Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvemamiriro Ekunze Uye Ramangwana Redu

Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvemamiriro Ekunze Uye Ramangwana Redu

 “Mamiriro ekunze ari kuchinja zvinotyisa. Panyika hapachagariki.”—The Guardian.

 Vanhu vakazvisikira moto muziso. Nyanzvi dzesainzi dzakawanda dzinoti zvinhu zvinoitwa nevanhu ndizvo zviri kuita kuti kunze kuwedzere kupisa. Kupisa uku kwachinja mamiriro ekunze uye kwakonzera matambudziko akawanda. Mamwe acho ndeaya:

  •   Kupisa zvakanyanyisa, madutu uye kusanaya kwemvura. Izvi zviri kukonzera kutsva kwemasango uye mafashamo.

  •   Kunyunguduka kwechando chiri pamusoro pemakomo uyewo chando chiri kuArctic.

  •   Kuwedzera kwemvura iri mumakungwa.

 Dambudziko rekuchinja kwemamiriro ekunze riri kuitika pasi rese. Pashure pekuongorora zviri kuitika munyika 193, pepanhau reNew York Times rakati: “Zviri kuita sekuti nyika iri kutochema ichikumbira kubatsirwa.” Kuchinja kwemamiriro ekunze kuri kukonzera kuti vanhu vafe uye vatambure. Ndokusaka sangano rinoona nezveutano reWorld Health Organization rakati kuchinja kwemamiriro ekunze “ndicho chinhu chiri kukanganisa utano hwevanhu kupfuura zvimwe zvese.”

 Asi pasinei nezvese izvi, tinogona kuva netariro yeramangwana rakanaka. Bhaibheri rakagara rataura zvinhu zvatiri kuona zvichiitika mazuva ano uye kuti nei tiine chokwadi chekuti Mwari achagadzirisa zvinhu. Rakataurawo zvaachaita kuti tive neramangwana rakanaka.

Kuchinja kuri kuita mamiriro ekunze kuri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri here?

 Hongu. Kuchinja kuri kuita mamiriro ekunze zvichikonzerwa nekuwedzera kupisa kuri kuita panyika kunoenderana nezvakagara zvataurwa neBhaibheri kuti zvaizoitika mazuva ano.

 Uprofita: Mwari ‘achaparadza vari kuparadza nyika.’—Zvakazarurwa 11:18.

 Bhaibheri rakagara rataura kuti pane imwe nguva, vanhu vaizosvika pakuda kutoparadza nyika. Vanhu vari kuita zvinhu zvinoita kuti kunze kuwedzere kupisa, izvo zviri kukanganisa nyika chaizvo.

 Uprofita uhwu hunotipa chimwe chikonzero chinoita kuti tisatarisira kuti vanhu vangakwanisa kugadzirisa dambudziko iri. Cherechedza kuti Bhaibheri rati Mwari achapindira kuti agadzirise zvinhu vanhu “pavanenge vari kuparadza nyika.” Variko vamwe vanhu vane pfungwa dzakanaka vari kuda kuedza kugadzirisa dambudziko rekuchinja kuri kuita mamiriro ekunze. Asi pasinei nezvavanoedza kuita, havasi kuzokwanisa kumisa zviri kuitwa nevanhu pakuparadza nyika.

 Uprofita: “Kuchaonekwa zvinhu zvinotyisa.”—Ruka 21:11.

 Bhaibheri rakataura kuti mumazuva atiri kurarama maizoitika “zvinhu zvinotyisa.” Kuchinja kwemamiriro ekunze kuri kukonzera njodzi dzinotyisa pasi rese. Mazuva ano, vamwe vanhu vava kugara vachingotya kuti kuchinja kuri kuita mamiriro ekunze kuchaita kuti panyika patadze kugarika.

 Uprofita: “Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vasina kuvimbika, . . . vasingatombodi kubvumirana, . . . vatengesi, vakaoma musoro.”—2 Timoti 3:1-4.

