Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Burnett, Simone, Eston, naCaleb

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuOceania

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuOceania

IMWE hanzvadzi ine makore ari kuma35 inonzi Reneé, yakakurira mumhuri ine Zvapupu zvinoshingaira kuAustralia. Reneé anoti: “Taigara tichitamira kunzvimbo dzaidiwa vaparidzi vakawanda veUmambo. Baba naamai vaigara vachiita kuti tinakidzwe chaizvo neupenyu! Pandakazovawo nevana vaviri, ndaida kuti vanakidzwewo neupenyu sezvataiita.”

Shane, murume waReneé uyo ava kuda kusvitsa makore 40, aivawo nezvinangwa zvekunamata zvakafanana nezvemudzimai wake. Anoti: “Pakaberekwa mwana wedu wechipiri, takaverenga imwe nyaya yaiva muNharireyomurindi yaitaura nezveimwe mhuri yeZvapupu yakaenda nechikepe chayo nechekumaodzanyemba kwePacific kuti inoparidza kuzvitsuwa zveTonga. * Zvaiva munyaya yacho zvakaita kuti tinyore tsamba kuhofisi yebazi yekuAustralia neyekuNew Zealand tichibvunza kuti ndekupi kwaidiwa vaparidzi vakawanda veUmambo. * Takabva takumbirwa kuti tiende kuTonga, kunova ndiko chaiko kwatainge taverenga nezvako!”

Jacob, Reneé, Skye, naShane

Shane naReneé, nevana vavo, Jacob naSkye, vakagara kuTonga kwerinenge gore, asi vakazodzokera kuAustralia nekuti kuTonga kwakanga kwava kugara kuchiitika mhirizhonga. Asi vakaramba vachiyeuka chinangwa chavo chekuwedzera ushumiri hwavo. Muna 2011, vakatamira kune kachitsuwa kadiki kari muPacific kanonzi Norfolk Island, kari kumabvazuva kweAustralia nemakiromita anenge 1 500. Vari ikoko, zvinhu zvakavafambira sei? Jacob uyo ava nemakore 14 anoti, “Jehovha akatichengeta uye akatoitawo kuti tinakidzwe neushumiri!”

ZVAKAITWA NEVAMWE KUTI VAKWANISE KUNOSHUMIRA SEMHURI

Kungofanana naShane naReneé nevana vavo, mhuri dzakawanda dzeZvapupu dzakazvipa nemwoyo unoda kuti dzinoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Chii chakavakurudzira kuti vadaro?

“Vanhu vakawanda vaifarira mashoko akanaka. Taida kuti mumwe nemumwe wavo awane mukana wekugara achidzidza Bhaibheri.”​—Burnett

Burnett nemudzimai wake Simone, avo vane makore ari kuma35, pamwe chete nevanakomana vavo, Eston ane makore 12 naCaleb ane makore 9, vakatamira kutaundi rinonzi Burketown, iro riri kwaro rega muQueensland, kuAustralia. Burnett anoti, “Zvapupu zvaienda kunoparidza ikoko kamwe chete pamakore matatu kana kuti mana ega ega. Vanhu vakawanda vaifarira mashoko akanaka. Taida kuti mumwe nemumwe wavo awane mukana wekugara achidzidza Bhaibheri.”

Jim, Jack, Mark, naKaren

Mark naKaren, avo vava nemakore ekuma50, vakashumira muungano dzakawanda dziri pedyo neSydney, kuAustralia vasati vatama pamwe chete nevana vavo vatatu, Jessica, Jim naJack, vachienda kuNhulunbuy, nzvimbo inogara vanhu vanoshanda mumugodhi kuNorthern Territory. Mark anoti: “Ndinoda vanhu, saka ndaida kuenda kunzvimbo yekuti ndaikwanisa kuita zvakawanda muungano uye muushumiri.” Asi Karen aizeza kutama. Anoti, “Pandakakurudzirwa naMark nedzimwe hama, ndakati regai ndimbozviedza. Iye zvino handitombozvidembi nezvandakaita.”

Benjamin, Jade, Bria, naCarolyn

Muna 2011, Benjamin naCarolyn nevanasikana vavo vachiri kukireshi vanonzi Jade naBria, vakatama vachibva muQueensland, kuAustralia, vachidzokera kuTimor-Leste, nyika diki iri pachitsuwa cheTimor chiri kuIndonesia. Benjamin anoti, “Ini naCarolyn takanga tamboshanda semapiyona chaiwo muTimor-Leste. Tainakidzwa nekuparidzira, uye hama dzaititsigira zvikuru. Takarwadziwa chaizvo patakabva kuTimor-Leste zvekuti takatsidza kuti tichatodzokerako chete. Hatina kuchinja zvirongwa zvedu patakava nevana, asi takambozvimisa.” Carolyn anowedzera kuti: “Taida kuti vana vedu vagare vachionana nemamishinari, hama dzepaBheteri, nemapiyona chaiwo uye kuti vanakidzwe nekushumira Jehovha.”

KUGADZIRIRA KUTAMA

Jesu akati kuvateveri vake: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi, overenga zvinodiwa?” (Ruka 14:28) Saizvozvowo, kana paine mhuri dziri kufunga kutamira kune imwe nzvimbo dzinofanira kunyatsoronga. Zvinhu zvipi zvinokosha zvinofanira kufungwa nezvazvo?

