Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—KuWest Africa

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—KuWest Africa

PAAIKURA mune mumwe musha wakasaririra muCôte d’Ivoire, Pascal aida chaizvo kuva neupenyu hwakanaka. Sezvo aitamba tsiva, aigara achiti, ‘Ndingaenda kupi kuti ndiwane mukana wekuva nyanzvi yemutambo uyu ndozoita mari yakawanda?’ Ava nemakore anenge 25, akafunga kuti kuEurope ndiko kwaaizowana mukana uyu. Sezvo aisava nemagwaro okufambisa, aifanira kupinda muEurope zvisiri pamutemo.

Muna 1998, ava nemakore 27, Pascal akatanga rwendo rwake. Akayambuka muganhu kupinda muGhana, akapfuura nemuTogo nemuBenin, ndokuzopedzisira asvika muguta remuNiger rinonzi Birni Nkonni. Asi kwaanga ava kusvika ndiko kwakanga kwakaoma parwendo rwake. Kuti afambe achikwidza kumusoro, aifanira kusvetukira mumarori aipfuura kuti akwanise kuyambuka gwenga reSahara. Paaizosvika muMediterranean, aizokwira chikepe kuti aende kuEurope. Izvi ndizvo zvaakanga akaronga, asi pane zvinhu zviviri zvakaitika muNiger zvakazoita kuti asaende.

Chekutanga ndechekuti, akapererwa nemari. Chechipiri, akasangana nemumwe piyona ainzi Noé, akatanga kudzidza naye Bhaibheri. Zvaakadzidza zvakamubaya mwoyo zvokuti akachinja maonero aaiita upenyu. Chinangwa chekutsvaka upenyu huri nani chakatsiviwa nezvinangwa zvokunamata. Muna December 1999, Pascal akabhabhatidzwa. Kuti aratidze kuti aitenda Jehovha, muna 2001 akatanga kupayona muNiger, muguta racho raakadzidzira chokwadi. Anonzwa sei nebasa rake? Anotaura kuti, “Ndiri kunyatsogutsikana neupenyu!”

KUNYATSOGUTSIKANA NEUPENYU MUAFRICA

Anne-Rakel

Sezvakaitwa naPascal, vakawanda vakazvionera kuti kunyatsogutsikana neupenyu kunobva pakuva nezvinangwa zvekunamata. Kuti vabudirire kuita zvinangwa izvi, vamwe vakabva kuEurope vachienda kuAfrica kuti vashumire munzvimbo dzinodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda. Zvapupu zvingada kusvika 65 zvinobva kuEurope, zvine mazera ari pakati pe17 ne70, zvakatamira kunyika dziri kuWest Africa dzakadai seBenin, Burkina Faso, Niger, uye Togo. * Chii chakaita kuti vatore danho rakakura kudaro, uye zvinhu zvakazovafambira sei?

Anne-Rakel anobva kuDenmark anorondedzera kuti: “Vabereki vangu vaiva mamishinari muSenegal. Vaigara vachitaura kunakidzwa kwavaiitwa nebasa ravo reumishinari zvokuti ini ndaidawo upenyu hwakadaro.” Makore anenge 15 apfuura Anne-Rakel paainge achangopfuura makore 20, akatamira kuTogo kwaari kushanda neungano yemutauro wemasaini. Zvaakaita zvakakurudzira sei vamwe? Anoti: “Munin’ina wangu nehanzvadzi yangu vakazonditeverawo kuTogo.”

Albert-Fayette naAurele

 Aurele, imwe hama yakaroora ine makore 70 inobva kuFrance, inoti: “Makore mashanu apfuura, pandakanga ndava pamudyandigere, ndaigona kusarudza kudekara zvangu muFrance ndichimirira paradhiso kana kuti kutora matanho ekuwedzera ushumiri hwangu.” Aurele akasarudza kuwedzera ushumiri hwake. Makore anenge matatu adarika, iye nemudzimai wake, Albert-Fayette, vakatamira kuBenin. “Kuzvipira kushumira Jehovha kuno ndicho chinhu chakanaka kupfuura zvose chatakaita,” anodaro Aurele. Achinyemwerera anowedzera kuti, “Takatozoona kuti ndima yedu iri mumahombekombe megungwa inotoita seParadhiso chaiyo.”

