Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuRussia

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuRussia

MUNA 1991, Zvapupu zvaJehovha muRussia zvakafara chaizvo pazvakabvumirwa kunamata zvakasununguka pashure pekurambidzwa kwenguva refu uye zvakatanga kuzivikanwa sesangano riri pamutemo. Panguva iyoyo, vakawanda vaisambotarisira kuti nhamba yeZvapupu zvaiva munyika yacho yaizowedzera kakapetwa kagumi kusvika pavaparidzi vanenge 170 000 variko iye zvino! Pavaparidzi veUmambo ava vanoshingaira, pane Zvapupu zvokune dzimwe nyika zvakatamira kuRussia kuti zvinobatsira pabasa rekukohwa. (Mat. 9:37, 38) Ngatimbotaurai nezvevamwe vavo.

HAMA DZINOZVIPIRA DZINOBATSIRA KUSIMBISA UNGANO

Gore rakabvumirwa basa redu muRussia, Matthew wekuGreat Britain aiva nemakore 28. Pagungano rakaitwa gore iroro, imwe hurukuro yakasimbisa kuti paidiwa vanhu vaizoenda kunobatsira ungano dzekuEastern Europe. Mukurukuri wacho akapa muenzaniso weimwe ungano yemuSt. Petersburg kuRussia, iyo yaiva nemushumiri anoshumira mumwe chete, isina vakuru. Kunyange zvakadaro, vaparidzi vemuungano yacho vakanga vachidzidzisa mazana evanhu Bhaibheri! Matthew anoti, “Pakapera hurukuro yacho ndakaramba ndichingofunga nezvekuRussia, saka ndakanyengetera kuna Jehovha ndichinyatsotaura nezvechido changu chekutamira ikoko.” Akachengeta mari, akatengesa zvinhu zvake zvakawanda, ndokuzotamira kuRussia muna 1992. Zvinhu zvakazomufambira sei?

Matthew

“Mutauro wacho wakanga wakandiomera,” anodaro Matthew. “Ndakanga ndisingakwanisi kunyatsokurukura nevamwe zvine chekuita nekunamata.” Rimwe dambudziko raakasangana naro raiva repokugara. Anoti: “Ndaigara ndichitama-tama nokuti ndaingoerakana ndanzi ndibve pandaigara.” Pasinei nematambudziko iwayo aakasangana nawo pakutanga, Matthew anoti: “Kutamira kuRussia ndicho chisarudzo chakanakisisa chandakaita muupenyu.” Anotsanangura kuti: “Kushumira ndiri munyika ino kwandidzidzisa kunyatsovimba naJehovha uye kwaita kuti ndione Jehovha achinditungamirira munzira dzakawanda.” Matthew akazogadzwa semukuru uye sapiyona chaiye, uye iye zvino ari kushanda pahofisi yebazi pedyo neSt. Petersburg.

Muna 1999, Hiroo akapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri kuJapan aine makore 25, uye mumwe wevarairidzi vake akamukurudzira kuti aende kunoshumira kune imwe nyika. Hiroo akanga anzwa kuti paidiwa vanhu vakawanda vanoenda kunobatsira kuRussia, saka akatanga kudzidza chiRussian. Akatorawo rimwe danho raizomubatsira. Anoti: “Ndakaenda kuRussia kwemwedzi 6. Sezvo nyika yacho ichitonhora zvakanyanya, ndakaenda muri muna November kuti ndinoona kana ndaizokwanisa kurarama munzvimbo inotonhora kudaro.” Pashure pekupedza mwaka wose wechando ariko, akadzokera kuJapan kwaakanorarama upenyu husina twakawanda-wanda kuti achengete mari inokwana kuti adzokere kunogara kuRussia zvachose.

