Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuPhilippines

Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuPhilippines

MAKORE anenge gumi adarika mumwe murume nemudzimai, Gregorio naMarilou, vaiva nemakore ekuma30, vakanga vachipayona muManila asi vachiendawo kubasa. Zvakanga zvakaoma, asi vaizvikwanisa. Mudzimai wacho, Marilou, akazokwidziridzwa kuva maneja pabhengi paaishanda. Anoti, “Mabasa ataishanda aiita kuti tirarame upenyu hwepamusoro.” Panyaya dzemari zvinhu zvaivafambira chaizvo zvokuti vakasarudza kuvaka imba yavaishuvira munzvimbo inogara vanhu vane mari yaiva makiromita 19 nechekumabvazuva kweManila. Vakaita chibvumirano neimwe kambani kuti ivavakire uye vakaronga kuzobhadhara mari yacho pamwedzi nemwedzi kwemakore gumi.

“NDAKANZWA SEKUTI NDAKANGA NDICHIBIRA JEHOVHA”

Marilou anorondedzera kuti: “Basa rangu idzva rainditorera nguva yangu yakawanda uye raindipedza simba zvekuti ndakanga ndisisina chido chekuita zvinhu zvekunamata. Ndakanzwa sekuti ndakanga ndichibira Jehovha.” Anotsanangura kuti: “Ndakanga ndisisakwanisi kupa Jehovha nguva yandakanga ndavimbisa pakumushumira.” Vashaiswa mufaro nemamiriro  avo ezvinhu, Gregorio naMarilou vakagara pasi kuti vambofunga kuti upenyu hwavo hwakanga hwakanangepi chaizvo. Gregorio anoti: “Taida kuchinja asi takanga tisingazivi kuti tinofanira kunyatsoita sei chaizvo. Takakurukura kuti tingakwanisa sei kunyatsoshandisa upenyu hwedu kunamata Jehovha, sezvo tisina vana. Takanyengetera kuti Jehovha atitungamirire.”

Mazuva iwayo, vakanzwa hurukuro dzakawanda dzaitaura nezvekushumira kunodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. “Takanzwa sekuti minyengetero yedu yakapindurwa naJehovha achishandisa hurukuro idzi,” anodaro Gregorio. Vakanyengetera kuti vawedzerwe kutenda kuti vakwanise kuwana ushingi hwekusarudza zvakanaka. Dambudziko guru raiva reimba yavo yakanga ichiri kuvakwa. Vakanga vatova nemakore matatu vachibhadhara. Vaizoita sei? Marilou anoti: “Kudai taizomisa basa iri, mari yose yatainge tabhadhara yaibva yarova, apa yaiva yakawanda. Asi takauona semukana wokusarudza kuita kuda kwaJehovha pane kuita kuda kwedu.” Vachifunga nezvemashoko aPauro ‘ekubvuma kurasikirwa,’ vakamisa basa rekuvakwa kweimba yavo, vakasiya mabasa avo, vakatengesa zvinhu zvavo zvakawanda, uye vakanogara kune mumwe musha uri kwawo woga pachitsuwa chePalawan, makiromita anenge 480 kumaodzanyemba kweManila.—VaF. 3:8.

TAKADZIDZA “ZVAZVINOREVA” KUGUTSIKANA NEZVATIINAZVO

Vasati vatama, Gregorio naMarilou vakaedza kugadzirira kuzorarama upenyu huri nyore, asi vakatozoziva mararamiro avaizoita pavakasvika. “Takashamiswa zvikuru,” anodaro Marilou. “Kwakanga kusina magetsi, nezvimwe zvatanga tajaira. Panzvimbo pekubika nechitofu chemagetsi, taifanira kutotema huni tobika nemoto. Ndaisuwa kunotenga pazvitoro zvinowanika muguta, kunodya mumaresitorendi uye zvimwe zvinhu zvinowanika mumaguta.” Asi vakangoramba vachifunga nezvechinangwa chakaita kuti vatame, uye pasina nguva vakakwanisa kuchinja. Marilou anoti: “Iye zvino ndava kukwanisa kunakidzwa nekucherechedza kunaka kwezvinhu zvakasikwa, kusanganisira nyeredzi. Asi chinonyanya kutifadza kuona vanhu vachifara patinovaparidzira. Kushumira kuno ‘kwakatidzidzisa zvazvinoreva’ kugutsikana nezvatiinazvo.”—VaF. 4:12.