Clodomir nemudzimai wake Lysiane, vakatamira kuBenin vachibva kuFrance makore 16 adarika. Mazuva ekutanga vaisuwa mhuri yavo neshamwari vainge vasara kuFrance, uye vaityira kuti vaizotadza kuchinja kuti vararame zvinoenderana neupenyu hwavo hutsva. Asi pakanga pasina chekutya. Vakatozofara zvikuru. “Pamakore 16 aya,” anodaro Clodomir, “takawana chikomborero chekubatsira anenge munhu mumwe chete pagore kuwana chokwadi.”

Lysiane naClodomir vaine vamwe vavakabatsira kuwana chokwadi

Johanna naSébastien

Sébastien nemudzimai wake Johanna, vanobva kuFrance, vakatamira kuBenin muna 2010. “Pane zvakawanda zvinoda kuitwa muungano,” anodaro Sébastien. “Kushumira kwatiri kuita kuno kunoita sekuti tiri kutora kosi inodzidzwa zvakawanda munguva pfupi, yezvinhu zvine chokuita nokunamata!” Ko muushumiri vanhu vari kufarira zvakadini? Johanna anoti: “Vanhu vane nyota yekunzwa chokwadi. Kunyange patinenge tisiri kuparidza, vanhu vanotimisa mumigwagwa kuti vatibvunze mibvunzo yeBhaibheri uye kuti vawane mabhuku edu.” Kutama kwavakaita kwakavabatsira sei parudo rwavo? Sébastien anoti: “Zvakasimbisa imba yedu. Ndinofara zvikuru kuswera ndiri muushumiri nemudzimai wangu.”

Eric nemudzimai wake Katy, vanopayona mumisha iri kure nekure iri muBenin nechokuchamhembe. Makore anenge gumi adarika, vachigara muFrance, vakaverenga nyaya dzaitaura nezvekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda uye vaitaurawo nevari mubasa renguva yakazara. Izvi zvakaita kuti vave nechido chekuenda kune imwe nyika, uye vakazotama muna 2005. Vakashamiswa chaizvo vachiona kukura kwaiita ungano. Eric anoti: “Makore maviri apfuura, boka redu riri muguta reTanguiéta, raiva nevaparidzi vapfumbamwe; iye zvino vava 30. Musi weSvondo, misangano inopindwa nevanhu vari pakati pe50 ne80. Hakuna mufaro ungaenzaniswa nekuona kuwedzera kwakadai!”

Katy naEric

 ZIVA ZVIPINGAMUPINYI WOTSVAKA NZIRA DZEKUZVIKURIRA

Benjamin

Matambudziko api akasangana nevamwe vakatamira kunodiwa vaparidzi? Benjamin, ane makore 33, ihanzvadzi yaAnne-Rakel. Muna 2000 ari kuDenmark, akasangana nemumwe mumishinari aishumira kuTogo. Benjamin anoyeuka kuti: “Pandakamuudza kuti ndaida kupayona, akati: ‘Unoziva, unogona kunopayona kuTogo.’” Benjamin akafunga nezvazvo. Anoti: “Ndakanga ndisati ndatombosvitsa makore 20. Asi hanzvadzi dzangu mbiri dzakanga dzava kutoshumira kuTogo saka hazvina kundiomera kuti ndiendeko.” Akabva aendako. Asi pakanga pachiine rimwe dambudziko. Benjamin anotsanangura kuti: “Ndakanga ndisingagoni chiFrench zvachose. Mwedzi mitanhatu yekutanga yakanga yakandiomera nokuti ndaisakwanisa kukurukura nevamwe.” Asi nekufamba kwenguva akazokwanisa. Benjamin ava kushumira paBheteri kuBenin, achiendesa mabhuku kuungano uye anoshandawo mudhipatimendi remakombiyuta.

Marie-Agnès naMichel

Eric naKaty, vambotaurwa nezvavo, vakamboshumira mundima yemumwe mutauro kuFrance vasati vauya kuBenin. KuWest Africa kwakanga kwasiyana sei nekuFrance? Katy anoti: “Zvakanga zvakaoma kuwana imba yakanyatsokodzera yekugara. Takaita mwedzi yakawanda tichigara muimba yakanga isina magetsi kana pombi dzemvura.” Eric anowedzera kuti: “Munharaunda iyi maredhiyo aisvika usiku chaihwo achirira nevhorumu iri pamusoro. Taitofanira kuva nemwoyo murefu kuti titsungirire zvinhu zvakadaro.” Vose vanobvumirana kuti: “Mufaro wekushanda mundima yaiita seisina kumboparidzwa, waiita kuti tisanyanye kutarisa matambudziko aivapo.”

