Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuMadagascar

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuMadagascar

“PANDAKANZWA zvaitaurwa neshamwari dzangu dzakashumira munzvimbo dzaidiwa mapiyona akawanda, ndakaita shungu dzekuravirawo mufaro iwoyo,” anodaro Sylviana, piyona ane makore 27. Anowedzera kuti, “Asi ndaitya kuti ndaisakwanisa kuenda kunodiwa vaparidzi vakawanda.”

Unombonzwawo sezvaiita Sylviana here? Unewo chido chekushumira kunodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda here asi uchiona sekuti haumbofi wakakwanisa kuzviita? Kana zvakadaro, usaora mwoyo. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakabatsirwa naJehovha, dzikakwanisa kukunda zvipingamupinyi zvaidzitadzisa kuwedzera ushumiri hwadzo. Kuti tione kuti Jehovha akabatsira sei vamwe vavo, tichataura zvakaitika kuMadagascar, chitsuwa chechi4 pakukura kudarika zvimwe zvese panyika.

Mumakore 10 akapfuura, vaparidzi nemapiyona vanoshingaira vanopfuura 70 vanobva kunyika 11 * vakaenda kunoshumira mundima iyi ine zvibereko muAfrica, umo mune vanhu vakawanda vanoremekedza Bhaibheri. Uyewo vaparidzi vakawanda veko vakazvipira kutama kuti vanobatsira kuparadzira mashoko eUmambo pachitsuwa ichi chakakura. Ngatinzwei nezvevamwe vavo.

KUKURIRA DAMBUDZIKO REKUTYA NEREKUORA MWOYO

Perrine naLouis

Louis naPerrine, murume nemudzimai vane makore ekuma30, vakatama kubva kuFrance vachienda kuMadagascar. Kwemakore akawanda vaifunga nezvekuenda kune imwe nyika kuti vawedzere ushumiri hwavo, asi Perrine aizeza kutama. Anoti: “Ndaitya kuenda kwandisingazivi. Ndainetseka nezvekusiya hama dzedu, ungano, imba, nzvimbo dzese dzatakajaira uye zvimwe zvinhu zvatakanga tajaira kuita. Kutaura zvazviri, kuzvidya mwoyo ndiro dambudziko hombe randaifanira kukurira.” Muna 2012, Perrine akava neushingi, uye iye naLouis vakatama. Anonzwa sei nezvechisarudzo chavakaita? “Ndichitarisa kwatakabva, kuona kushanda kweruoko rwaJehovha muupenyu hwedu kwakasimbisa kutenda kwedu.” Louis anowedzera kuti, “Takafara chaizvo kuti patakapinda Chirangaridzo kekutanga kuno kuMadagascar, vanhu 10 vataidzidza navo Bhaibheri vakauya!”

Chii chakavapa simba rekuti varambe vari kuMadagascar pakamuka matambudziko? Vakateterera Jehovha kuti avape simba raidiwa kuti vatsungirire. (VaF. 4:13) Louis anoti: “Takaona kuti Jehovha akapindura minyengetero yedu uye akatipa ‘rugare rwaMwari.’ Takakwanisa kuisa pfungwa dzedu pamufaro wataiwana pakushumira kwataiita. Uyewo, shamwari dzedu dzekuFrance dzaititumira mae-mail netsamba dzichitikurudzira kuti tisakanda mapfumo pasi.”—VaF. 4:6, 7; 2 VaK. 4:7.

Jehovha akakomborera Louis naPerrine nemhaka yekutsungirira kwavo. “Muna October 2014, takapinda Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana * kuFrance,” anodaro Louis. “Kupinda kwatakaita chikoro ichocho kwaiva chipo chatisingakanganwi chakabva kuna Jehovha.” Pavakagirajuweta, vakafara chaizvo kuti vakanzi vaende kunoshandira kuMadagascar.

“TICHADADA NEMI!”

Nadine naDidier

Didier naNadine, murume nemudzimai vekuFrance, pavakatamira kuMadagascar muna 2010, vese vainge vapfuura makore 50. Didier anoti: “Takambopayona kare, uye takazova nevana vatatu. Pavakanga vakura, takafunga nezvekuenda kunoshumira kune imwe nyika.” Nadine anoti: “Pandaifunga nezvekuti taizenge tiri kure nevana vedu, ndainzwa ndichizeza, asi ivo vakatiudza kuti: ‘Tichadada nemi kana mukatamira kune imwe nyika kuti munoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda!’ Mashoko avo akatikurudzira kuti titame. Kunyange zvazvo iye zvino tichigara kure nevana vedu, tinofara kuti tinokwanisa kugara tichitaura navo.”