 Bhaibheri rakagara rataura unhu hwaizova nevanhu uhwo huri kukonzera kuti pave nedambudziko rekuchinja kwemamiriro ekunze. Hurumende uye vemabhizinesi vanonyanya kufunga nezvemari panzvimbo pekufunga vanhu uye ramangwana ravo. Kunyange pavanoedza kushanda pamwe chete, havabvumirani panyaya yekuti zvii zvingaitwa kuti vapedze dambudziko rekuwedzera kupisa kuri kuita panyika.

 Uprofita uhwu hunoratidza kuti hatifaniri kutarisira kuti vanhu vachachinja maitiro avo kuti vachengetedze nyika. Asi Bhaibheri rinototi vanhu ava vasingafungi vamwe “vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa.”—2 Timoti 3:13.

Nei tiine chokwadi chekuti Mwari achagadzirisa zvinhu?

 Bhaibheri rinoratidza kuti Musiki wedu, Jehovha a Mwari, anoda chaizvo nyika nevanhu vanogara mairi. Chimboona mavhesi aya matatu anoratidza kuti Mwari achagadzirisa zvinhu.

  1.  1. Mwari ‘haana kungosikira nyika pasina, asi akaiumba kuti igarwe.’—Isaya 45:18.

     Mwari achazadzisa chinangwa chaakasikira nyika. (Isaya 55:11) Haasi kuzoirega ichiparadzwa kana kusvika pekuti inenge isingachagariki.

  2.  2. “Vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.”—Pisarema 37:11, 29.

     Mwari anovimbisa kuti vanhu vachararama panyika yakanaka nekusingaperi vaine rugare.

  3.  3. “Kana vari vakaipa vachaparadzwa panyika.”—Zvirevo 2:22.

     Mwari anovimbisa kuti achabvisa vaya vanoramba vachiita zvakaipa kusanganisira vaya vanoparadza nyika.

Zvichaitwa naMwari mune ramangwana

 Mwari achazadzisa sei zvaakavimbisa nezvenyika? Achazvizadzisa achishandisa hurumende ichange ichitonga pasi rese inonzi Umambo hwaMwari. (Mateu 6:10) Hurumende iyoyo ichatonga iri kudenga. Haisi kuzoita zvekutaurirana nehurumende dzevanhu kuti matambudziko ari panyika angagadziriswa sei. Asi ichaparadza hurumende idzodzo, yosara ichitonga.—Dhanieri 2:44.

 Umambo hwaMwari huchagadzirisa matambudziko evanhu uye huchaita kuti nyika inake. (Pisarema 96:10-13) Ona zvichaitwa naJehovha Mwari achishandisa Umambo hwake.

  •   Achaita kuti nyika inake sezvayaiva pakutanga

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro, renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.”—Isaya 35:1.

     Zvazvinoreva nezveramangwana redu: Jehovha achagadzirisa zvinhu panyika. Kunyange nzvimbo dzakakanganiswa nevanhu dzichagadziriswa.

  •   Achaita kuti mamiriro ekunze anake

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “[Jehovha] anodzikamisa dutu; masaisai egungwa anobva anyarara.”—Pisarema 107:29.

     Zvazvinoreva nezveramangwana redu: Jehovha ane simba rekudzora mamiriro ekunze. Vanhu vanenge vasingachatyi kuti kungangoitika njodzi dzinokonzerwa nemamiriro ekunze akaipa.

  •   Achadzidzisa vanhu kuchengeta nyika zvakanaka

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndichakupa njere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo.”—Pisarema 32:8.

     Zvazvinoreva nezveramangwana redu: Jehovha akapa vanhu basa rekuchengeta nyika. (Genesisi 1:28; 2:15) Achatidzidzisa kuti tingaita sei basa iri zvakanaka, torarama tichichengetedza nyika nezvinhu zviri mairi.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?