Michel nemudzimai wake Marie-Agnès, vava kuda kusvitsa makore 60, vakatamira kuBenin vachibva kuFrance makore anenge mashanu apfuura. Vakatanga vachitya. Michel anoti: “Vamwe vaifananidza kutama kwatakaita nevanhu vari kusundwa mubhara nemunhu ari kufamba patambo! Zvinogona kutyisa kana ukasafunga kuti munhu wacho ari kufamba patambo ndiJehovha. Saka takatama tichiziva kuti tiri mumaoko ake.”

KUGADZIRIRA KWAUNGAITA

Vaya vagara nebasa rekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda vanoti zvakakosha kuti munhu atange agadzirira nekutora matanho anotevera: Gara waronga. Zvinhu zvikachinja, chinjawo. Usashandisa mari yakawanda kupfuura yawakaronga. Vimba naJehovha.—Ruka 14:28-30.

Sébastien, ambotaurwa nezvake, anorondedzera kuti: “Tisati tatama, ini naJohanna takachengeta mari kwemakore maviri nokuderedza mari yataishandisa pazvinhu zvaitivaraidza uye kusatenga-tenga zvinhu zvisina  basa.” Kuti varambe vachishumira kuBenin, vanodzokera kuEurope vonoshanda mwedzi mishomanana pagore.

Marie-Thérèse

Marie-Thérèse, mumwe wehanzvadzi dzisina kuroorwa dzinokwana 20 dzinobva kune dzimwe nyika akanoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kuWest Africa. Aishanda semutyairi webhazi kuFrance, asi muna 2006 akatora rivhi regore kuti anopayona kuNiger. Hazvina kumutorera nguva kuti aone kuti uhwu ndihwo upenyu hwaaida kurarama. Marie-Thérèse anoti: “Pandakadzokera kuFrance, ndakataura nemunhu wandinoshandira kuti ndaida kuchinja mashandiro angu, uye akabvuma. Iye zvino, ndinotyaira mabhazi kubva muna May kusvika muna August, uye kuzobva muna September kusvika April, ndinenge ndava kupayona kuNiger.”

Saphira

Vaya ‘vanotanga kutsvaka umambo’ vanogona kuvimba naJehovha kuti achavapa ‘zvimwe zvinhu zvose zvekurarama nazvo.’ (Mat. 6:33) Somuenzaniso, funga zvakaitika kuna Saphira, imwe hanzvadzi isina kuroorwa inobva kuFrance yava kuda kusvika makore 30, iri kupayona muBenin. Muna 2011 akadzokera kuFrance kuti atsvage mari yekuti apayone kwerimwe gore (rechitanhatu) kuAfrica. Saphira anorondedzera kuti: “Wakanga uri musi weChishanu, uye ndiwo waiva musi wekupedzisira pabasa, asi ndaida kushanda mamwe mazuva gumi kuti ndiwane mari yaizokwanisa kunditsigira kwerimwe gore. Ndakanga ndasarirwa nemavhiki maviri chete ndiri muFrance. Ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichitsanangura zvaiitika. Ndakabva ndangofonerwa neveimwe kambani inotsvagira vanhu mabasa vachibvunza kana ndaida kubatira mumwe munhu basa kwemavhiki maviri.” NeMuvhuro, Saphira akaenda kubasa kwacho kuti adzidziswe nemunhu waaizoda kuchinja. Anorondedzera kuti: “Ndakashamiswa zvikuru pandakazoziva kuti munhu wacho aiva hanzvadzi yaida mazuva gumi kuti ipinde Chikoro Chebasa Roupiyona! Munhu waaishandira akanga ati aisazomupa rivhi kana asina kuwana munhu wokusiya pabasa rake. Akanga ateterera kuti Jehovha amubatsire, sezvandakanga ndaitawo.”

KUGUTSIKANA KWECHOKWADI

Dzimwe hama nehanzvadzi dzava nemakore dzichishumira kuWest Africa uye kwava kutoita sekumusha kwavo chaiko. Vamwe vakagara makore mashoma ndokuzodzokera kunyika dzavo. Asi nanhasi vachiri kubatsirwa nezvavakadzidza pamakore avaiva kune imwe nyika. Vakadzidza kuti kugutsikana kwechokwadi kunobva pakushumira Jehovha.

^ ndima 6 Bazi remuBenin ndiro rinotungamirira basa munyika idzi ina, umo munotaurwa chiFrench.