Enda pane zvauri kuda

Ndiani Kana Kuti Chii Chinonzi Shoko raMwari?

Ndiani Kana Kuti Chii Chinonzi Shoko raMwari?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kana zvichinzi “shoko raMwari” kazhinji panenge pachitaurwa mashoko anobva kuna Mwari. (Ruka 11:28) Mamwe mavhesi anotaura kuti “Shoko raMwari” kana kuti “Shoko,” achireva zita remunhu.​—Zvakazarurwa 19:13; Johani 1:14.

 Mashoko anobva kuna Mwari. Vaprofita vaiwanzoti mashoko avaitaura aiva shoko raMwari. Semuenzaniso, Jeremiya akasuma mashoko ake euprofita achiti, “shoko raJehovha rakauya kwandiri.” (Jeremiya 1:4, 11, 13; 2:1) Muprofita Samueri asati audza Sauro kuti Jehovha akanga amusarudza kuti ave mambo, akati: “Mira zvino kuti ndiite kuti unzwe shoko raMwari.”​—1 Samueri 9:27.

 Zita remunhu. Bhaibheri rinotaura nezvezita rekuremekedza rekuti “Shoko” richireva Jesu Kristu sechisikwa chemudzimu kudenga uye semunhu paakauya panyika. Ona zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tidaro:

  •   Shoko rakanga riripo zvimwe zvinhu zvese zvisati zvasikwa. “Pakutanga Shoko rakanga riripo . . . Pakutanga iyeyu akanga aina Mwari.” (Johani 1:1, 2) Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose . . . Akatangira zvimwe zvinhu zvose.”​—VaKorose 1:13-15, 17.

  •   Shoko rakauya panyika rikava munhu. “Shoko rakava nyama rikagara pakati pedu.” (Johani 1:14) Kristu Jesu “akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu.”​—VaFiripi 2:5-7.

  •   Shoko racho rinonziwo Mwanakomana waMwari. Paakanga ataura mashoko ari pamusoro apa ekuti “Shoko rakava nyama,” muapostora Johani akaenderera mberi achiti: “Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwakaita sokuya kwomwanakomana akaberekwa ari mumwe oga akabva kuna baba.” (Johani 1:14) Johani akanyorawo kuti: “Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”​—1 Johani 4:15.

  •   Shoko rinoratidza zvakaita Mwari. “Shoko rakanga riri mwari.” (Johani 1:1) Jesu “ndiye kuratidzwa kwokubwinya kwaMwari nomufananidzo wake chaiwo.”​—VaHebheru 1:2, 3.

  •   Shoko rinotonga samambo. Bhaibheri rinotaura kuti mumusoro meShoko raMwari mune “korona zhinji.” (Zvakazarurwa 19:12, 13) Shoko rinonziwo “Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe.” (Zvakazarurwa 19:16) Jesu anonzi “Mambo wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya vanotonga semadzishe.”​—1 Timoti 6:14, 15.

  •   Shoko rinotaura richimiririra Mwari. Zvinoita sekuti zita rekuremekedza rekuti “Shoko” rinoratidza kuti muridzi waro ndiye anoshandiswa naMwari pakuendesa mashoko ake nemirayiridzo yake. Jesu akatotaura kuti ndizvo zvaanoita paakati: “Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura. . . . Naizvozvo zvinhu zvandinotaura, ndinozvitaura, sokuzviudzwa kwandakaitwa naBaba.”​—Johani 12:49, 50.