Ndiani Kana Kuti Chii Chinonzi Shoko raMwari?
Mhinduro yeBhaibheri
Kana zvichinzi “shoko raMwari” kazhinji panenge pachitaurwa mashoko anobva kuna Mwari. (Ruka 11:28) Mamwe mavhesi anotaura kuti “Shoko raMwari” kana kuti “Shoko,” achireva zita remunhu.—Zvakazarurwa 19:13; Johani 1:14.
Mashoko anobva kuna Mwari. Vaprofita vaiwanzoti mashoko avaitaura aiva shoko raMwari. Semuenzaniso, Jeremiya akasuma mashoko ake euprofita achiti, “shoko raJehovha rakauya kwandiri.” (Jeremiya 1:4, 11, 13; 2:1) Muprofita Samueri asati audza Sauro kuti Jehovha akanga amusarudza kuti ave mambo, akati: “Mira zvino kuti ndiite kuti unzwe shoko raMwari.”—1 Samueri 9:27.
Zita remunhu. Bhaibheri rinotaura nezvezita rekuremekedza rekuti “Shoko” richireva Jesu Kristu sechisikwa chemudzimu kudenga uye semunhu paakauya panyika. Ona zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tidaro:
Shoko rakanga riripo zvimwe zvinhu zvese zvisati zvasikwa. “Pakutanga Shoko rakanga riripo . . . Pakutanga iyeyu akanga aina Mwari.” (Johani 1:1, 2) Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose . . . Akatangira zvimwe zvinhu zvose.”—VaKorose 1:13-15, 17.
Shoko rakauya panyika rikava munhu. “Shoko rakava nyama rikagara pakati pedu.” (Johani 1:14) Kristu Jesu “akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu.”—VaFiripi 2:5-7.
Shoko racho rinonziwo Mwanakomana waMwari. Paakanga ataura mashoko ari pamusoro apa ekuti “Shoko rakava nyama,” muapostora Johani akaenderera mberi achiti: “Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwakaita sokuya kwomwanakomana akaberekwa ari mumwe oga akabva kuna baba.” (Johani 1:14) Johani akanyorawo kuti: “Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”—1 Johani 4:15.
Shoko rinoratidza zvakaita Mwari. “Shoko rakanga riri mwari.” (Johani 1:1) Jesu “ndiye kuratidzwa kwokubwinya kwaMwari nomufananidzo wake chaiwo.”—VaHebheru 1:2, 3.
Shoko rinotonga samambo. Bhaibheri rinotaura kuti mumusoro meShoko raMwari mune “korona zhinji.” (Zvakazarurwa 19:12, 13) Shoko rinonziwo “Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe.” (Zvakazarurwa 19:16) Jesu anonzi “Mambo wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya vanotonga semadzishe.”—1 Timoti 6:14, 15.
Shoko rinotaura richimiririra Mwari. Zvinoita sekuti zita rekuremekedza rekuti “Shoko” rinoratidza kuti muridzi waro ndiye anoshandiswa naMwari pakuendesa mashoko ake nemirayiridzo yake. Jesu akatotaura kuti ndizvo zvaanoita paakati: “Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura. . . . Naizvozvo zvinhu zvandinotaura, ndinozvitaura, sokuzviudzwa kwandakaitwa naBaba.”—Johani 12:49, 50.