Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuMyanmar

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuMyanmar

“KUKOHWA kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Ruka 10:2) Mashoko aya akataurwa naJesu makore anenge 2 000 apfuura anonyatsotsanangura zviri kuitika kuMyanmar. Nei zvakadaro? MuMyanmar, mune vanhu vanenge mamiriyoni 55, asi munongova nevaparidzi vemashoko akanaka vanenge 4 200 chete.

Asi “Tenzi wokukohwa,” Jehovha, akaita kuti hama nehanzvadzi dzakawanda dzinobva kunyika dzakasiyana-siyana dziuye kunyika iyi iri kuAsia kuti dzibatsire pabasa rekukohwa. Chii chakaita kuti vasiye nyika dzavo? Chii chakavabatsira kuti vatame? Uye makomborero api avari kuwana? Ngationei.

“UYAI, TINODA MAPIYONA AKAWANDA!”

Makore apfuura, mumwe piyona wekuJapan anonzi Kazuhiro, akabatwa nepfari ndokubva aendeswa kuchipatara. Chiremba akamuudza kuti asatyaira motokari kwemakore maviri. Kazuhiro akakatyamadzwa nazvo. Akazvibvunza kuti, ‘Ndicharamba sei ndichiita basa rekupayona randinofarira.’ Akanyengetera nemwoyo wese achikumbira Jehovha kuti amubatsire kuti arambe achipayona.

Kazuhiro naMari

Kazuhiro anoti: “Papera mwedzi, shamwari yangu yaishumira iri kuMyanmar yakanzwa nezvedambudziko rangu. Yakandifonera ichibva yati: ‘KuMyanmar vanhu vanowanzofamba nemabhazi. Kana ukauya kuno unogona kuramba uchipayona kunyange usina motokari!’ Ndakabvunza chiremba wangu kana zvaita kuti ndiende kuMyanmar. Ndakashamisika chiremba paakati: ‘Pana chiremba weuropi ari kuuya kuno kuJapan achibva kuMyanmar. Ndichaita kuti uonane naye. Kana ukazorwara zvekare achakubatsira.’ Zvakataurwa nachiremba ndakazviona semhinduro yaibva kuna Jehovha.”

Pasina nguva, Kazuhiro akatumira email kuhofisi yebazi yeMyanmar achitaura nezvechido chake nechemudzimai wake chekushumira semapiyona munyika iyoyo. Pangopera mazuva 5, bazi rakavapindura richiti, “Uyai, tinoda mapiyona akawanda!” Kazuhiro nemudzimai wake, Mari, vakatengesa motokari dzavo, vakawana mavhiza, vachibva vatenga matiketi endege. Iye zvino vari kushumira vachifara neboka remutauro wemasaini riri muMandalay. Kazuhiro anoti: “Izvi zvakasimbisa kutenda kwedu muvimbiso yaMwari iri pana Pisarema 37:5 inoti: ‘Isa nzira yako pana Jehovha, uvimbe naye, uye iye achazviita.’”

JEHOVHA ANOVHURA MUKANA

Muna 2014, Zvapupu zvaJehovha muMyanmar zvakava neropafadzo yekuva neGungano Guru Remunharaunda. Vanhu vakati kuti vakabva kune dzimwe nyika vakapinda gungano racho. Mumwe wavo ndiMonique, hanzvadzi yekuUnited States ine makore 34. Akati: “Pandakabva kugungano, ndakanyengetera kuna Jehovha nezvedanho raitevera randaifanira kutora muupenyu hwangu. Ndakataurawo nevabereki vangu nezvezvinangwa zvangu zvekunamata. Tese takaona kuti ndaifanira kudzokera kuMyanmar, asi zvakatora nguva uye minyengetero yakawanda ndisati ndasarudza zvekuita.” Monique anotsanangura kuti nei zvakatora nguva.

Monique naLi

“Jesu akakurudzira vateveri vake kuti ‘vaverenge zvinodiwa.’ Saka ndakazvibvunza kuti: ‘Ndine mari inokwana here kuti nditame? Ndichakwanisa kuzviriritira here munyika iyoyo ndisingaiti nguva yakawanda ndichishanda kuti ndizviriritire?’” Anoti: “Pasina nguva ndakaona kuti ndaisava nemari yakakwana yekuti nditamire kune imwe nyika.” Saka akaita sei kuti akwanise kutama?—Ruka 14:28.

Monique anoti: “Rimwe zuva wandaishandira akati aida kundiona. Ndakatya, ndichifunga kuti ndaizobudiswa basa. Asi akanditenda nekushanda zvakanaka kwandaiita. Akabva andiudza kuti ainge aronga kuti ndiwane bhonasi, iyo yaienderana nemari yandaida kuti ndibhadhare zvikwereti zvangu.”