Hiroo naSvetlana

Iye zvino, Hiroo ava nemakore 12 achigara muRussia uye ashumira muungano dzakati wandei. Pane pamwe paaitomboshumira ari ega semukuru muungano dzaiva nevaparidzi vanopfuura 100. Mune imwe ungano, vhiki roga roga ndiye aipa hurukuro dzakawanda dzepaMusangano Webasa, aiitisa Chikoro chaMwari Choushumiri, Chidzidzo cheNharireyomurindi, uye aiva nemapoka mashanu aaiitisa musangano weChidzidzo Chebhuku Cheungano. Aigara achishanyira hama nehanzvadzi achidzikurudzira pakunamata. Achitarisa zvakaitika mumakore iwayo, Hiroo anoti: “Ndakafara chaizvo kubatsira hama nehanzvadzi kuti dzisimbe pakunamata.” Kushumira ari kunodiwa vaparidzi vakawanda kwakamubatsira sei? Anoti: “Ndisati ndaenda kuRussia, ndaishumira semukuru uye sapiyona, asi panguva yose yandagara kuno ndiri kunzwa sekuti ndatova neukama hutsva naJehovha. Ndakadzidza kunyatsovimba naJehovha pazvinhu zvose muupenyu hwangu.” Muna 2005, Hiroo akaroora Svetlana, uye vari kuramba vachishumira semapiyona pamwe chete.

Michael naOlga vaina Marina naMatthew

Matthew, uyo ava namakore 34, pamwe chete nemunin’ina wake Michael, ane makore 28, vanobva kuCanada. Pavakashanya kuRussia, vakashamiswa nekuona vanhu vakawanda vanofarira Bhaibheri vachiuya kumisangano, kunyange zvazvo paingova nehama shoma dzaikwanisa kuitisa misangano yacho. Matthew anoti: “Paungano yandakashanyira paiva nevanhu 200 vakauya kumisangano, asi misangano yacho yose yaingoitiswa nemukuru mumwe chete akanga akura muzera uye mushumiri anoshumira mumwe chete wechidiki. Izvi zvakaita kuti ndide kutamira ikoko kunobatsira hama idzodzo.” Akazotamira kuRussia muna 2002.

Pashure pemakore mana, Michael akatamira kuRussia uye akaona kuti kwakanga kuchiri kudiwa hama dzakawanda kuti dzizobatsira. Semushumiri anoshumira, akapiwa basa rekuona nezvemaakaunzi eungano, mabhuku uye ndima. Akakumbirwawo kuita basa rinowanzoitwa nemunyori weungano, kupa hurukuro dzavose uye kubatsira pakuronga magungano nepakuvaka Dzimba dzeUmambo. Uye mazuva ano, ungano dzichiri kudawo kubatsirwa chaizvo. Kunyange zvazvo kuva nezvakawanda zvokuita muungano riri basa rakaoma, Michael uyo ava kushumira semukuru anoti: “Kubatsira hama kunoita kuti ndinzwe kugutsikana. Hapana chimwe chinhu chandingaita muupenyu chakanaka kupfuura izvi!”

Matthew akazoroora Marina, uye Michael akazoroora Olga. Mhuri mbiri idzi, pamwe chete nevamwe vashandi vakawanda avo vakazvipira kuenda kuRussia, vari kuramba vachibatsira ungano dzeko dzichiri kukura.

HANZVADZI DZINOSHINGAIRA DZINOBATSIRA PAKUKOHWA

Tatyana

Muna 1994, Tatyana paaiva nemakore 16, mapiyona chaiwo 6 akabva kuCzech Republic, Poland, neSlovakia akatanga kushumira muungano yavo kuUkraine. Tatyana anoti nezvavo: “Ainge ari mapiyona anoshingaira, ane ushamwari nemutsa uye ainyatsoziva Bhaibheri.” Aiona kukomborerwa kwavaiitwa naJehovha nemhaka yekuzvipira kwavo, uye aingoti, ‘Ndizvo zvandinoda kuzoitawo.’

