Enda pane zvauri kuda

Vabereki Vangadzidzisa Sei Vana Vavo Nezvebonde?

Vabereki Vangadzidzisa Sei Vana Vavo Nezvebonde?

Mhinduro yeBhaibheri

 Ndiani anofanira kudzidzisa vana nezvebonde? Bhaibheri rinotaura kuti ibasa revabereki, uye vabereki vakawanda vakaona kuti mazano anotevera anobatsira:

  •   Musanyara nazvo. Bhaibheri haritendereri kana richitaura nezvebonde uye sikarudzi, uye Mwari akaudza rudzi rwevaIsraeri kuti “vana” vanofanira kudzidziswa nezvenyaya idzi. (Dheuteronomio 31:12; Revhitiko 15:2, 16-19) Munogona kushandisa mashoko anoratidza kuremekedza pakutaura nezvebonde kana kuti sikarudzi kwete aya anoita kuti muzoshaya kwekutarisa.

  •   Vadzidzisei zvishoma nezvishoma. Panzvimbo pokutaura nemwana zvose zvine chokuita nebonde kamwe chete paanenge ava pazera rokuyaruka, taurai naye zvishoma nezvishoma kubvira pazera raanoratidza kuti ava kukwanisa kunzwisisa.​—1 VaKorinde 13:11.

  •   Vadzidzisei tsika dzakanaka. Zvikoro zvinogona kupa zvidzidzo zvine chokuita nenyaya dzepabonde. Asi Bhaibheri rinokurudzira vabereki kuti vasangogumira pakudzidzisa vana vavo nezvesikarudzi asiwo kuzvibata panyaya dzebonde.​—Zvirevo 5:1-23.

  •   Teererai mwana wenyu. Mwana wenyu paanokubvunzai nezvebonde, musatsamwa kana kumufungira zvisizvo. Asi, ‘kurumidzai kunzwa, mononoka kutaura.’​—Jakobho 1:19.

Kudzivirira kwamungaita mwana wenyu pavanhu vanoda zvokuita naye bonde

Dzidzisai mwana wenyu kuti kana achinge asangana nemunhu anoda zvokushinha nevana arambe

  •   Zvidzidzisei. Zivai kuti vanhu ava vanoda zvokubhinya vanozviita sei.​—Zvirevo 18:15; onai chitsauko 32 chebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1.

  •   Zivai zviri kuitika muupenyu hwemwana wenyu. Musasiya mwana wenyu kuti atarisirwe nemumwe munhu musati mava nechokwadi chokuti munhu wacho akavimbika, uye ‘musangorega’ mwana wenyu.​—Zvirevo 29:15.

  •   Dzidzisai vana venyu kuteerera. Vana vanofanira kudzidza kuteerera vabereki vavo. (VaKorose 3:20) Asi, kana mukadzidzisa mwana wenyu kuti nguva dzose ateerere zvose zvinotaurwa nemunhu mukuru chero upi zvake, zvichaita kuti ave pangozi yekubhinywa. Vabereki vechiKristu vanogona kuudza mwana wavo kuti, “Kana mumwe munhu akakuudza kuti uite chinhu chisingadiwi naMwari, usachiita.”​—Mabasa 5:29.

  •   Dzidzirai matanho ari nyore okuti mwana wenyu azvidzivirire. Batsirai mwana wenyu kuti azive zvokuita kana mumwe munhu akada kumushandisa kunyange musipo. Kudzidzira zvaanogona kuzoita kunogona kubatsira mwana wenyu kuti ave nechivimbo chokutaura kuti: “Ndisiyei! Ndichakumhan’arirai!” uye obva abvapo nokukurumidza. Sezvo vana vachikurumidza kukanganwa zvingatoda kuti mugare muchivayeuchidza.​—Dheuteronomio 6:7, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.