Enda pane zvauri kuda

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuAlbania Uye kuKosovo

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuAlbania Uye kuKosovo

 “Handina kumbobvira ndafunga kuti ndaizoita zvakawanda kudai pakushumira Jehovha.” Izvi ndizvo zvakataurwa naGwen, anobva kuEngland, achitsanangura manzwiro aari kuita paari kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda muAlbania. a

 Gwen ndemumwe weZvapupu zvakawanda zvakatamira kuAlbania kunobatsira pakuunganidza “zvinhu zvinokosha zvinobva kumarudzi ese.” (Hagai 2:7) Chii chinoita kuti vaparidzi ava vave nechido chekuita izvi? Zvii zvavaifanira kugadzirisa kuti vakwanise kutama? Zvinhu zvipi zvinofadza zviri kuvabatsira kuti vatsungirire pasinei nematambudziko avari kusangana nawo?

Vanobva Kwakasiyana-siyana Asi Vane Chido Chakafanana

 Chii chakaita kuti vaparidzi vese ava vatamire kuAlbania? Vanoda Jehovha uye vanoda kubatsira vamwe kuti vazive nezvake.

 Vasati vatama, vakatsvaga nzira dzekuwedzera ushumiri hwavo uye izvi zvakavabatsira pavakanga vasisiri kushumira munyika yavo. Gwen anoti: “Ndakatanga nekupinda neboka remutauro wekuAlbania raiva mutaundi randaigara. Ndakazoenda kuAlbania kunopinda gungano remunharaunda. Ndakazombodzokera ikoko zvakare kuti ndinyatsodzidza mutauro wacho.”

Gwen

 Paaiva nemakore 23, Manuela akatamira kune imwe nzvimbo iri munyika yake yeItaly kuti anobatsira imwe ungano diki. Anoti: “Ndakapinda neungano yacho kwemakore 4. Ndakazonzwa kuti kuAlbania kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Saka ndakaronga kunopayona ikoko kwemwedzi mishoma.”

Manuela (Ari pakati)

 Federica aingova nemakore 7 paakanzwa zvaiitika kuAlbania pane rimwe gungano remunharaunda. Anoti: “Hama yakataura nezvekuAlbania yakati vaparidzi veko vaitanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda uye vanhu vaifarira vaiuya kumisangano. Ndakabva ndaudza vabereki vangu kuti ndaida kuenda kuAlbania. Vakashamiswa, asi baba vangu vakati, ‘Nyengetera nezvazvo, kana kuri kuda kwaJehovha, achapindura munyengetero wako.’ Pangopera mwedzi mishoma, takakokwa semhuri kuti tinoshumira kuAlbania!” Patopfuura makore akawanda, uye iye zvino Federica akaroorwa naOrges. Vari kushanda sevashumiri venguva yakazara muAlbania.

Orges naFederica

 Paakanga ava pamudyandigere, Gianpiero akatamira kuAlbania nemudzimai wake, Gloria. Anoti: “Takarera vanakomana vedu 5 kuItaly. Vatatu vavo vakatamira kune dzimwe nyika kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Takakurudzirwa nenyaya yaiva muNharireyomurindi yaiti ‘Zvingaita Here Kuti Uyambukire kuMakedhoniya?’ Takabva taronga kuti taizoshandisa sei mari yangu yemudyandigere kuti tikwanise kunoshumira kuAlbania.”

Gianpiero naGloria

Vakanyatsoronga

 Vanenge vachida kutamira kunodiwa vaparidzi vakawanda vanofanira kunyatsoronga, vochinja zvimwe zvinhu vasati vaenda. (Ruka 14:28) Vanofanira kuronga zvinhu zvakadai sekuti vachanorarama sei. Achiri kuEngland, Gwen, ambotaurwa nezvake, akaenda kunogara nasisi vake kuti akwanise kuchengeta mari. Sophia naChristopher, avo vanobvawo kuEngland, vakati: “Takatengesa mota yedu nemimwe midziyo. Taitarisira kuti taizokwanisa kugara kuAlbania kwerinenge gore.” Zvinofadza kuti vakatozopfuura gore vari ikoko.

