Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAURIRANO | YAN-DER HSUUW

Musayendisiti Anoongorora Nezvevana Vari Mudumbu Anotsanangura Kutenda Kwake

Musayendisiti Anoongorora Nezvevana Vari Mudumbu Anotsanangura Kutenda Kwake

PUROFESA Yan-Der Hsuuw ndiye anotungamirira mabasa ekutsvakurudza nezvevana vari mudumbu paNational Pingtung University of Science and Technology. Aimbotenda dzidziso yekuti zvinhu zvipenyu zvakaita zvekushanduka-shanduka, asi paakazotanga kutsvakurudza zvesayenzi akachinja pfungwa. Akatsanangurira vanyori veMukai! zvikonzero zvakaita kuti achinje.

Chimbotiudzaiwo nezveupenyu hwenyu.

Ndakaberekwa muna 1966 uye ndakakurira kuTaiwan. Chitendero chevabereki vangu chaiva musanganiswa wechiTao nechiBhudha. Tainamata madzitateguru uye tainyengetera kuzvifananidzo asi hatina kumbobvira tafunga kuti kuna Mwari akasika zvinhu zvose.

Nei makasarudza kudzidza nezvezvinhu zvipenyu?

Pandaiva mudiki, ndaifarira kuchengeta mhuka dzinogara nevanhu pamba uye ndaida kudzidza kuti ndingabatsira sei mhuka nevanhu vanenge vachitambura. Kwenguva yakati, ndakadzidza nezvekurapa mhuka. Ndakazodzidzawo nezvevana vari mudumbu ndichitarisira kuti zvaizondibatsira kunzwisisa kuti upenyu hwakatangira papi.

Panguva iyoyo, maitenda kuti zvinhu zvipenyu zvakaita zvokushanduka-shanduka. Mungatiudzawo chikonzero chacho here?

Mapurofesa ekuyunivhesiti aidzidzisa kuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka uye aiti pane uchapupu hunotsigira izvozvo. Ndakabvuma zvavaidzidzisa.

Ko nei makazotanga kuverenga Bhaibheri?

Pane zvikonzero zviviri. Chekutanga, ndakafunga kuti pavanamwari vakawanda vanonamatwa nevanhu, panofanira kuva nemumwe chete mukuru kupfuura vose. Saka ndaida kuziva kuti ndeupi. Chechipiri, ndaiziva kuti Bhaibheri rinoremekedzwa nevakawanda, saka ndakabva ndakatanga kupinda makirasi ekudzidza Bhaibheri.

Pandakatanga kudzidza paCatholic University of Leuven kuBelgium muna 1992, ndakaenda kune imwe chechi yeRoma ndokukumbira mupristi kuti andibatsire kunzwisisa Bhaibheri, asi akaramba.

Saka mibvunzo yenyu yakazopindurwa sei?

Papera makore maviri, pandaitsvakurudza zvesayenzi ndichiri kuBelgium, ndakaonana nemumwe mukadzi wekuPoland ainzi Ruth uyo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ainge adzidza mutauro weChinese kuitira kuti abatsire vadzidzi vepayunivhesiti vaidawo kudzidza nezvaMwari. Ndainge ndanyengetera kuti ndiwane rubatsiro irworwo, saka ndakafara pandakamuona.

Ruth akandiratidza kuti Bhaibheri harisi haro bhuku resayenzi asi zvarinotaura zvinoenderana nesayenzi. Somuenzaniso, mumwe munyori weBhaibheri anonzi Dhavhidhi akanyengetera kuna Mwari achiti: “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu, kuti mazuva api adzakaumbwa uye pakanga pasati pava neimwe chete yadzo.” (Pisarema 139:16) Kunyange zvazvo zvakataurwa naDhavhidhi yaiva nhetembo, zvaaitaura ndezvechokwadi! Nhengo dzemuviri wemunhu dzisati dzatombotanga kuumbwa, mirayiridzo yemaumbirwo acho inenge yatovapo. Kururama kwezvinotaurwa neBhaibheri kwakaita kuti ndibvume kuti iShoko raMwari. Ndakatangawo kunzwisisa kuti kuna Mwari mumwe chete wechokwadi anonzi Jehovha. 1

Chii chakaita kuti mubvume kuti upenyu hwezvinhu zvose hwakabva kuna Mwari?

Chinangwa chekutsvakurudza zvesayenzi ndechekuda kuziva chokwadi, kwete kutsigira zvagara zvichifungwa nevanhu. Kudzidza kwandakaita nezvekukura kunoita mwana ari mudumbu kwakachinja mafungiro andaiita, zvekuti ndakabvuma ndega kuti upenyu hunobva kuna Mwari. Semuenzaniso, kune michina yakaitwa nemainjiniya inogadzira zvinhu zvekuti zvinobatanidzwa zvakanaka-naka, pati imwe neimwe ichienda panzvimbo yayo, maererano nemarongerwo azvinenge zvakaitwa. Kukura kunoita mwana ari mudumbu kwakati fananei neizvi, asi kunotopfuura ipapo nekure.

Izvi zvinotanga nesero rimwe chete raamai rinenge rabatanidzwa nembeu yababa handizvo here?

Ndizvozvo. Sero diki diki iroro rinozotanga kupatsanuka richiumba mamwe masero. Kwenguva yakati kuti, nhamba yemasero inowedzera zvakapetwa kaviri mumaawa 12-24 ega ega. Izvi pazvinotanga kuitika, ndipo panoumbwa mastem cells. 2 Kuti mwana aumbwe panodiwa mhando 200 dzemasero kana kupfuura. Mastem cells anogona kugadzira chero mhando ipi zvayo yemasero iwayo, akadai semasero eropa, masero emapfupa nemamwewo.

Kudzidza kwandakaita nezvekukura kunoita mwana ari mudumbu kwakaita kuti ndizvionere kuti chokwadi upenyu hunobva kuna Mwari

Masero anenge achidiwa anofanira kugadzirwa nenzira yakarongeka, uye panzvimbo yakakodzera. Chekutanga, masero akafanana anorongana kuti agadzire nhengo dzemukati, uyewo makumbo nemaoko. Pana injiniya angakwanisa kunyora mirayiridzo yekuti zvifambe seizvi here? Mirayiridzo yekuumbwa kwemwana yakanyatsonyorwa neunyanzvi muDNA. Pandinoona kushamisa kwezvose izvi, ndinobva ndanyatsova nechokwadi chekuti upenyu hunobva kuna Mwari.

Nei makasarudza kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha?

Muchidimbu ndinoti, rudo. Jesu Kristu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Rudo irworwo haruna rusarura. Harunei nenyika yaunobva, tsika, kana kuti ruvara rweganda. Ndakaona uye ndakaratidzwa rudo urwu pandakatanga kuwadzana neZvapupu.

^ 2. Nemhaka yezvaakadzidza muBhaibheri, Purofesa Yan-Der Hsuuw haachashandisi mastem cells evanhu pabasa rake.