyika vanokwanisa kuita kuti panyika pave nerunyararo here? Bhaibheri Rinoti Kudii?

Panyika pazara hondo

 Kurwisana kuri kuitika panyika kunoratidza kuti hondo dzava kuda kupera. Hondo idzi dziri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvenguva yatiri kurarama. Bhaibheri rinotiudza kuti “nyika yava kumagumo kwayo.”—Mateu 24:3.

  •   “Muchanzwa nezvehondo nemashoko pamusoro pehondo. . . . Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo.”—Mateu 24:6, 7.

 Verenga nyaya yakanzi “Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti “Nguva Yekupedzisira” Ndechipi?” kuti uone kuti hondo dziri kuitika dziri kuzadzisa sei uprofita hweBhaibheri.

Hondo ichapedza dzimwe hondo dzese

 Bhaibheri rinotaura kuti hondo dziri kurwiwa nevanhu dzichapera. Izvi zvichaitika sei? Hazvisi kuzoitwa nevanhu asi neAmagedhoni, ‘hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.’ (Zvakazarurwa 16:14, 16) Kana hondo iyi yapera Mwari achazadzisa vimbiso yake yekuti vanhu vachagara murunyararo vasina chekutya.—Pisarema 37:10, 11, 29.

 Kuti uzive zvakawanda nezvehondo yaMwari ichapedza hondo dzese, verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?

a ACLED Conflict Index, “Ranking violent conflict levels across the world,” January 2024