Christopher naSophia

 Vamwe vaparidzi vanogara kuAlbania kwemwedzi mishoma, vodzokera kunyika dzavo kuti vanoshanda vachichengeta mari, vozodzokera kuAlbania. Izvi ndizvo zvakaitwa naEliseo naMiriam. Eliseo anoti: “Miriam anobva kune imwe nzvimbo iri kuItaly inouya vashanyi vakawanda, uye zvaiva nyore kuwana mabasa ekushanda kwenguva diki ikoko. Taienda kunoshanda kunzvimbo iyi kwemwedzi mitatu uye mari yatainge tachengeta taizoishandisa tava kuAlbania kwemwedzi 9. Takaita izvi kwemakore 5.”

Miriam naEliseo

Kukurira Matambudziko

 Vaya vanotamira kunodiwa vaparidzi vakawanda vanofanira kujairana nezvinhu zvitsva, asi kuteerera mazano avanopiwa neZvapupu zveko uye kutevedzera zvavanoita kunovabatsira kuti vakurire matambudziko. Sophia, ambotaurwa nezvake anoti: “Munguva yechando, dzimba dzekuAlbania hadzinyatsodziyi sezvinoita dzimba dzekwandakakurira. Ndakadzidza mapfekero andaifanira kuita nekutevedzera mapfekero ehanzvadzi dzeko.” Grzegorz nemudzimai wake Sona, vakabva kuPoland kuti vanobatsira mune rimwe taundi rakanaka chaizvo rinonzi Prizren, riri kuKosovo. b Grzegorz anoti: “Vaparidzi veko vanozvininipisa, vane mutsa uye vane mwoyo murefu! Vari kutibatsira kudzidza mutauro wavo nezvimwe zvakawanda. Semuenzaniso, vakatiratidza mashopu akachipa uye vakatitsanangurira kuti tingatenga sei zvinhu mumisika yeko.”

Zvinoita Kuti Vafare

 Vaya vanotamira kune dzimwe nyika vanonakidzwa nekushamwaridzana neZvapupu zveko uye kudzidza tsika dzavo. Sona anoti: “Ndakaona kuti rudo rwaJehovha rune simba rekuchinja upenyu hwevanhu. Hama idzi dzinosimbisa kutenda kwangu nekuti ndinoona kuchinja kwavakaita zvavaitenda uye mararamiro avo pavakadzidza nezvaJehovha. Tiri kunyatsoona kuti vanhu vari muungano vanotida uye kuti tine zvatinokwanisawo kuita kuti tibatsire vamwe. Hama nehanzvadzi dzatiri kushumira pamwe chete nadzo dzava shamwari dzedu.” (Mako 10:29, 30) Gloria anoti: “Ndinoziva hanzvadzi dzakawanda dzakatsungirira kutambudzwa nevanhu vemunharaunda vasingafariri Zvapupu. Kuda kwavanoita Jehovha kunondikurudzira chaizvo.”

Grzegorz naSona

 Vanotamira kunodiwa vaparidzi vakawanda vanewo mukana wekudzidza zvinhu zvinokosha zvavaisazombodzidza kudai vakaramba vari munyika dzavo. Semuenzaniso, vanoona kuti kurarama upenyu hwavasina kujaira kuti vaite zvakawanda pakushumira Jehovha kunoita kuti vafare. Stefano anoti: “Kunyika yandinobva, pandaiparidzira ndaitaura nevanhu paintercom, ndichipa mharidzo pfupi. Asi vanhu vekuAlbania vanofarira zvekutaura, kunyanya kana vachinwa havo kofi. Ndiri munhu anonyara, saka mazuva ekutanga ndaishaya kuti ndotaurei. Asi nekufamba kwenguva, ndakadzidza kufarira vanhu uye ndava kunakidzwa nekutaura navo. Iye zvino ndava kunyatsonakidzwa neushumiri.”

Alida naStefano

 Leah nemurume wake anonzi William vakatamira kuAlbania vachibva kuUnited States. Anoti: “Kushumira kuno kwatidzidzisa nzira itsva dzekuita zvinhu uye kwaitawo kuti tive nemafungiro matsva. Takadzidza zvakawanda nezvekugamuchira vaeni, kuremekedza vamwe uye kuva neushamwari! Takadzidza nzira itsva dzekuparidza, kutsanangura Magwaro uye matauriro atinofanira kuita nevanhu.” William anoti: “Vanhu vakawanda vanoshanyira Albania vanofarira chaizvo kunotandara vari kumhenderekedzo yegungwa. Ini ndinonakidzwa chaizvo nekukwira makomo anonzi Albanian Alps. Asi chandinonyanya kufarira, vanhu vari kuno! Nzvimbo dzakawanda dziri kuno, vamwe vakangoparidzirwa zvishoma pakamboitwa mishandirapamwe. Patinoenda ikoko, dzimwe nguva tinoita zuva rese tichingoparidzira mhuri shoma chete.”