KUSIMBISA UKAMA HWENYU NAJEHOVHA: Benjamin anoti, “Taida kushumira vamwe kwete kuvaremedza. Saka tisati tatama, takava nechokwadi chekuti tasimbisa ukama hwedu naJehovha. Takawedzerawo kushingaira muushumiri uye muungano.”

Jacob ambotaurwa nezvake, anoti: “Tisati tatamira kuNorfolk Island, takaverenga nyaya dzoupenyu dzakawanda dziri mumagazini eNharireyomurindi neMukai! dzinotaura nezvemhuri dzakaenda kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Takakurukura nezvematambudziko avakasangana nawo uye kuti Jehovha akavabatsira sei.” Hanzvadzi yake Skye, ine makore 11, inotiwo: “Ndakanyengetera kakawanda, ndiri ndega uye pamwe chete nababa namhamha!”

KUSURUKIRWA: Reneé anoti: “Sezvo taigara munzvimbo yandaida uye ndiri pedyo nehama neshamwari, zvingadai zvakava nyore kuti ndirambe ndichigara ikoko. Asi pane kuramba ndichifunga zvandaizorasikirwa nazvo, ndakafunga nezvekuti kutama kwacho kwaizobatsira sei mhuri yedu.”

TSIKA: Mhuri dzakawanda dzinotanga dzatsvakurudza kuti dzigadzirire kuenda kwadzichazonogara. Mark anoti, “Takaverenga zvakawanda kuti tizive nezvekuNhulunbuy kwataida kutamira. Hama dzeikoko dzaigara dzichititumira bepanhau remunzvimbo yacho, iro raitibatsira kuziva nezvevanhu vacho netsika dzavo.”

Shane, uyo akatamira kuNorfolk Island anoti: “Ndakanyanya kuisa pfungwa pakuratidza unhu hwechiKristu. Ndaiziva kuti kana ndikava munhu munyoro, akatendeseka, uye anoshanda nesimba, ndaizojairana nenzvimbo chero ipi zvayo yandaizogara.

KUKURIRA MATAMBUDZIKO

Vanhu vari kukwanisa kushumira kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda vanotaura kuti paunosangana nematambudziko, zvinokosha kuva munhu anokwanisa kuchinja uye ane maonero akanaka. Ona mienzaniso inotevera:

Reneé anoti: “Ndakadzidza kuita zvinhu nenzira dzakasiyana-siyana. Semuenzaniso, kana mugungwa muine mafungu, zvikepe zvinotakura zvinhu hazvikwanisi kusvika kuNorfolk Island, saka zvekudya zvinomboita zvishoma uye zvinotanga kudhura. Saka ndakadzidza kusapambadza zvinhu pandinenge ndichibika.” Murume wake, Shane anowedzera kuti: “Tinoitawo kuti mashandisiro atinoita mari aenderane nebhajeti yedu yevhiki iroro.”

Mwanakomana wavo Jacob anotaurawo dambudziko rake. Anoti: “Ungano yedu itsva yaingova nevamwe vanhu 7, vese vari vanhu vakuru, saka ndakanga ndisina shamwari dzokutamba nadzo. Asi pandakashanda navo muushumiri, takabva tava neushamwari.”

Jim, uyo ava nemakore 21, akasanganawo nedambudziko rakafanana neraJacob. Anoti: “Ungano itori pedyo neNhulunbuy, iri kure nemakiromita anopfuura 725, saka tinonyatsoshandisa mukana watinowana pamagungano. Tinokurumidza kusvika tonakidzwa nekukurukura nehama nehanzvadzi. Magungano iwayo hatiakanganwi.”

“TAKAGONA PATAKASARUDZA KUUYA KUNO!”

Bhaibheri rinoti: “Chikomborero chaJehovha​—ndicho chinopfumisa.” (Zvir. 10:22) Pasi rese, vazhinji vari kunodiwa vaparidzi vakawanda vakanyatsoona kuti mashoko iwayo akafemerwa ndeechokwadi.

Mark anoti: “Chikomborero chikuru chatakawana ndechekubatsirwa kwakaitwa vana vedu nekutama kwatakaita. Pavana vedu, vakuru vacho vava nechivimbo chakazara chekuti Jehovha anobatsira vaya vanoisa Umambo pakutanga. Chivimbo chakadaro hachitengwi nemari.”

Shane anoti: “Ndava pedyo chaizvo nemudzimai wangu nevana vangu. Ndinofara chaizvo pandinonzwa vachitaura zvavakaitirwa naJehovha.” Mwanakomana wake Jacob, anobvumirana nazvo achiti: “Ndiri kunakidzwa chaizvo. Takagona patakasarudza kuuya kuno!”

^ ndima 3 Ona nyaya inoti “Shamwari dzaMwari mu‘Friendly Islands,’” iri muNharireyomurindi yaDecember 15, 2004, mapeji 8-11.

^ ndima 3 Muna 2012, hofisi yebazi yekuAustralia neyekuNew Zealand dzakabatanidzwa kuva hofisi yebazi imwe chete inonzi Australasia.