Zvainge zvakaomera Didier naNadine kuti vadzidze mutauro wechiMalagasy. “Hatisi vana vadiki vanokurumidza kudzidza mumwe mutauro,” anodaro Nadine achinyemwerera. Vakabudirira sei? Pakutanga vakapinda neungano yemutauro wechiFrench. Pava paya, pavakaona kuti vakanga vava kukwanisa kunyatsodzidza mutauro weko, vakatamira kuungano yemutauro wechiMalagasy. Nadine anoti: “Vanhu vakawanda vatinosangana navo vanoda chaizvo kudzidza Bhaibheri. Kakawanda vanotenda kuvashanyira kwatinenge taita. Pakutanga ndaiita sendiri kurota. Ndinonakidzwa nekupayona mundima iyi. Pandinomuka mangwanani, ndinozviudza kuti, ‘Nhasi ndiri kunoparidza!’”

Didier anonyemwerera paanoyeuka nguva yaakatanga kudzidza chiMalagasy. “Ndakanga ndichiitisa musangano weungano asi pamhinduro dzaipiwa hapana kana imwe chete yandainzwisisa. Ndaingoti, ‘Maita basa.’ Pandakatenda imwe hanzvadzi nemhinduro yayo, vaya vakanga vakagara kumashure kwayo vakandipa chiratidzo chekuti mhinduro yacho yakanga isiriyo. Ndakakurumidza kudoma imwe hama yandinofunga kuti yakapa mhinduro yakarurama.”

VAKABVUMA NEMWOYO WESE

Pagungano rakaitwa muna 2005, Thierry nemudzimai wake Nadia, vakaona mutambo une musoro wekuti “Iva Nezvinangwa Zvinokudza Mwari.” Mutambo iwoyo wemuBhaibheri unotaura nezvaTimoti wakavabaya mwoyo uye wakawedzera chido chavo chekushumira kunodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda. Thierry anoti: “Mutambo wacho pawakapera, vanhu pavakanga vachiombera, ndakazembera mudzimai wangu ndokumubvunza kuti, ‘Ndekupi kwatichaenda?’ Mudzimai wangu akabva ataura kuti ndizvo zvaakanga achitofungawo.” Nguva pfupi pashure paizvozvo, vakabva vatanga kutora matanho ekuti vazadzise chinangwa chavo. Nadia anoti, “Zvishoma nezvishoma takatanga kuderedza zvinhu zvataiva nazvo kusvika tangosara nezvaikwana mumasutukesi 4!”

Nechekuruboshwe: Nadia naMarie-Madeleine Nechekurudyi: Thierry

Vakasvika kuMadagascar muna 2006, vachibva vatotanga kunakidzwa neushumiri. Nadia anoti, “Kuteerera kunoita vanhu vatinoparidzira kunoita kuti tifare chaizvo.”

Asi pashure pemakore 6, vakasangana nedambudziko. Amai vaNadia, Marie-Madeleine, avo vaigara kuFrance, vakadonha vachibva vatyoka ruoko uye vakakuvara musoro. Pashure pekunge Thierry naNadia vakurukura nachiremba waMarie-Madeleine, vakakumbira amai vavo kuti vauye kuzogara navo kuMadagascar. Kunyange zvazvo vakanga vava nemakore 80, vakabvuma nemwoyo wese. Vanonzwa sei nezvekugara kune imwe nyika? Vanoti: “Dzimwe nguva zvinombooma kuti ndijaire, asi pasinei nezvandisingakwanisi kuita, ndinoona kuti ndinokosha muungano. Uye chinonyanya kuita kuti ndifare ndechekuti kugara kwandiri kuita kuno kuri kuita kuti vana vangu vakwanise kuramba vachiita ushumiri hwavo.”

“NDAKANYATSOONA KUBATSIRA KWAJEHOVHA”

Riana achipa hurukuro muchiTandroy

Riana ihama ine makore 22. Akakurira muAlaotra Mangoro, nharaunda yakaorera iri kumabvazuva kweMadagascar. Aigona chikoro uye aida kuwana dzidzo yepamusoro. Asi paakadzidza Bhaibheri, akabva achinja pfungwa. Anoti: “Ndakaedza chaizvo kuti ndikurumidze kupedza sekondari uye ndakavimbisa Jehovha kuti, ‘Kana ndikapasa bvunzo dzangu dzekupedzisira, ndichabva ndatanga kupayona.’” Paakapedza chikoro, Riana akaita zvaakanga avimbisa. Akatanga kugara neimwe hama yaipayona, akawana basa raaishanda nguva shoma, uye akabva atanga kupayona. Anoti, “Ichi ndicho chisarudzo chakanakisisa chandakaita.”

Asi hama dzaRiana hadzina kunzwisisa kuti nei asina kuda kuita zvedzidzo yepamusoro. Anoti: “Baba vangu, babamunini, nemunin’ina waambuya vangu, vese vaindikurudzira kuti ndiite zvedzidzo yepamusoro. Asi ndakanga ndisingadi kuita chero chii zvacho chaizonditadzisa kupayona.” Pasina nguva, Riana akanga ava kuda kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Chii chakaita kuti ave nechido ichocho? Anoti: “Mbavha dzakapinda mumba mataigara dzikaba zvinhu zvangu zvakawanda. Kubirwa ikoko kwakaita kuti ndifungisise mashoko aJesu anotaura nezvekuunganidza ‘pfuma kudenga.’ Ndakasarudza kushanda nesimba kuti ndiunganidze pfuma yezvekunamata.” (Mat. 6:19, 20) Akatamira kumaodzanyemba kwenyika yacho, nzvimbo yakanga isina kunaya mvura, iyo yaiva makiromita 1 300 kubva kwaaigara. Nharaunda iyi inogara vanhu vechiAntandroy. Nei akatamira ikoko?