Kubvira muna December 2014, Monique ari kushumira muMyanmar. Anonzwa sei nezvekushumira kwaari kuita kunzvimbo inodiwa vaparidzi vakawanda? Anoti: “Ndinofara chaizvo kuti ndiri kuno. Ndiri kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvitatu. Mumwe wandinodzidza naye ane makore 67. Pese paanondikwazisa anonyemwerera uye anondimbundira. Paakadzidza kuti zita raMwari ndiJehovha, akasvimha misodzi. Akati: ‘Aka ndekekutanga muupenyu hwangu kunzwa kuti zita raMwari ndiJehovha. Uri mudiki kwandiri nekure asi wandidzidzisa chinhu chinokosha zvikuru chandisati ndambonzwa nezvacho.’ Neniwo ndakasvimha misodzi. Zvinhu zvakaita seizvi zvinoita kuti munhu agutsikane zvikuru nekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda.” Munguva ichangopfuura Monique akava neropafadzo yekupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo.

Chimwe chakaita kuti vamwe vauye kuMyanmar inyaya yaitaura nezvenyika iyi yakabuda muBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2013. Imwe hanzvadzi ine makore ekuma30 inonzi Li yakanga yagara iri muSoutheast Asia. Li aienda kubasa, asi nyaya yaiva muBhuku Regore yakaita kuti afunge nezvekunoshumira kuMyanmar. “Muna 2014 pandakapinda Gungano Guru Remunharaunda rakaitirwa muYangon, ndakasangana nemurume nemudzimai vaishumira mundima yaidiwa vaparidzi vakawanda yemutauro weChinese muMyanmar. Sezvo ndichitaura Chinese ndakasarudza kuenda kuMyanmar kunobatsira boka reChinese ikoko. Ndakabatana naMonique, ndokubva tatamira kuMandalay. Jehovha akatibatsira kuti tiwane basa rataishanda nguva shoma pavhiki sevadzidzisi pachikoro chimwe chete, uye takawana imba yekugara yaiva pedyo. Pasinei nekupisa kwekunze uye kumboomerwa nezvimwe zvinhu, ndiri kunakidzwa nekushumira kuno. Vanhu vari muMyanmar vanorarama upenyu husina twakawanda wanda, asi vane ruremekedzo uye vanozvipa nguva yekuteerera mashoko akanaka. Zvinofadza chaizvo kuona zviri kuitwa naJehovha kuti basa rifambire mberi nekukurumidza. Ndinonyatsoona kuti Jehovha anoda kuti ndive kuno kuMandalay.”

JEHOVHA ANONZWA MINYENGETERO

Vamwe vanoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda vakaona kuti kunyengetera kunobatsira. Ona zvakaitika kuna Jumpei nemudzimai wake Nao, vane makore ekuma35. Vakanga vagara vachitoshumira muungano yemutauro wemasaini muJapan. Nei vakatamira kuMyanmar? Jumpei anoti: “Ini nemudzimai wangu takagara tiine chinangwa chekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kune imwe nyika. Imwe hama yaiva muungano yedu yemutauro wemasaini muJapan yakatamira kuMyanmar. Kunyange zvazvo takanga tangochengeta mari shoma, takatamirawo ikoko muna May 2010. Hama nehanzvadzi dzekuMyanmar dzakatigamuchira nemaoko maviri!” Jumpei anotii nezvekuva muungano yemutauro wemasaini muMyanmar? “Kune vanhu vakawanda vanofarira chokwadi. Patinoratidza matsi mavhidhiyo emutauro wemasaini, dzinoshamisika. Tiri kufara chaizvo kuti takasarudza kuuya kuzoshumira Jehovha kuno!”

Nao naJumpei

Jumpei naNao vakaitei panyaya dzemari? “Papera makore matatu, mari yatakanga tachengeta yakanga yava kutopera uye tainge tisisina mari inokwana kubhadhara rendi gore raitevera racho. Ini nemudzimai wangu takateterera kakawanda kuna Jehovha. Tisingazvitarisiri, takatambira tsamba yaibva kuhofisi yebazi yaitiudza kuti tishumire semapiyona chaiwo kwenguva pfupi. Taivimba naJehovha, uye takaona kuti haana kutisiya. Ari kutipa zvinokosha pakurarama.” Munguva ichangopfuura, Jumpei naNao vakapindawo Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo.

JEHOVHA ANOKURUDZIRA VAKAWANDA

Chii chakakurudzira Simone, ane makore 43, anobva kuItaly, nemudzimai wake Anna, ane makore 37, anobva kuNew Zealand, kuti vatamire kuMyanmar? Anna anoti, “Inyaya yaitaura nezveMyanmar iri muBhuku Regore ra2013.” Simone anoti, “Iropafadzo yakakura chaizvo kuva muMyanmar. Kuno vanhu vanorarama nezvinhu zvishoma, uye ndine nguva yakawanda yekushandira Jehovha. Zvinofadza kuona kuchengetwa kwatinoitwa naJehovha patinoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda.” (Pis. 121:5) Anna anoti: “Ndiri kufara zvandisati ndamboita. Tinorarama nezvinhu zvishoma. Nguva yakawanda ndinenge ndiine murume wangu, uye izvi zviri kuita kuti tiwedzere kuva pedyo nepedyo. Takawanawo shamwari itsva. Vanhu vekuno havavengi Zvapupu, uye kufarira kunoita vanhu mundima kunoshamisa.” Nei achidaro?

