Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Alisa

Vakazvipa Nemwoyo Unoda​—kuTurkey

Vakazvipa Nemwoyo Unoda​—kuTurkey

VAKRISTU vepakutanga vakashanda nesimba kuti vazivise vanhu vakawanda “mashoko akanaka oumambo.” (Mat. 24:14) Vamwe vaitoenda kune dzimwe nyika. Semuenzaniso, muapostora Pauro akaenda kunharaunda yava kuzivikanwa seTurkey mazuva ano uye akaparidza chaizvo ikoko paaiita basa reumishinari. * Muna 2014, pashure pemakore anenge 2 000, muTurkey makaitwa mushandirapamwe unokosha wekuparidza. Nei pakarongwa mushandirapamwe iwoyo? Ndivanaani vakaita mushandirapamwe wacho?

“CHII CHIRI KUITIKA?”

MuTurkey mune vaparidzi vanopfuura 2 800, asi nyika yacho ine vanhu vanopfuura 79 000 000. Izvi zvinoreva kuti muTurkey, muparidzi mumwe chete anotarisirwa kuparidzira vanhu vanenge 28 000. Zviri pachena kuti vaparidzi veko vakangokwanisa kukurukura nevagari vemunyika yacho vashomanana chete. Chinangwa chemushandirapamwe uyu unokosha chaiva chekuparidzira vanhu vakawanda munguva pfupi. Hama nehanzvadzi dzinenge 550, dzinotaura chiTurkish dzinobva kune dzimwe nyika, dzakaenda kuTurkey uye dzakaparidza pamwe chete nevaparidzi veko pamushandirapamwe wacho. Izvi zvakaguma nei?

Vanhu vakawanda vakaona zvaiitika. Imwe ungano yemuIstanbul yakanyora kuti: “Vanhu pavakationa, vakabvunza kuti: ‘Asi muno mune gungano guru? Tiri kuona Zvapupu zvaJehovha kwese kwese!’” Imwe ungano iri muguta reIzmir yakanyora kuti: “Mumwe murume aishanda panomira matekisi akaenda paiva nemumwe mukuru ndokubvunza kuti, ‘Chii chiri kuitika? Asi mawedzera basa renyu?’” Vakawanda vakaona kuti paiva nemushandirapamwe.

Steffen

Vaparidzi vakabva kune dzimwe nyika vakanakidzwa chaizvo nebasa rekuparidza. Steffen, anobva kuDenmark, akati: “Zuva rega rega ndaiparidzira vanhu vainge vasati vambonzwa nezvaJehovha. Ndakaona kuti ndainyatsoita kuti zita raJehovha rizivikanwe.” Jean-David, anobva kuFrance akanyora kuti: “Takaparidza mumugwagwa mumwe chete kwemaawa akawanda. Zvainakidza! Vanhu vakawanda vakanga vasingazivi Zvapupu zvaJehovha. Panenge paimba yega yega, taikwanisa kutaura nevanhu, kuvaratidza vhidhiyo uye kuvasiyira mabhuku.”

Jean-David (ari pakati)

Vaparidzi 550 ivavo vakapa vanhu mabhuku anenge 60 000 mumavhiki maviri chete. Chokwadi mushandirapamwe uyu wakaita kuti vanhu vakawanda vaziviswe mashoko akanaka.

Vaparidzi vakawedzera kushingaira. Mushandirapamwe uyu wakakurudzira vaparidzi vemuTurkey. Vakawanda vakatanga kufunga nezvekuita basa renguva yakazara. Nhamba yemapiyona yakawedzera ne24 muzana mumwedzi 12 pashure pemushandirapamwe.

Şirin

Vaparidzi vakabva kune dzimwe nyika vakataura kuti mushandirapamwe wacho wakavabatsira sei kuvandudza ushumiri hwavo kunyange pavakazodzokera kunyika dzavo. Şirin, imwe hanzvadzi inobva kuGermany, akanyora kuti: “Hama dzemuTurkey hadzinetseki nekuparidza zvisina kurongwa. Ndiri munhu anonyara kuparidza zvisina kurongwa. Asi nemhaka yemushandirapamwe uyu, muenzaniso wehama dzekuno uye kunyengetera kakawanda, ndakakwanisa kuita zvandakanga ndisingakwanisi kuita. Ndakatokwanisawo kuparidzira vanhu pachiteshi chezvitima uye kuvapa maturakiti! Iye zvino handichanyari sezvandaimboita.”

Johannes

“Ndakadzidza zvinhu zvakawanda zvandinogona kushandisa muushumiri hwangu,” akadaro Johannes, anobva kuGermany. “Hama dzemuTurkey dzinoda chaizvo kuparidza chokwadi kune vanhu vakawanda sezvingabvira. Dzinoparidza pese padzinowana mukana. Ndakasarudza kuita saizvozvo pandakadzokera kuGermany. Uye iye zvino ndava kuparidzira vanhu vakawanda kupfuura zvandaimboita.”

Zeynep

“Mushandirapamwe uyu wakaita kuti ndivandudze chaizvo ushumiri hwangu. Wakandibatsira kuti ndiwedzere kuva neushingi uye kuvimba naJehovha,” akadaro Zeynep anobva kuFrance.

