Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | MUGUMO WAVA PEDYO HERE?

Chii Chinonzi ‘Mugumo’

Chii Chinonzi ‘Mugumo’

Unofungei paunonzwa kuti “Mugumo wava pedyo”? Unofunga nezvemufundisi ari kushamatata ari pamberi pevanhu, achikanda maoko kuno neuko, akabata Bhaibheri here? Kana kuti unofunga nezvekuroromeswa kwenyika nemoto? Kufunga zvinhu zvakadaro kungaita kuti vamwe vanetseke, ukuwo vamwe havana chokwadi kuti zvichaitika here kana kuti vanotoona zvichisekesa.

Bhaibheri rinotaura kuti: “Kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Mugumo unonziwo “zuva guru raMwari” uye “Ha-Magedhoni” kana kuti Amagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Machechi anotaura zvakasiyana-siyana panyaya iyi, uye izvi zvinoita kuti vanhu vafungidzire kuti pane zvinhu zvinotyisa zvichaitika. Zvisinei Bhaibheri pacharo rinotaura zvakajeka nezvemugumo richiratidza kuti chokwadi ndechipi uye nhema ndedzipi. Shoko raMwari rinotibatsirawo kuti tinyatsoziva kuti mugumo wava pedyo here. Chikuru ndechokuti rinotiudza zvatinofanira kuita kuti tipone! Ngatitangei nekuona dzimwe nhema dzinotaurwa panyaya iyi, tozoona kuti chokwadi ndechipi. Maererano neBhaibheri “kuguma” kunomborevei chaizvo?

NHEMA DZINOTAURWA NEZVEMUGUMO

  1. INHEMA KUTI NYIKA ICHANYUNGUDUTSWA NEMOTO, YOPARARA.

    Bhaibheri rinoti: “[Mwari] akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi.” (Pisarema 104:5) Patinoverenga rugwaro urwu nemamwe, tinova nechokwadi chekuti Mwari haazomboparadzi pasi rino kana kuti nyika, uye haazomboregi ichiparadzwa!—Muparidzi 1:4; Isaya 45:18.

  2. INHEMA KUTI HAPANA NGUVA YAKARONGWA YOKUUYA KWEMUGUMO.

    Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akatoronga nguva chaiyo ichauya mugumo. Rinoti: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro kana awa yacho, kunyange ngirozi dziri kudenga kana Mwanakomana, asi Baba. Rambai muchitarira, rambai makamuka, nokuti hamuzivi kuti nguva yakatarwa ichasvika rini.” (Mako 13:32, 33) Saka zviri pachena kuti pane “nguva yakatarwa” naMwari (“Baba”) ichauya mugumo.

  3. INHEMA KUTI NYIKA ICHAGUMISWA NEVANHU KANA KUTI NEMAZITOMBO ANODONHA KUBVA MUDENGA.

    Mugumo uchavapo sei? Zvakazarurwa 19:11 inoti: “Zvino ndakaona denga rakavhurika, uye, tarira! kwaiva nebhiza jena. Akanga akaritasva anonzi Akatendeka uye weChokwadi.” Vhesi 19 inobva yati: “Zvino ndakaona chikara nemadzimambo enyika nemauto avo vakaungana kuti varwe naiye akanga akatasva bhiza neuto rake.” (Zvakazarurwa 19:11-21) Zvakawanda zvinotaurwa pano zvine zvazvinomiririra, asi zvinotiratidza kuti Mwari achatuma uto rake rengirozi kuti riparadze vavengi vake.

Bhaibheri rinotsanangura kuti mugumo pauchauya zvinhu zvichanaka

CHOKWADI NEZVEMUGUMO

  1. HURUMENDE DZEVANHU NDIDZO DZICHAGUMA.

    Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Mwari wokudenga achamutsa [hurumende kana kuti] umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.” (Dhanieri 2:44) Sezvambotaurwa, “madzimambo enyika nemauto avo” vanenge ‘vaungana kuti varwe naiye akatasva bhiza neuto rake,’ ndivo vachaparadzwa.—Zvakazarurwa 19:19.

  2. HONDO, CHISIMBA UYE UDZVINYIRIRI NDIZVO ZVICHAGUMA.

    “[Mwari] anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.” (Pisarema 46:9) “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.” (Zvirevo 2:21, 22) “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:4, 5.

  3. MACHECHI ARI KUTADZIRA MWARI ACHITSAUSA VANHU NDIWO ACHAGUMA.

    ‘Vaprofita vanoprofita nhema, uye vapristi vanoramba vachidzvinyirira maererano nemasimba avo. Saka muchaitei pakuguma?’ (Jeremiya 5:31) “Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu here?’ Asi ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.”—Mateu 7:21-23.

  4. VANHU VANOTSIGIRA ZVAKAIPA ZVIRI KUITIKA PASI PANO NDIVO VACHAPARADZWA.

    Jesu Kristu akati: “Zvino kutongwa kunobva pachinhu ichi, kuti chiedza chakauya munyika asi vanhu vakada rima panzvimbo pechiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.” (Johani 3:19) Bhaibheri rinotaura nezvekuparadzwa kwakamboitwa nyika yose munguva yakararama murume ainge akavimbika Noa. “Nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura. Asi neshoko iroro matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:5-7.

Ona kuti “zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari” riri kuuya, rinofananidzwa nekuparadzwa ‘kwenyika’ yemunguva yaNoa. Inyika ipi yakaparadzwa? Pasi redu harina kuparadzwa, asi “vanhu vasingadi Mwari” kana kuti vavengi vaMwari ndivo ‘vakaparadzwa.’ Ndozvichaitikawo ‘pazuva rokutongwa’ riri kuuya. Vaya vari kusarudza kuva vavengi vaMwari ndivo vachaparadzwa. Asi shamwari dzaMwari dzichaponeswa, sezvakangoitwawo Noa nemhuri yake.—Mateu 24:37-42.

Chimbofunga kunaka kuchange kwaita nyika Mwari paachabvisa zvinhu zvose zvinokonzera zvakaipa! Zviri pachena kuti Bhaibheri rinotsanangura kuti mugumo pauchauya zvinhu zvichanaka. Asi ungabvunza kuti: ‘Bhaibheri rinotaura here kuti mugumo uchauya riini? Wava pedyo here? Ndingaita sei kuti ndipone?’