Enda pane zvauri kuda

Mwari Ari Pese Pese Here?

Mwari Ari Pese Pese Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mwari anogona kuona zvinhu zvese uye kuita zvaanoda chero kupi zvako kwaanenge asarudza. (Zvirevo 15:3; VaHebheru 4:13) Kunyange zvakadaro, Bhaibheri haridzidzisi kuti Mwari ari pese pese kana kuti anowanikwa muzvinhu zvese. Asi rinoratidza kuti iye munhu chaiye uye kuti ane nzvimbo yaanogara.

  •   Zvakaita Mwari: Mwari mweya. (Johani 4:24) Vanhu havakwanisi kumuona. (Johani 1:18) Mashoko ari muBhaibheri akataurwa nevanhu vakaratidzwa zvakaita Mwari, anobudisa pachena kuti ane nzvimbo yake yaanogara. Hapana paanonzi ari pese pese.​—Isaya 6:1, 2; Zvakazarurwa 4:2, 3, 8.

  •   Kunogara Mwari: Mwari anogara kudenga kwatisingakwanisi kuona, uko kwakasiyana nezvimwe zvinhu zvakasikwa zvatinoona. Mwari ane ‘nzvimbo yake yaanogara’ kudenga ikoko. (1 Madzimambo 8:30) Bhaibheri rinotaura kuti pane imwe nguva, ngirozi ‘dzakapinda kuti dzimire pamberi paJehovha,’ a zvichiratidza kuti Mwari ane nzvimbo chaiyo yaanogara.​—Jobho 1:6.

Kana Mwari asiri pese pese, anokwanisa kuva nehanya neni here?

 Ehe. Mwari ane hanya chaizvo nemunhu mumwe nemumwe. Kunyange zvazvo achigara kudenga, anoona vaya vari panyika vanonyatsoda kumufadza, uye anovabatsira. (1 Madzimambo 8:39; 2 Makoronike 16:9) Ona kuti Jehovha anoratidza sei kuti ane hanya nevanhu vake vanomunamata nemwoyo wese:

  •   Paunonyengetera: Jehovha anogona kunzwa munyengetero wako panguva iyoyo chaiyo yaunenge uchitonyengetera.​—2 Makoronike 18:31.

  •   Paunenge wakaora mwoyo: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.”​—Pisarema 34:18.

  •   Paunenge uchida kutungamirirwa: Jehovha ‘achaita kuti uve nenjere uye achakurayiridza’ achishandisa Shoko rake, Bhaibheri.​—Pisarema 32:8.

Nhema dzinotaurwa nevanhu pamusoro paMwari

 Zvavanotaura: Mwari angori pese pese nemuzvinhu zvaakasika.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari haagari panyika kana kuti chero pai zvapo patinogona kuona nemaziso. (1 Madzimambo 8:27) Ichokwadi kuti nyeredzi nezvimwewo zvakasikwa ‘zvinozivisa kubwinya kwaMwari.’ (Pisarema 19:1) Asi Mwari haagari muzvisikwa zvake kungofanana nemunhu anodhirowa uyo asingagari muchinhu chaanenge adhirowa. Asi tinogona kuona unyanzvi hwake nekutarisa chinhu chaadhirowa. Ndizvowo zvakaita Mwari, ’kunyange zvazvo asingaoneki,’ tinogona kuona simba rake, uchenjeri uye rudo rwake muzvinhu zvaakasika.​—VaRoma 1:20.

 Zvavanotaura: Kuti Mwari akwanise kuziva zvinhu zvese uye kuti anzi ane simba rese, anofanira kunge ari pese pese.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mweya mutsvene waMwari isimba rake rinoita basa. Achishandisa mweya wake mutsvene, Mwari anogona kuziva uye kuita chero chinhu, chero kupi zvako, panguva chero ipi zvayo asi iye asiri kunzvimbo yacho.​—Pisarema 139:7.

 Zvavanotaura: Pisarema 139:8 inodzidzisa kuti Mwari ari pese pese painoti: “Kudai ndaikwira kudenga, munenge muriko,

 kudai ndaiwaridza mubhedha wangu muGuva, onai! munenge murimo.”

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Rugwaro urwu harusi kutaura nezvekunogara Mwari. Rwakanyorwa senhetembo inotidzidzisa kuti hapana nzvimbo iri kure zvekuti Mwari haagoni kutibatsira kana tiri ikoko.