Akurudzirwa nemuenzaniso wemapiyona aya, Tatyana aishandisa nguva yemazororo ekuchikoro kuti aende nevamwe kunoparidza kunzvimbo dziri kure nemaguta muUkraine neBelarus, dzakanga dzisati dzamboparidzwa neZvapupu. Akanakidzwa chaizvo nenzendo idzodzo dzavaiita vachienda kunoparidza, zvekuti akaronga kutamira kuRussia kuti awedzere ushumiri hwake. Akatanga amboenda kwenguva pfupi achinoshanyira imwe hanzvadzi yakanga yatamira ikoko uye kuti atsvake basa raizoita kuti agone kuzviriritira achipayona. Akazotamira kuRussia muna 2000. Izvi zvaiva nyore here?

Tatyana anoti: “Ndakanga ndisingakwanisi kubhadhara furati yekugara ndiri ndega, saka ndaitofanira kuroja mukamuri rimwe chete pamba pevamwe vanhu. Upenyu hwekuroja hwakanga husiri nyore. Dzimwe nguva ndaimbofunga kudzokera kumba. Asi Jehovha aigara achiita kuti ndione kuti kuramba ndichiita ushumiri hwangu kwaizondibatsira.” Iye zvino, Tatyana ari kushumira semumishinari kuRussia. Anopedzisa achiti: “Makore ose andapedza ndiri kuno aita kuti ndione zvinhu zvakanaka chaizvo zvichiitika uye ndiwane shamwari dzakawanda. Chinotonyanya kukosha ndechekuti kutenda kwangu kwatowedzera kusimba mumakore ose aya.”

Masako

Masako wekuJapan, uyo ava nemakore ekuma50, akakura aine chido chokuva mumishinari, asi zvaiita sekuti aisazombozvikwanisa nemhaka yeutano hwake. Zvisinei, utano hwake pahwakava nani, akafunga kutamira kuRussia kunobatsira pabasa rekukohwa. Kunyange zvazvo zvakanga zvakaoma kuti awane pokugara pakanaka uye basa rekuita, aipota achiita basa rokuchenesa uye kudzidzisa chiJapanese kuti awane mari yokushandisa achipayona. Chii chiri kumubatsira kuti arambe achiita ushumiri hwake?

Achitarisa zvakaitika mumakore anopfuura 14 aashumira ari muRussia, Masako anoti: “Mufaro wandinowana muushumiri unopfuura matambudziko andinosangana nawo. Kuparidza munzvimbo dzinodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda kunoita kuti unakidzwe neupenyu.” Anowedzera kuti: “Chainge chiri chishamiso chaicho kunyatsozvionera ndega zvaiitwa naJehovha paaiita kuti ndiwane zvokudya, mbatya uye pokugara mumakore ose aya.” Kuwedzera pakunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda muRussia, Masako akabatsirawo pabasa rekukohwa muKyrgyzstan. Uyewo akakwanisa kubatsira mapoka emutauro weChirungu, chiChinese, uye chiUighur. Iye zvino ari kushumira sapiyona muSt. Petersburg.

MHURI DZINOENDAWO KUNOBATSIRA UYE DZINOWANA MAKOMBORERO

Inga naMikhail

Nemhaka yekusagadzikana kweupfumi, mhuri dzakawanda dzinowanzotamira kune dzimwe nyika kuti dzive neupenyu huri nani. Asi kufanana nezvakaitwa naAbrahamu naSara, dzimwe mhuri dzinotamira kune dzimwe nyika kuti dzinoshumira Mwari. (Gen. 12:1-9) Funga nezvaMikhail nemudzimai wake Inga vekuUkraine avo vakatamira kuRussia muna 2003. Hazvina kumbovatorera nguva kuwana vanhu vaitsvaka chokwadi cheBhaibheri.

