Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | KUNYENGETERA KUNOBATSIRA HERE?

Sei Mwari Achitikumbira Kuti Tinyengetere?

Sei Mwari Achitikumbira Kuti Tinyengetere?

Mwari anoda kuti tive shamwari dzake.

Shamwari dzinogara dzichikurukura kuti ushamwari hwacho husimbe. Saizvozvowo, Mwari anotikumbira kuti titaure naye, izvo zvinotipa mukana wekuva shamwari dzake. Anoti: “Muchandishevedza, mouya, monyengetera kwandiri, uye ini ndichakuteererai.” (Jeremiya 29:12) Paunotaura naMwari, ‘uchaswedera pedyo naye, uye iye achaswedera pedyo newe.’ (Jakobho 4:8) Bhaibheri rinotisimbisa nemashoko okuti: “Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari.” (Pisarema 145:18) Tikagara tichinyengetera kuna Mwari, ushamwari hwedu naye hunowedzerawo kusimba.

“Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari.”—Pisarema 145:18.

Mwari anoda kukubatsira.

Jesu akati: “Ndiani pakati penyu angakumbirwa chingwa nomwanakomana wake, iye omutambidza dombo? Kana kuti, zvichida, angakumbirwa hove, iye omutambidza nyoka? Naizvozvo, kana imi . . . muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapa zvikuru sei zvinhu zvakanaka kune vaya vanovakumbira!” (Mateu 7:9-11) Saka Mwari anokukumbira kuti unyengetere nokuti “iye ane hanya” newe uye anoda kukubatsira. (1 Petro 5:7) Anotokukumbira kuti umuudze matambudziko ako. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.”—VaFiripi 4:6.

Vanhu vagara vachingoda kunamata.

Nyanzvi dzinoongorora maitiro evanhu dzakacherechedza kuti kune vakawanda chaizvo vanonzwa vachida kunyengetera. Vanosanganisira vanhu vanoti hakuna Mwari nevaya vanoti hazviiti kuziva kuti ariko here kana kuti haako. * Izvi zvinosimbisa chokwadi chokuti vanhu vakasikwa vaine chido chekunamata. Jesu akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu,” kana kuti zvokunamata. (Mateu 5:3) Imwe nzira yekuita izvi ndeyokugara tichikurukura naMwari.

Kana tikabvuma zvatinoudzwa naMwari zvekuti tinyengetere kwaari, zvinotibatsira sei?

^ ndima 8 Muna 2012, tsvakurudzo yakaitwa nePew Research Center yakaratidza kuti zvikamu 11 muzana zvevanhu vemuUnited States vanoti hakuna Mwari nevaya vanoti hazviiti kuziva kuti ariko here kana kuti haako, vanombonyengetera kamwe chete pamwedzi kana kupfuura.