“Hapana chinhu chinounza mufaro kupfuura kuona vanhu vakawanda vachiuya muungano. Iye zvino tinonyatsonzwa kuti upenyu hwedu hwava nechinangwa.”—Gregorio naMarilou

Gregorio anorondedzera kuti: “Patakasvika kuno kwaingova neZvapupu zvina. Vakafara zvikuru pandakatanga kupa hurukuro yavose vhiki nevhiki uye pandaivatungamirira kuimba nziyo dzeUmambo ndichiridza gitare.” Mugore rimwe chete, Gregorio naMarilou vakafara chaizvo kuona boka duku iri richiva ungano ine vaparidzi 24. Gregorio anoti: “Rudo rwatinoratidzwa neungano iyi rwunotibaya mwoyo.” Iye zvino pavanotarira pamakore anopfuura matanhatu vatamira kunzvimbo iyi iri kwayo yoga, vanoti: “Hapana chinhu chinounza mufaro kupfuura kuona vanhu vakawanda vachiuya muungano. Iye zvino tinonyatsonzwa kuti upenyu hwedu hwava nechinangwa.”

“‘NDAKARAVIRA NDIKAONA KUTI JEHOVHA AKANAKA’!”

MuPhilippines, hama nehanzvadzi dzinenge 3 000 dzakatamira munzvimbo dzinodiwa vaparidzi voUmambo  vakawanda. Vanenge 500 vacho ihanzvadzi dzisina kuroorwa. Mumwe waivava ndiKaren.

Karen

Karen, uyo ava kuda kusvika makore 30, akakurira muBaggao, Cagayan. Paaiyaruka, aigara achifunga nezvekuwedzera ushumiri hwake. Anorondedzera kuti: “Kuziva kuti nguva yasara ipfupi uye kuti vanhu vemarudzi ose vanoda kunzwa mashoko oUmambo, kwakaita kuti ndide kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda.” Kunyange zvazvo vamwe vemumhuri yake vakamukurudzira kuti aite dzidzo yepamusoro panzvimbo pokuenda kunzvimbo iri kwayo yoga kunoparidza, Karen akanyengetera kuti Jehovha amutungamirire. Akataurawo nevaya vaishumira munzvimbo dziri kwadzo dzoga. Ava nemakore 18, akatamira kunzvimbo iri kure nemakiromita 64 neguta raaigara.

Ungano duku yakaendwa naKaren inoparidzira nzvimbo ine makomo iri pedyo nemahombekombe egungwa rePacific. Karen anoyeuka kuti: “Kuti ndisvike kuungano itsva iyi ndichibva kuBaggao, takafamba kwemazuva matatu, tichikwidza nekudzika makomo uye takayambuka hova kanokwana ka30. Anowedzera kuti: “Kuti ndikwanise kuenda kunodzidzisa vamwe vanhu Bhaibheri ndinofamba kwemaawa matanhatu, ndorara pamba pake uye mangwana acho ndinofamba mamwe maawa matanhatu ndichidzokera kumba.” Ari kushandira zviripo here? “Dzimwe nguva makumbo angu anenge achirwadza,” asi achinyemwerera Karen anowedzera kuti, “ndakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinokwana 18. ‘Ndakaravira ndikaona kuti Jehovha akanaka’!”—Pis. 34:8.

“NDAKADZIDZA KUVIMBA NAJEHOVHA”

Sukhi

Chii chakaita kuti Sukhi, imwe hanzvadzi isina kuroorwa ine makore ekuma40 yaigara kuUnited States, itamire kuPhilippines? Muna 2011 akapinda gungano redunhu rakabvunzurudzwa mumwe murume nemudzimai wake. Vakatsanangura kuti vakatengesa zvinhu zvavo kuti vatamire kuMexico kuti vanobatsira kuita basa rekuparidza ikoko. Sukhi anoti, “Kubvunzurudza ikoko kwakaita kuti nditange kufunga nezvezvinangwa zvandakanga ndisina kumbobvira ndafunga. Sukhi, wedzinza rechiIndia, paakaziva kuti paidiwa vanhu vakawanda vanoenda kunobatsira vaPunjabi vanogara kuPhilippines, akasarudza kuendako kunobatsira. Akasangana nematambudziko here?