Pachiine mwedzi vasati vabirwa, Riana akanga atanga kudzidza Bhaibheri nevarume vaviri vechiAntandroy. Akadzidza mamwe mashoko emutauro wavo uye akafunga nezvevaAntandroy vakawanda vakanga vasati vambonzwa mashoko eUmambo. Anoti, “Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kutamira kunharaunda yevanhu vanotaura chiTandroy.

Riana paakatama, akabva angosangana nedambudziko. Haana kuwana basa. Mumwe murume akamuudza kuti: “Wakauyirei kuno? Vanhu vekuno vanotoenda kwawakabva ikoko kuti vawane mabasa!” Pashure pemavhiki maviri, Riana akabva ikoko asina kana mari achinopinda gungano remunharaunda, uye ainetseka kuti aizoita sei. Pazuva rekupedzisira regungano racho, imwe hama yakaisa chimwe chinhu muhomwe yebhachi raRiana. Yakaisa mari yaikwana kuti Riana adzokere kunharaunda yevaAntandroy uye yaikwana kutanga kabhizinesi kekutengesa yogati. Riana anoti: “Ndakanyatsoona kubatsira kwaJehovha panguva chaiyo yandaida kubatsirwa. Ndakanga ndava kukwanisa kuramba ndichibatsira vaya vasati vawana mukana wekudzidza nezvaJehovha!” Muungano maiva nezvakawanda zvekuita. Riana anowedzera kuti: “Ndaipa hurukuro yavose mumavhiki maviri ega ega. Jehovha aindidzidzisa achishandisa sangano rake.” Riana achiri kuparidza mashoko eUmambo kuvanhu vakawanda vanotaura chiTandroy vanoda kudzidza nezvaJehovha.

‘KUKOMBORERWA NAMWARI WECHOKWADI’

Jehovha anotivimbisa kuti ‘ani naani anozvikomborera panyika achazvikomborera naMwari wechokwadi.’ (Isa. 65:16) Patinoshanda nesimba kuti tikunde zvipingamupinyi zvingatitadzisa kuwedzera ushumiri hwedu, tinokomborerwa naJehovha. Funga nezvaSylviana ataurwa patangira nyaya ino. Yeuka kuti aitya kuti aisakwanisa kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Nei aifunga kudaro? Anotsanangura kuti: “Gumbo rangu rekuruboshwe ipfupi nemasendimita 9 pane rekurudyi. Saka ndinokamhina uye ndinokurumidza kuneta.”

Sylviana (kuruboshwe) naSylvie Ann (kurudyi) vaina Doratine zuva raakabhabhatidzwa

Zvisinei, muna 2014, Sylviana akabatana naSylvie Ann, hanzvadzi yechidiki yemuungano mavo inopayona, uye vakaenda kune musha mudiki uri makiromita 85 kubva kuguta ravo. Pasinei nezvipingamupinyi zvaivapo, chishuwo chaSylviana chakazadzika, uye akakomborerwa chaizvo! Anoti: “Pashure pegore ndatamira ikoko, Doratine, vamwe amai vechidiki vandaidzidza navo Bhaibheri, vakabhabhatidzwa pagungano redu redunhu.”

“NDICHAKUBATSIRA”

Sezvinoratidzwa nezvakataurwa neZvapupu izvi zvakaenda kunodiwa vaparidzi vakawanda, patinoshanda nesimba kuti tikunde chero chingatitadzisa kuwedzera ushumiri hwedu, tinonyatsozvionera kuti zvakavimbiswa naJehovha kuvashumiri vake ndezvechokwadi, paakati: “Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira.” (Isa. 41:10) Izvi zvinoita kuti ushamwari hwedu naJehovha huwedzere kusimba. Uyewo, kuzvipa nemwoyo unoda, mungava munharaunda yatinogara kana kuti kune imwe nyika, kunotibatsira kuti tigadzirire kuzoita mabasa ane chekuita nekunamata munyika itsva. Didier, ambotaurwa nezvake, anoti “kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kunotidzidzisa zvatichaita mune ramangwana!” Kudai vakawanda vane mwoyo inoda vakatanga kudzidzawo saizvozvo nekukurumidza!

^ ndima 4 Vanhu ava vakabva kuCanada, Czech Republic, France, Germany, Guadeloupe, Luxembourg, New Caledonia, Sweden, Switzerland, United Kingdom, neUnited States.

^ ndima 8 Chikoro ichi chakatsiviwa neChikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo. Vashumiri venguva yakazara vari mune dzimwe nyika vanogona kunyorera kuti vapinde chikoro ichi munyika yavo kana kuti mune imwe nyika inenge ichiitirwa chikoro chacho mururimi rwaamai kana kuti mumutauro wavanonyatsonzwisisa.