Vaparidzi vakawedzera kuva pedyo nepedyo. Rudo uye kubatana kwehama dzinobva munyika dzakasiyana-siyana hazvikanganwiki. “‘Takaravira’ rudo rwehama,” akadaro Jean-David, ambotaurwa nezvake. Akawedzera kuti: “Vakatigamuchira seshamwari dzavo uye sevanhu vemumhuri dzavo. Vakatizarurira misha yavo. Ndaiziva kuti tiri sangano rehama pasi rose uye ndakanga ndambozviverenga kakawanda mumabhuku edu. Asi apa ndakanyatsozvionera ndega. Ndakawedzera kudada nekuva mumwe wevanhu vaJehovha uye ndinomutenda nekundipa ropafadzo iyi.”

Claire (ari pakati)

“Taiva mhuri imwe pasinei nekuti tinobva kuDenmark, France, Germany, kana kuti Turkey. Zvinoita sekuti Mwari akanga adzima miganhu yenyika,” akadaro Claire anobva kuFrance.

Stéphanie (ari pakati)

Stéphanie anobva kuFrance akawedzera kuti: “Mushandirapamwe iwoyo unokosha wakatidzidzisa kuti chinoita kuti tive vakabatana hadzisi tsika kana mutauro asi kuda kwatinoita Jehovha.”

MAKOMBORERO ACHO ACHIRIPO

Vaparidzi vakawanda vakabva kune dzimwe nyika vakatanga kufunga nezvekutamira kuTurkey kuti vanobatsira pabasa rakawanda rinoda kuitwa. Vashoma vavo vakatotamira ikoko. Tinotenda chaizvo vanhu ava vakaenda kunodiwa vaparidzi vakawanda.

Semuenzaniso, funga nezverimwe boka revaparidzi 25 riri mune imwe nharaunda. Kwemakore akawanda, kwaingova nemukuru mumwe chete. Funga kuti boka racho rakafara sei muna 2015 pakauya vaparidzi 6 kubva kuGermany nekuNetherlands kuti vazoritsigira!

KUSHUMIRA KUNODIWA VAPARIDZI VAKAWANDA

Vaya vakatamira kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda muTurkey, vanotii nezveupenyu hwavo vari ikoko? Dzimwe nguva zvinogona kuoma asi kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kunounza mibayiro. Ona zvakataurwa nevamwe vavo:

Federico

“Kusava netwakawandawanda kunoita kuti ndinzwe ndakasununguka zvekuti ndinokwanisa kuisa pfungwa dzangu pazvinhu zvinonyanya kukosha,” anodaro Federico, hama yakaroora ine makore ekuma40 yakabva kuSpain. Anokurudzira vamwe kuitawo basa iri here? “Hongu!” anodaro. “Paunotamira kune imwe nyika uine chinangwa chekubatsira vamwe kuti vazive Jehovha, unenge uchitozviisa mumaoko ake. Unonyatsoona kuti Jehovha ari kukuchengeta.”

Rudy

Rudy, hama yekuNetherlands yakaroora, ine makore anoda kusvika 60, inotaura kuti vanogutsikana chaizvo kuti vari kuita sevari kuvhura nzira sezvo vari kuzivisa chokwadi kuvanhu vakawanda vasati vambonzwa nezvacho. Anotaurawo kuti, “Kuona kufara kunoita vanhu vanenge vabvuma chokwadi kunoita kuti tiwane mufaro mukuru.”

Sascha

Hama yakaroora inonzi Sascha, ine makore ekuma40, inobva kuGermany, inoti: “Pese pandinenge ndiri muushumiri ndinosangana nevanhu vanenge vachinzwa chokwadi kekutanga muupenyu hwavo. Kupa vanhu vakadaro mukana wekuziva Jehovha kunoita kuti ndigutsikane zvikuru.”

Atsuko

Atsuko, hanzvadzi yakaroorwa ine makore ekuma30, inobva kuJapan yakati: “Kare ndaingoda kuti Amagedhoni ikurumidze kuuya. Asi kubvira pandakatamira kuTurkey, ndinotenda Jehovha kuti achiri kuratidza mwoyo murefu. Pandinowedzera kunzwisisa kuti Jehovha anotungamirira sei basa rekuparidza, ndinowedzerawo kuda kuswedera pedyo naye.”

Alisa, hanzvadzi ine makore ekuma30 inobva kuRussia, inoti: “Kushumira Jehovha nenzira iyi kunondibatsira kuti ndiravire kunaka kwaJehovha.” (Pis. 34:8) Anowedzera kuti: “Jehovha ndiBaba vangu asiwo iShamwari yangu yepedyo, yandinowedzera kuziva mumamiriro ezvinhu akasiyana siyana. Muupenyu hwangu ndinogara ndichifara, ndichisangana nezvinhu zvinonakidza uye ndichiwana makomborero akawanda!”

‘ONAI MINDA’

Mushandirapamwe uyu unokosha, wakaita kuti vanhu vakawanda vakwanise kuwana mashoko akanaka. Asi pachine ndima yakakura muTurkey isati yamboshandwa. Zuva nezuva, vaya vanoshumira kunzvimbo dzinonyanya kudiwa vaparidzi kuTurkey vanosangana nevanhu vasati vambonzwa nezvaJehovha. Ungada kushumira mundima yakadaro here? Kana zvakadaro, tinokukurudzira kuti: ‘Simudza maziso ako uone minda kuti yachenera kukohwa.’ (Joh. 4:35) Unogona here kunobatsira kundima ‘dzakachenera kukohwa’? Kana uchikwanisa, tanga kutora matanho iye zvino ekuti uzadzise chinangwa ichocho. Chokwadi ndechekuti: Kuwedzera basa rekuparadzira mashoko akanaka “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika” kuchakuunzira makomborero akawanda.—Mab. 1:8.

^ ndima 2 Ona bhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka,” mapeji 32-33.