William naLeah

 Chinonyanya kuita kuti vaya vanenge vaenda kunodiwa vaparidzi vakawanda vafare, kuona vanhu vachigamuchira mashoko akanaka. (1 VaTesaronika 2:19, 20) Laura, hanzvadzi isati yaroorwa iyo yakatamira kuAlbania yakati: “Ndakashumira kwenguva diki ndiri muFier. Mumakore maviri nehafu chete, vanhu 120 vakagadzwa sevaparidzi vasina kubhabhatidzwa! 16 vacho, ndini ndakadzidza vavo!” Imwe hanzvadzi inonzi Sandra inoti: “Ndakaparidzira mumwe mukadzi aitengesa pamusika. Akabhabhatidzwa achibva adzokera kumusha kwake. Pandakapedzisira kutaura naye, akanga ava kudzidza Bhaibheri nevanhu 15!”

Laura

Sandra

Jehovha Ari Kukomborera Kutsungirira Kwavo

 Vamwe vava nemakore vatamira kuAlbania vachiri kunakidzwa chaizvo nebasa racho. Dzimwe nguva vanoshamisika pavanoziva kuti vanhu vavakaparidzira kare kare vakazogamuchira chokwadi. (Muparidzi 11:6) Christopher, ambotaurwa nezvake anoti: “Ndakasangana nemumwe murume wandakadzidza naye Bhaibheri ndichangosvika muAlbania. Ndakabayiwa mwoyo paakandiudza zvinhu zvataikurukura zvine chekuita neBhaibheri. Iye zvino, iye nemudzimai wake vashumiri vaJehovha vakabhabhatidzwa.” Federica, ambotaurwa nezvake, anoti: “Mune imwe ungano, imwe hanzvadzi yakauya kwandiri ndokundibvunza kana ndakanga ndichiri kuiyeuka. Akandiudza kuti ndakamuparidzira makore 9 akanga adarika. Pandakatamira kune rimwe taundi akabva atanga kudzidza Bhaibheri ndokuzobhabhatidzwa. Ndaimbofunga kuti makore atakatanga kushanda muAlbania taingoshandira pasina. Asi ndakazoona kuti takanga tashandira zviripo!”

 Hama nehanzvadzi dzakatamira kuAlbania uye kuKosovo dziri kufara chaizvo kuti Jehovha ari kukomborera basa radzo uye ari kudzipa upenyu hunogutsa. Pashure pemakore akawanda ari muAlbania, Eliseo anotaura kuti: “Sevanhu, tinogona kunyengerwa tofunga kuti tinogona kuva neupenyu hwakanaka kana tikavimba nezvinhu zviri munyika ino. Asi uku kuzvinyepera. Zvinotaurwa naJehovha ndizvo zvinoita kuti tive neupenyu hwakanaka hune chinangwa. Kushanda kunodiwa vaparidzi vakawanda kuri kundibatsira kuti ndisakanganwa izvi. Ndiri kuona kuti ndinokwanisawo kubatsira vamwe uye ivowo vanokoshesa basa randinoita. Ndine shamwari dzechokwadi dzine zvinangwa zvakafanana nezvangu.” Sandra anotiwo: “Ndaida chaizvo kuita basa reumishinari, saka pandakatamira kunodiwa vaparidzi vakawanda, ndakanzwa sekuti Jehovha akanga andipa mukana wekuita basa iri randaida. Handimbozvidembi kuti ndakatamira kuAlbania. Ndiri kufara zvekufara zviya.”

a Unogona kunzwa zvakawanda nezvebasa rekuparidza muAlbania muBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2010.

b Kosovo iri nechekuchamhembe kweAlbania. Vakawanda vari munyika iyi vanotaura mumwe mutauro wekuAlbania. Zvapupu zvinobva kuAlbania, dzimwe nyika dzekuEurope uye kuUnited States zvakazvipira kunoparidza mashoko akanaka kuvanhu vanogara kuKosovo vanotaura mutauro uyu wekuAlbania. Pakazosvika 2020, makanga mava nevaparidzi 256 vaishumira muungano 8, mapoka 3 uye tumapoka 2.