Simone naAnna

Anna anoti: “Rimwe zuva ndakaparidzira mumwe musikana wekuyunivhesiti pamusika ndokuronga kuzoonana naye zvakare. Patakaonana akauya neshamwari yake. Patakaonana zvakare akauya nedzimwe. Nguva yakatevera akazouya nedzimwe dzakatowanda. Iye zvino ndiri kudzidza nevashanu vavo.” Simone anoti: “Vanhu vari mundima vane ushamwari uye vanoda kuziva zvakawanda. Vakawanda vanofarira chokwadi. Tinotoshaya nguva yekukurukura nevanhu vese vanofarira.”

Sachio naMizuho

Asi zvii zvinodiwa kuti munhu aite chisarudzo chekutamira kuMyanmar? Mizuho, anobva kuJapan, anoti: “Ini nemurume wangu, Sachio, takagara tichida kushumira munyika inodiwa vaparidzi vakawanda, asi taizoenda kupi? Patakaverenga nezveMyanmar muBhuku Regore ra2013, takabayiwa mwoyo patakanzwa nezvezvinhu zvakanaka zvaitika ikoko zvekuti takatanga kufunga kana zvaiita kuti tinoshumira kuMyanmar.” Sachio anowedzera kuti: “Takasarudza kushanya kuYangon, guta guru reMyanmar kwevhiki rimwe chete, kuti tione zvakaita nzvimbo yacho. Kushanya kwatakaita kwakawedzera chido chedu chekutamira kuno.”

UCHABVUMA KUKOKWA HERE?

Jane, Danica, Rodney, naJordan

Rodney nemudzimai wake Jane, vanobva kuAustralia, vane makore ekuma50, nemwanakomana wavo, Jordan uye mwanasikana wavo, Danica, vari kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda muMyanmar kubvira muna 2010. Rodney anoti: “Takabayiwa mwoyo patakaona kuti vanhu vacho vaida kuziva nezvaMwari. Ndinokurudzirawo dzimwe mhuri kuti dziedze kushumira munzvimbo yakaita seMyanmar.” Izvi zvakanakirei? “Zvakatibatsira semhuri kuti tiwedzere kuswedera pedyo naJehovha. Vechidiki vakawanda vanogara vakabatikana nemafoni avo, motokari, mabasa nezvimwewo. Vana vedu vakabatikana nekudzidza mashoko matsva ekushandisa muushumiri. Vanoedza kudzidza kukurukura nevaya vasingazive zvinotaurwa neBhaibheri uye kuti vangapindura sei pamisangano yeungano mumutauro unoshandiswa muungano macho, uye vanogara vachiita zvinhu zvakawanda zvekunamata zvinonakidza.”

Oliver naAnna

Oliver anobva kuUnited States, ane makore 37 anokurudzira vamwe kuti vapinde mubasa iri achiti: “Kushumira Jehovha ndiri kunzvimbo yandisina kujaira kuri kuita kuti ndiwane makomborero akawanda. Kubva pamba kwakaita kuti ndiwedzere kuvimba naJehovha pasinei nezvandichasangana nazvo. Ndiri kushumira Jehovha nevanhu vandakakura ndisingazivani navo asi takabatana nekuti zvatinotenda zvakafanana. Umambo hwaMwari ndihwo chete hunokwanisa kuita kuti zvidaro.” Iye zvino Oliver nemudzimai wake, Anna, vachiri kushumira vachishingaira mundima yemutauro weChinese.

Trazel

Trazel, ane makore 52 anobva kuAustralia, ari kushumira kuMyanmar kubvira muna 2004. Anoti: “Kune vaya vanokwanisa, ndinovakurudzira chaizvo kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Ndakazvionera ndega kuti kana uine chido chekushumira Jehovha, anokomborera zvaunenge uchiedza kuita. Handina kumbobvira ndafunga kuti ndaizorarama seizvi. Ndiri kukomborerwa chaizvo uye ndiri kurarama upenyu hunogutsa.”

Kudai mashoko aya akataurwa nevanhu vari kunodiwa vaparidzi vakawanda kuMyanmar akakukurudzira kuti ufunge nezvekubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka vari mundima dzisati dzaparidzirwa. Vari kunodiwa vaparidzi vakawanda vari kushevedzera vachiti, “Tinokukumbirai kuti muyambukire kuMyanmar kuti mutibatsire!”