“Ndakaomerwa kupfuura zvandaitarisira panyaya yekusarudza kuti ndotengesa chii uye ndosara nechii,” anodaro Sukhi. “Zvakanga zvakandiomerawo kumbonogara nemhuri yangu sezvo ndakanga ndaita makore 13 ndichigara ndega mufurati rangu. Zvakanga zvisiri nyore asi zvakandibatsira chaizvo kugadzirira kurarama upenyu huri nyore.” Akasangana nematambudziko api paakazotamira kuPhilippines? “Kutya tunhu tunonanaira uye kusuwa kumba ndiwo aiva matambudziko angu makuru. Ndakadzidza kuvimba naJehovha zvandakanga ndisati ndamboita!” Akashandira zviripo  here? Achinyemwerera Sukhi anoti: “Jehovha anotiudza kuti, ‘Ndiedzei muone kana ndikasakudururirai chikomborero.’ Ndakanyatsoona kuti mashoko iwayo ndeechokwadi pandakabvunzwa nemumwe munhu wandakaparidzira kuti, ‘Muchadzoka riini? Ndine mimwe mibvunzo yakawanda.’ Zvinondifadza zvikuru uye ndinogutsikana pandinokwanisa kubatsira vanhu ivavo vane nzara yekuda kuziva Mwari!” (Mar. 3:10) Sukhi anowedzera kuti: “Chinhu chakanga chakanyanya kuoma kwaiva kusarudza kutama. Pandakangosarudza, zvakandishamisa kuona Jehovha achiita kuti zvinhu zvose zvindifambire zvakanaka.”

“NDAKAKWANISA KUKUNDA KUTYA KWANDAIITA”

Sime, imwe hama yakaroora yava nemakore anopfuura 35 yakabva kuPhilippines kuti inotsvaka basa rinobhadhara kune imwe nyika iri kuMiddle East. Ari ikoko akakurudzirwa zvikuru nemumwe mutariri wedunhu uye nehurukuro yakapiwa nehama iri muDare Rinodzora kuti aise Jehovha pakutanga muupenyu hwake. “Asi ndaitya kusiya basa,” anodaro Sime. Kunyange zvakadaro akasiya basa rake uye akadzokera kuPhilippines. Iye zvino Sime, nemudzimai wake, Haidee, vanoshumira vari kuDavao del Sur, nechekumaodzanyemba kwenyika yacho kuri kudiwa vaparidzi veUmambo kuti vaparidze ndima iriko yakakura. “Pandinotarira shure,” anodaro Sime, “ndinofara zvikuru kuti ndakakwanisa kukunda kutya kwandaiita kusiya basa ndikaisa Jehovha pakutanga muupenyu hwangu. Hapana chimwe chinhu chinogutsa zvikuru kupfuura kuziva kuti uri kupa Jehovha zvakanakisisa pane zvauinazvo!”

Sime naHaidee

“ZVINOITA KUTI TIGUTSIKANE ZVIKURU!”

Ramilo naJuliet, murume nemudzimai vanopayona vane makore ati pfuurei 30. Pavakangoziva kuti imwe ungano iri kure nemakiromita 30 kubva pamba pavo yaida kubatsirwa, vakazvipira kunobatsira. Saka vhiki imwe neimwe, kunyange mamiriro ekunze akaipa kana kuti akanaka, Ramilo naJuliet vanoenda kanoverengeka nemudhudhudhu wavo kuti vanopinda misangano uye kunoparidza. Kunyange zvazvo zvakaoma chaizvo kufamba nemigwagwa ine makomba makomba, uye kuyambuka mazambuko akarembera, vanofara zvikuru kuti vakawedzera ushumiri hwavo. Ramilo anoti: “Ini nemudzimai wangu tine zvidzidzo zveBhaibheri zvinokwana 11! Kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kunoda kuti munhu arasikirwe nezvimwe zvinhu, asi kunoita kuti unyatsogutsikane!”—1 VaK. 15:58.

Juliet naRamilo

Unoda kuziva zvakawanda nezvekunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda voUmambo here munyika yako kana kuti kune imwe nyika? Taura nemutariri wako wedunhu, uye verenga nyaya yakanzi “‘Ungayambukira kuMakedhoniya’ Here?” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 2011.