Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Uprofita?

Chii Chinonzi Uprofita?

Mhinduro yeBhaibheri

 Uprofita mashoko anenge akafemerwa naMwari, kana kuti kuzarurirwa chimwe chinhu naMwari. Bhaibheri rinoti vaprofita “vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:​20, 21) Saka muprofita munhu anogamuchira mashoko aMwari oaendesawo kune vamwe.​—Mabasa 3:​18.

Vaprofita vaiwana sei mashoko kubva kuna Mwari?

 Mwari aishandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti pfungwa dzake dzisvike kuvaprofita vake:

  •   Kuita zvekunyora. Pamwe paakashandisa nzira iyi ndepaya paakapa Mosesi Mirayiro Gumi yainge yakaita zvekunyorwa.​—Eksodho 31:18.

  •   Kuudzwa mashoko acho nengirozi. Semuenzaniso, Mwari akashandisa ngirozi kuti iudze Mosesi mashoko aaifanira kunoudza Farao wekuIjipiti. (Eksodho 3:​2-4, 10) Pazvaiva zvakakosha zvikuru kuti mashoko acho anyorwe sezvaari, Mwari akaudza ngirozi kuti itaure mashoko acho, achibva anyorwa shoko neshoko, sezvaakaita paakaudza Mosesi kuti: “Nyora mashoko aya, nokuti ndinoita sungano newe naIsraeri maererano nemashoko aya.”​—Eksodho 34:27. a

  •   Kuita zvekuoneswa. Muprofita aigona kuoneswa akamuka, achinyatsoziva zviri kuitika. (Isaya 1:1; Habhakuki 1:1) Zvimwe zvacho zvainge zvakanyatsojeka, zvekuti munhu aizviratidzwa wacho aitovapowo achiita chimwe chinhu panguva yaiitika zvinhu zvaanenge achiratidzwa zvacho. (Ruka 9:28-36; Zvakazarurwa 1:10-17) Dzimwe nguva, munhu aiita zvekuratidzwa zvinhu achiita seari kuhope, asi achitoita zvaanenge achiudzwa. (Mabasa 10:10, 11; 22:17-21) Mwari aitumirawo shoko rake achiita kuti muprofita wacho arote paanenge akarara.​—Dhanieri 7:1; Mabasa 16:​9, 10.

  •   Kutungamirirwa mupfungwa. Mwari aitungamirira pfungwa dzevaprofita vake kuti vataure shoko rake. Izvi ndizvo zvinorehwa nemashoko eBhaibheri anoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” Chikamu chemashoko chinoti “rwakafuridzirwa naMwari” chinogonawo kunzi “rwakafemerwa naMwari.” (2 Timoti 3:16; Bhaibheri Dzvene) Mwari akashandisa mudzimu wake mutsvene, kana kuti simba rinoita basa, “kufemera” zvaaifunga kuti zvipinde mupfungwa dzevashumiri vake. Mashoko acho ainge ari aMwari, asi muprofita ndiye aisarudza kuti ozoabudisa sei.​—2 Samueri 23:1, 2.

Uprofita hunogara huchitaura nezveremangwana here?

 Aiwa, uprofita hweBhaibheri haungotauri nezveremangwana chete. Kunyange zvakadaro, mashoko akawanda akabva kuna Mwari ane chekuita neremangwana, kunyange paainge asingatauri nezvazvo zvakananga. Semuenzaniso, vaprofita vaMwari vakanyevera vanyeverazve vaIsraeri vekare nezvenzira dzavo dzakaipa. Mashoko acho aitsanangura zvikomborero zvaizouya kudai vaizoteerera nyevero yavaipiwa, uyewo dambudziko raizouya kana vaizoramba kuiteerera. (Jeremiya 25:4-6) Zvaizonyatsoitika chaizvo zvaienderana nekuti vaIsraeri vaisarudza zvipi.​—Dheuteronomio 30:19, 20.

Mienzaniso yeuprofita hweBhaibheri husingatauri zvichaitika

  •   Pane imwe nguva, vaIsraeri pavakakumbira kubatsirwa naMwari, iye akavatumira muprofita kuti avatsanangurire kuti akanga asina kuvabatsira, nekuti vakaramba kuteerera mitemo yake.​—Vatongi 6:6-10.

  •   Jesu paakataura nemukadzi wechiSamaria, akataura zvinhu zvakanga zvaitika muupenyu hwemukadzi iyeye, izvo Jesu aizogona chete kuziva pashure pekunge azarurirwa naMwari. Mukadzi wacho akaziva kuti Jesu aiva muprofita kunyange zvazvo akanga asina kutaura zvaizoitika.​—Johani 4:17-19.

  •   Pakutongwa kwaJesu, vavengi vake vakamuvhara kumeso, vakamurova, vakabva vamuti: “Profita. Ndiani akurova?” Vakanga vasiri kutaura kuti Jesu ataure nezveremangwana asi kuti ashandise simba raMwari kuti ataure kuti ndiani ainge amurova.​—Ruka 22:63, 64.

a Mumuenzaniso uyu, kunyange zvazvo pakutanga zvingaratidzika sekuti Mwari akataura naMosesi zvakananga, Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akashandisa ngirozi kutaura nezvesungano yeMutemo waMosesi.​—Mabasa 7:53; VaGaratiya 3:19.