Mikhail anoti: “Takamboparidza mune imwe nharaunda yakanga isati yamboparidzwa neZvapupu. Vamwe sekuru vakavhura dhoo ndokubvunza kuti, ‘Muri vaparidzi here?’ Patakati hongu, vakabva vati: ‘Ndaizviziva kuti muchauya chete. Mashoko akataurwa naJesu aisazomborega kuitika.’ Sekuru vaya vakabva vataura mashoko ari pana Mateu 24:14.” Mikhail anotizve: “Munharaunda iyoyo, takawanawo vakadzi vanenge gumi vechechi yeBaptist vaitsvaka chokwadi nomwoyo wose. Vaiva nebhuku raKurarama Nokusingaperi, ravaishandisa pakudzidza Bhaibheri kupera kwevhiki yoga yoga. Takaita maawa akawanda tichipindura mibvunzo yavo, tikaimba nziyo dzeUmambo, uye manheru acho takadya pamwe chete. Zvakaitika patakaparidza munharaunda iyi handimbozvikanganwi.” Mikhail naInga vanobvuma kuti kushumira munzvimbo dzinodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda kwaita kuti vaswedere pedyo zvikuru naJehovha, vawedzere kuda vanhu, uye vanyatsowana mufaro muupenyu. Iye zvino vari kuita basa remudunhu.

Oksana, Aleksey, naYury

Yury nemudzimai wake Oksana vekuUkraine avo vava nemakore ari kuma35, vakamboshanyira hofisi yebazi rekuRussia muna 2007 nemwanakomana wavo Aleksey uyo ava nemakore 13. Vari ikoko vakaona kuti pamepu yeRussia paiva nendima dzakakura dzainge dzisina kumbobvira dzatumirwa vaparidzi. Oksana anoti, “Mepu iyoyo yakaita kuti tinyatsoona kuti kwaidiwa vaparidzi veUmambo vakawanda. Yakatibatsira kuita chisarudzo chekutamira kuRussia.” Chii chimwe chakavabatsira? Yury anoti: “Takabatsirwa nekuverenga nyaya dziri muzvinyorwa zvedu dzakadai seinoti, ‘Unogona Kushumira Kune Imwe Nyika Here?’ * Takashanya kunzvimbo iri muRussia yatakanga tanzi nebazi taigona kuzoenda, ndokutsvaka pekugara uye basa.” Muna 2008, vakabva vatamira kuRussia.

Pakutanga zvainge zvakavaomera kuti vawane basa, uye kakati wandei vaitofanira kutama vachinotsvaka pamwe pekugara. Yury anoti: “Kakawanda tainyengeterera kuti tisaora mwoyo, uye taibva taramba tichiita basa rekuparidza, tichivimba kuti Jehovha aizotitsigira. Takaona kuti Jehovha anotichengeta sei patinoisa Umambo pokutanga. Basa iri rakasimbisa mhuri yedu.” (Mat. 6:22, 33) Kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kwakabatsira sei Aleksey? Oksana anoti, “Kwakamubatsira zvikuru. Akazvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa aine nemakore 9. Nemhaka yokuti anonyatsoona kuti kunodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda, anogara achitora upiyona hwebetsero paanenge ari pazororo rechikoro. Kushingaira uye kuda kwaanoita ushumiri kunotifadza chaizvo.” Iye zvino Yury naOksana mapiyona chaiwo.

“CHANDINONGODEMBA CHETE”

Mashoko ataurwa nevashandi vekukohwa ava anoratidza kuti zvinotoda kuvimba naJehovha kuti munhu awedzere ushumiri hwake nekutamira kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda. Vaya vanoshumira kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda vane matambudziko avanosangana nawo mundima yavo itsva. Asi vanowanawo mufaro wakakura unobva pakuparidza mashoko akanaka kuvanhu vanofarira mashoko eUmambo. Ungakwanisa here kubatsira pabasa rekukohwa munzvimbo ichiri kudiwa vaparidzi veUmambo vakawanda? Kana ukasarudza kuita kudaro, pasina nguva uchange wava kunzwa saYury, uyo akataura nezvechisarudzo chaakaita chekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda achiti: “Chandinongodemba chete ndechekuti ndakanonoka kuzviita.

^ ndima 20 Ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1999, mapeji 23-27.