Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rakagara Rataura Here Unhu Hune Vanhu Mazuva Ano?

Bhaibheri Rakagara Rataura Here Unhu Hune Vanhu Mazuva Ano?

Mhinduro yeBhaibheri

 Ehe, Bhaibheri rakagara rataura kuti vanhu vaizowedzera kuva nemafungiro uye unhu hwakaipa. Rakataura kuti vanhu vakawanda vaizosiya tsika dzakanaka idzo dzinoita kuti vanhu vakwanise kugarisana zvakanaka. a (2 Timoti 3:1-5) Asi rakataurawo kuti vamwe vaisazotevedzera tsika idzodzo dzakaipa. Vachibatsirwa naMwari, vaizoramba kufurirwa uye vaizoita kuti pfungwa dzavo nemaitiro avo zvienderane nezvaanoda.—Isaya 2:2, 3.

Zviri munyaya ino

 Bhaibheri rakagara rataura kuti vanhu vaizova nemafungiro uye unhu hwakaita sei?

 Bhaibheri rinotaura unhu hwakaipa hwaizonyanya kuratidzwa nevanhu huchikonzerwa nekuti vanenge vachingofunga zvakavanakira. Rinoti vanenge “vasingazvidzori,” ‘vachizvida,’ uye ‘vachida mafaro panzvimbo pekuda Mwari.’—2 Timoti 3:2-4.

 Sezvakataurwa muBhaibheri, vanhu mazuva ano vanongofunga zvakangovanakira ivo pachavo uye zvinoita kuti vafare. Vanhu vakawanda vari kuwedzera kuratidza unhu uhwu hwakaipa. Vanongofunga zvakavanakira zvekuti ‘havadi zvakanaka,’ havatokwanisi kuratidza unhu hwakanaka. ‘Havaongi,’ saka havaoni paine chikonzero chekuti vatende zvinhu zvavainazvo kana kuti zvavanoitirwa nevamwe.—2 Timoti 3:2, 3.

 Kungofunga zvakavanakira ndikowo kunoita kuti vanhu varatidze humwe unhu hwakagara hwataurwa muBhaibheri:

  •   Vanokara. Vanhu vakawanda “vanoda mari.” Vanofunga kuti mari yavo uye zvinhu zvavainazvo ndizvo zvinoratidza kuti vakabudirira muupenyu.—2 Timoti 3:2.

  •   Vanozvida. Vanhu vakawanda “vanozvirumbidza, vanozvikudza,” uye “vanozvitutumadza.” (2 Timoti 3:2, 4) Vanhu vakadaro vanodadira vamwe uye vanogona kutonyepa vachitaura nezvezvinhu zvavanogona, unhu hwavo uye pfuma yavainayo.

  •   Vanotaura zvenhema nezvevamwe. Vanhu “vanomhura” uye “vanotaura nhema nezvevamwe” vari kwese kwese. (2 Timoti 3:2, 3) Mashoko aya anogona kureva vanhu vaya vanotuka kana kuti vanotaura nhema nezvaMwari kana kuti nezvevamwe vanhu.

  •   Vakaoma musoro. Vanhu vakawanda ‘havana kuvimbika,’ ‘havatombodi kubvumirana,’ “vatengesi,” uye “vakaoma musoro.” (2 Timoti 3:2-4) Vanoratidza unhu uhwu nekusada kuita zvinodiwawo nevamwe, kubvuma zvinotaurwawo nevamwe uye kutadza kuita zvavanenge vakavimbisa.

  •   Vanoda zvekurwa. Vanhu vakawanda mazuva ano “vanotyisa,” vanokurumidza kuita hasha uye izvi zvinoita kuti vaitire vamwe utsinye kana kuvarwisa.—2 Timoti 3:3.

  •   Vasingateereri mutemo. Jesu akagara ataura kuti mumazuva atiri kurarama paizova ‘nekuwedzera kwekusateerera mutemo.’ (Mateu 24:12) Akataurawo kuti kwaizova “nemhirizhonga,” kana kuti “kupandukirana.”—Ruka 21:9, mashoko emuzasi.

  •   Vasingadanani mumhuri. Vanhu vakawanda “havateereri vabereki” uye “havana rudo runongobva rwega mumwoyo [nevemumhuri mavo]” uye izvi zviri kuita kuti mumhuri dzakawanda muve nekurwisana uye kusabatana zvakanaka.—2 Timoti 3:2, 3.

