Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinovenga Here Vanhu Vanenge Vasingachanamati Navo?

Zvapupu zvaJehovha Zvinovenga Here Vanhu Vanenge Vasingachanamati Navo?

 Vaya vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha asi pari zvino vasingachaparidzi, kana kuti vasingachawadzani nevavainamata navo, havavengwi. Asi kuti tinoedza kuvabatsira kuitira kuti vatangezve kufarira zvokunamata.

 Kana munhu akaita chivi chakakura hazvirevi kuti anobva atodzingwa. Asi kana Chapupu chakabhabhatidzwa chikagara chichityora mitemo yetsika inotaurwa muBhaibheri uye chisingapfidzi tinorega kushamwaridzana naye kana kuti anotopedzisira adzingwa. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.”—1 VaKorinde 5:13.

 Ko kana murume akadzingwa asi mudzimai wake nevana vachiri vamwe veZvapupu zvaJehovha? Ukama hwake pakunamata nemhuri yake hunochinja, asi ukama hweropa hauchinji. Kudanana kwavanoita semurume nomudzimai uye semhuri nemaitiro avaiita zvinhu hazvichinji.

 Vanhu vakadzingwa vanobvumirwa kupinda misangano nesu. Kana vachida, vanogonawo kupiwa mazano ane chokuita nekunamata nevakuru vari muungano. Chinangwa ndechokubatsira munhu kuti azovazve mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vanhu vakadzingwa vanosiyana netsika dzakaipa uye vanoratidza kuti vanoda nemwoyo wose kurarama zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri vakasununguka kudzoka vonamata pamwe chete neungano.