Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVUNZURUDZA | FRÉDÉRIC DUMOULIN

“Ndinonyatsobvuma Kuti Musiki Ariko”

“Ndinonyatsobvuma Kuti Musiki Ariko”

Frédéric Dumoulin ava nemakore anopfuura 10 achishanda paGhent University kuBelgium achiongorora mashandiro emishonga. Pane imwe nguva aimboramba kuti kuna Mwari. Pava paya Frédéric akazobvuma kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvose. Vanyori veMukai! vakabvunza Frédéric uyo ava mumwe weZvapupu zvaJehovha nezvebasa rake uye kutenda kwake.

Maimboita zvechechi here muchiri muduku?

Ehe. Mai vangu vaipinda Roma. Asi pandaiverenga nezvehondo dzaiitwa nechechi yeRoma uye kuranga zvoutsinye kwayaiita vanhu vasiri vechechi yayo, ndakabva ndavenga chechi uye ndakanga ndisingadi kunzwa nezvayo. Ndakaverengawo nezvezvitendero zvisiri zvechiKristu uye ndakaona pasina musiyano. Pandakanga ndava nemakore 14, ndakaona kuti uori huzere mumachechi hunoratidza kuti hakuna Mwari. Saka ndiri kuchikoro pandakadzidziswa kuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka ndakabva ndabvuma kuti ndezvechokwadi.

Chii chakaita kuti mude zvesayenzi?

Pandakanga ndiine makore 7, ndakapiwa kamuchina kanoita kuti zvinhu zvaunenge uchiona zvikure (microscope) uye ndiko kandaitambisa nguva dzose. Zvimwewo zvezvinhu zvandaiongorora nekamuchina aka twaiva tupembenene twakadai semabhatafurayi.

Chii chakaita kuti mude kuziva matangiro akaita upenyu?

Pandakanga ndava nemakore 22, ndakasangana nomumwe musayendisiti uyo ari zvekare mumwe weZvapupu zvaJehovha. Aiti Mwari ndiye akasika zvinhu zvose. Ndakashamisika chaizvo. Ndaifunga kuti ndaizomunyadzisa nokumuratidza kuti akanga akarasika. Ndini ndakazonyara, mibvunzo yose yandaimubvunza aindipindura zvakajeka. Ndakabva ndaita shungu dzokuda kuziva kuti sei vanhu vachitenda kuti kuna Mwari.

Pashure pemwedzi mishomanana ndakazosangana nechimwe Chapupu chaiva noruzivo panyaya dzokurapwa. Akakumbira kunditsanangurira zvaaitenda uye ndakamubvumira nokuti ndaida kuziva kuti sei vanhu vachitenda muna Mwari. Ndaida kumubatsira kuti aone kuti ndiye akanga akarasika.

Makakwanisa here kumuratidza kuti akanga akarasika?

Aiwa, ndakatadza. Ndakatanga kuongorora nyaya yokuti upenyu hwakambotanga sei. Ndakashamisika kuona kuti mamwe masayendisiti akakurumbira anonetsekawo kuti sero rezvinhu zvinorarama rakambotanga sei, uye vanoti upenyu hahuna kungotangira panyika. Vamwe vanofunga kuti masero aya akatangira kune imwe nzvimbo kwete pano panyika. Masayendisiti haawirirani panyaya yokuti upenyu hwakatanga sei.

Pane chavanowirirana here?

Chinoshamisa ndechokuti, masayendisiti akawanda anoti kunenge kuti upenyu hwakatanga kuvapo panyika pashure pokuputika kwezvimwe zvinhu zvisina upenyu. Ndakatanga kuzvibvunza kuti, ‘Kana vasina chokwadi nezvematangiro akaita upenyu, chii chinoita kuti vave nechokwadi nezvavari kutaura?’ Ndakatanga kuongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezvematangiro akaita upenyu.

Zvii zvamakaona pakuverenga kwenyu Bhaibheri?

Pandairamba ndichidzidza Bhaibheri, ndipo pandaiwedzera kubvuma kuti nderechokwadi. Somuenzaniso, ndimanje-manje apo masayendisiti akatanga kuziva kuti nyika yakaita zvokusikwa. Asi vhesi yokutanga muBhaibheri yakasonyorwa makore anenge 3 500 akapfuura, inoti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” * Uye ndakaona kuti Bhaibheri pose parinotaura nyaya dzesayenzi rinotaura zvechokwadi.

Ndakaona kuti Bhaibheri pose parinotaura nyaya dzesayenzi rinotaura zvechokwadi

Ruzivo rwenyu nezvesayenzi rwakaita kuti zvikuomerei here kutenda muna Mwari?

Aiwa. Pandakazotanga kutenda muna Mwari ndakanga ndaita zvidzidzo zvangu zvesayenzi pane imwe yunivhesiti kwemakore matatu. Kusvika iye zvino, ndinoona kuti pandinowedzera kuongorora magadzirirwo akaitwa zvinhu zvinorarama, ndinobvawo ndawedzera kutenda kuti Musiki ariko.

Mungatipa here muenzaniso?

Ehe. Ndakaongorora zvinoitwa nemishonga uye utachiona hwakasiyana-siyana pavanhu, mhuka nezvimwewo. Chinhu chinondishamisa magadzirirwo akaitwa uropi hwedu ayo anoita kuti utachiona nezvimwe zvinhu zvinokanganisa zvisapinda. Saka ropa harigoni kupinda mumasero europi hwedu.

Chii chinoshamisa panyaya iyoyo?

Kwemakore apfuura, vanamazvikokota pasayenzi vakaona kuti zvinhu zvinofamba nomuropa zvinopinda munzvimbo dzose dziri mumuviri kunze kwemuuropi nemumuzongoza. Izvozvo zvinondishamisa nokuti pane tutsinga twakawanda twunosvitsa ropa kusero rimwe nerimwe riri muuropi. Masero ose europi anocheneswa, opiwa zvokudya uye opiwa mhepo yakachena, zvose izvi zvichifamba nomuropa. Kwemakore akawanda masayendisiti anga ari kutadza kunzwisisa kuti zvinofamba sei kuti ropa risapinda mumasero europi.

Uropi hunodzivirirwa sei?

Tutsinga tuduku duku utwu twunofamba neropa twakasiyana nemachubhu epurasitiki anoita kuti zvinhu zviri panze zvisapinda. Madziro etutsinga utwu anogadzirwa nemasero. Masero aya anoita kuti zvimwe zvinhu zvikwanise kupinda nemaari kana kuti nepakati pawo. Asi masero etutsinga turi muuropi haana kudaro. Akanyatsobatana zvakasimba uye kubatana kwacho kunoshamisa chaizvo. Pane zvinhu zvinoitika zvisinganzwisisiki zvinoita kuti zvinhu zvakadai semhepo yakachena uye yakasviba uye zvokudya, zvipinde nokubuda zvakarongeka. Asi mapuroteni nezvimwewo zvinhu hazvikwanisi kupinda. Saka zvinhu zvose zvinogona kukanganisa mashandiro akanaka ouropi hazvibvumirwe kupinda muuropi hwacho. Kana ndirini hangu, mashandiro aya anoshamisa europi anoratidza kuti Mwari ndiye Musiki.