Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chokwadi Chichiri Kukosha Here?

Chokwadi Chichiri Kukosha Here?

 Uri kuona sekuti hakusisina musiyano pakati pechokwadi nenhema here? Mazuva ano, zvinoita sekuti vanhu vava kubvuma chavanofunga kuti ndicho chokwadi pane kubvuma chokwadi chaicho. Pasi rese vanhu vakawanda vanofunga kuti hakusisina chinonzi chokwadi.

 Mafungiro aya akabvira kare. Makore anenge 2 000 akapfuura, Gavhuna weRoma ainzi Pondiyo Pirato akabvunza Jesu zvekutsvinya achiti: “Chii chinonzi chokwadi?” (Johani 18:38) Kunyange zvazvo Pirato asina kumirira mhinduro, mubvunzo wake waikosha. Bhaibheri rinopa mhinduro inogona kukugutsa, uye inogona kukubatsira kuziva musiyano uripo pakati pechokwadi nenhema munyika ino ine vanhu vakavhiringidzika.

Kune chinombonzi chokwadi here?

 Hongu. Bhaibheri rinoshandisa shoko rekuti “chokwadi” richireva zvinhu zvine uchapupu uye zvakarurama. Rinodzidzisa kuti kuna Jehovha a Mwari ndiko kunobva chokwadi, uye rinomudana kuti “Mwari anotaura chokwadi.” (Pisarema 31:5) Bhaibheri rine chokwadi chinobva kuna Mwari uye rinochifananidza nechiedza, sezvo richikwanisa kutitungamirira munyika izere nevanhu vakavhiringidzika.—Pisarema 43:3; Johani 17:17.

Ungawana sei chokwadi?

 Mwari haadi kuti tingobvuma chokwadi chiri muBhaibheri tisina kufunga. Asi anoda kuti tishandise pfungwa dzedu pane kuti tivimbe nemanzwiro atinenge tichiita. (VaRoma 12:1) Anoda kuti tisvike pakumuziva uye kumuda tichishandisa ‘pfungwa dzedu dzese,’ uye anotikurudzira kuti tiongorore tozvionera tega kana zvatiri kudzidza muBhaibheri chiri chokwadi.—Mateu 22:37, 38; Mabasa 17:11.

Nhema dzakabva kupi?

 Bhaibheri rinoti nhema dzakatanga nemuvengi waMwari, Satani Dhiyabhorosi, uye Bhaibheri rinomudana kuti “baba venhema.” (Johani 8:44) Akataura mashoko enhema nezvaMwari kuvanhu vekutanga. (Genesisi 3:1-6, 13, 17-19; 5:5) Kubvira ipapo, Satani ari kuramba achiparadzira nhema uye achivanza chokwadi nezvaMwari.—Zvakazarurwa 12:9.

Nei vanhu vakawanda vava kunyepa mazuva ano?

 Panguva ino yatiri kurarama, iyo inonzi neBhaibheri “mazuva ekupedzisira,” Satani ava kurura pakutsausa nyika. Vanhu vanowanzotaura nhema kuti vatsause vamwe uye kuti vavatsotse. (2 Timoti 3:1, 13) Nhema dzakazarawo muzvitendero zvakawanda mazuva ano. Sezviri muBhaibheri, panguva ino yatiri kurarama vanhu ‘vava kuzviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo,’ uye ‘vari kuramba kuteerera chokwadi.’—2 Timoti 4:3, 4.

Nei chokwadi chichikosha?

 Chokwadi chinoita kuti vanhu vavimbane. Kuti vanhu vagarisane zvakanaka uye kuti vave neushamwari, vanofanira kunge vachivimbana. Bhaibheri rinoti Mwari anoda kuti kunamata kwedu kuvakirwe pachokwadi. Rinoti: “Vanomunamata [Mwari] vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.” (Johani 4:24) Kuti uzive kuti chokwadi cheBhaibheri chinogona kukubatsira sei kuziva nhema dziri muzvitendero uye kubuda mazviri, verenga nyaya dzinotevedzana dzine musoro wekuti “Nhema Dzinoita Kuti Vanhu Vasada Mwari.”

Nei Mwari achida kuti ndizive chokwadi?

 Mwari anoda kuti upone, uye kuti upone unofanira kuziva chokwadi nezvake. (1 Timoti 2:4) Kana ukadzidza mitemo yaMwari yezvaanoti zvakanaka uye zvakaipa, woitevedzera, uchava shamwari yake yepedyo. (Pisarema 15:1, 2) Kuti abatsire vanhu kudzidza chokwadi, Mwari akatuma Jesu panyika. Mwari anoda kuti titeerere dzidziso dzaJesu.—Mateu 17:5; Johani 18:37.

Mwari achangosiya nhema dziripo here?

 Aiwa. Mwari anorwadziwa vanhu pavanotsotsa vamwe nenhema. Akavimbisa kuti achabvisa panyika vanhu vese vanoramba vachitaura nhema. (Pisarema 5:6) Mwari paachaita izvozvo, achazadzisawo vimbiso iyi yekuti: “Muromo unotaura chokwadi ucharamba uripo nekusingaperi.”—Zvirevo 12:19.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya inoti “Jehovha Ndiani?