  •   Vanonyepedzera kunamata. Vanhu vakawanda “vanoita sekunge vanonamata Mwari.” (2 Timoti 3:5) Asi pane kuti vaite zvinodiwa naMwari, vanotevedzera zvinotaurwa nevatungamiriri vemachechi avo vanovaudza zvinofadza nzeve dzavo.—2 Timoti 4:3, 4.

 Vanhu vanongofunga zvakavanakira vaizokanganisa sei vamwe?

 Vanhu vakawanda vanongofunga zvakavanakira uye izvi zviri kukonzera kuti vamwe vanhu vasare vachishungurudzika. (Muparidzi 7:7) Semuenzaniso, kune vamwe vanoita chitsotsi vachibira vamwe mari. Vanhu vasina rudo runongobva rwega mumwoyo vanogona kushungurudza vanhu vemumhuri mavo zvoita kuti vanenge vachishungurudzwa vacho vapedzisire vaita chirwere chedepression kana kuti vatova nepfungwa dzekuda kuzviuraya. Vanhu vanobata vamwe zvisina kunaka vanoita kuti vamwe vasare vaine marwadzo mumwoyo nemupfungwa uye marwadzo iwayo anogona kunonoka kupora.

 Nei vanhu vaizowedzera kuva neunhu hwakaipa?

 Bhaibheri rinotsanangura zvikonzero zvaizoita kuti vanhu vave neunhu hwakaipa:

  •   Kuda Mwari nemuvakidzani zviri kuderera. (Mateu 24:12) Izvi zviri kuita kuti vanhu vawedzere kungofunga zvakavanakira.

  •   Satani Dhiyabhorosi akadzingwa kudenga uye akakandwa panyika. (Zvakazarurwa 12:9, 12) Kubvira ipapo, ari kufurira vanhu kuti vawedzere kungofunga zvakavanakira.—1 Johani 5:19.

 Tinofanira kuita sei patinoona vanhu vari kuratidza unhu hwakaipa?

 Shoko raMwari rinoti: “Usiyane naivava.” (2 Timoti 3:5) Izvi hazvirevi kuti tinofanira kubva pane vamwe tonogara kwedu tega. Chiri kungorehwa ndechekuti tirege kushamwaridzana nevaya vanongofunga zvakavanakira uye vasingadi Mwari.—Jakobho 4:4.

 Vanhu vese vachapedzisira vava neunhu hwakaipa here?

 Aiwa. Bhaibheri rakataura kuti vamwe ‘vaizochema nekugomera pamusoro pezvinhu zvese zvinosemesa zviri kuitwa.’ (Ezekieri 9:4) Vaizoramba unhu hwekungofunga zvakavanakira vorarama vachitevedzera mitemo yaMwari. Matauriro avo nemaitiro avo zvaizenge zvakasiyana nezvevamwe vanhu. (Maraki 3:16, 18) Semuenzaniso, vaizoedza kuva nerugare nevanhu vese uye vaisazopindira muhondo uye kurwisana.—Mika 4:3.

 Vanhu vachasvika pakuipisisa zvekuti vanenge vava kungogara vachirwisana here?

 Aiwa. Vanhu havazosviki pakuipisisa zvekuti panenge pangova nekurwisana kwega kwega. Kwasara nguva pfupi kuti Mwari aparadze vanhu vanoramba vasingateereri mitemo yake. (Pisarema 37:38) Achaita kuti pave “nenyika itsva” kureva vanhu vanyoro vachagara pasi pano murugare nekusingaperi. (2 Petro 3:13; Pisarema 37:11, 29) Zvaari kutaura izvi zvichaitika. Kunyange iye zvino, Bhaibheri riri kubatsira vanhu kuti vachinje upenyu hwavo votanga kurarama vachitevedzera zvinodiwa naMwari.—VaEfeso 4:23, 24.

a Uprofita hweBhaibheri uye zviri kuitika munyika zvinoratidza kuti tiri kurarama “pamazuva okupedzisira,” ayo anotsanangurwa senguva “dzokutambudzika.” (2 Timoti 3:1; Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi) Kana uchida kunzwa zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Chiratidzo ‘cheMazuva Okupedzisira,’ Kana Kuti ‘Nguva Yokupedzisira Ndechipi?