Enda pane zvauri kuda

Chikara Chitsvuku Chinotaurwa Pana Zvakazarurwa Chitsauko 17 Chinofananidzirei?

Chikara Chitsvuku Chinotaurwa Pana Zvakazarurwa Chitsauko 17 Chinofananidzirei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Chikara chitsvuku chinotaurwa pana Zvakazarurwa 17 chinofananidzira sangano rine chinangwa chekumiririra nyika dzakasiyana-siyana uye kuita kuti dzibatane. Chikara ichi chakatanga kuzivikanwa seSangano Renyika Dzakabatana (League of Nations) asi iye zvino chava kuzivikanwa seSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rose (United Nations).

Zvinhu zvingatibatsira kuziva chikara chitsvuku

  1.   Isangano rezvematongerwe enyika. Chikara chitsvuku ichi chine “misoro minomwe” iyo inonzi inomiririra “makomo manomwe” kana kuti “madzimambo manomwe” kureva hurumende. (Zvakazarurwa 17:9, 10) Dzimwe nguva Bhaibheri parinotaura nezvemakomo nezvikara rinenge richireva hurumende.​—Jeremiya 51:24, 25; Dhanieri 2:44, 45; 7:17, 23.

  2.   Mufananidzo wemasangano ezvematongerwe enyika ari pasi rose. Chikara chitsvuku ichi chakafanana nechimwe chikara chine misoro minomwe chinotaurwa pana Zvakazarurwa chitsauko 13, icho chinofananidzira masangano ezvematongerwe enyika ari pasi rose. Zvikara izvi zviviri zvine misoro minomwe nenyanga gumi, uye zvine mazita ekumhura. (Zvakazarurwa 13:1; 17:3) Kufanana uku kune zvakunotoreva. Chikara chitsvuku ichi mufananidzo wemasangano ezvematongerwe enyika ari pasi rose.​—Zvakazarurwa 13:15.

  3.   Chinopiwa simba nedzimwe hurumende. Chikara chitsvuku “chinobva” mune dzimwe hurumende kana kuti dzimwe hurumende ndidzo dzakaita kuti chivepo.​—Zvakazarurwa 17:11, 17.

  4.   Chinodyidzana nezvitendero. Bhabhironi Guru, iro rinomiririra mubatanidzwa wezvitendero zvose zvenhema zviri panyika, rakagara pachikara chitsvuku, uye izvozvo zvinoratidza kuti zvinoitwa nechikara ichi zvine chitendero mukati.​—Zvakazarurwa 17:3-5.

  5.   Chinozvidza Mwari. Chikara chacho “chakazara nemazita okumhura.”​—Zvakazarurwa 17:3.

  6.   Chaizombova nenguva yachinenge chisina simba. Chikara chitsvuku chaizopinda “mugomba rakadzikadzika,” a kureva kuti chaizombova nenguva yachinenge chisina simba, asi chozovazve nesimba.​—Zvakazarurwa 17:8.

 Kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri

 Chimbofunga kuti uprofita hwakanyorwa muBhaibheri nezvechikara chitsvuku chemuna Zvakazarurwa hwakazadziswa sei neUnited Nations uye neLeague of Nations.

  1.   Isangano rezvematongerwe enyika. United Nations inotsigira zvematongerwe enyika pakuti inosimudzira pfungwa yokuti “nyika dzose dzainomiririra dzine kodzero yakaenzana yokuzvitonga.” b

  2.   Mufananidzo wemasangano ezvematongerwe enyika ari pasi rose. Muna 2011, United Nations yakanga yava nenyika 193 dzainomiririra. Saka inoti inomiririra dzinenge nyika dzose pasi rose.

  3.   Chinopiwa simba nedzimwe hurumende. United Nations inoumbwa nenyika dzakasiyana-siyana dzainomiririra uye nyika idzodzo ndidzo dzinoipa simba rekuita zvose zvainoita.

  4.   Chinodyidzana nezvitendero. Sangano reLeague of Nations raitsigirwa nezvitendero zvakasiyana-siyana zviri munyika, uyewo mazuva ano sangano reUnited Nations ndiko kwariri kuwanawo rutsigiro. c

  5.   Chinozvidza Mwari. Chinangwa cheUnited Nations “ndechekuunza rugare nekuchengeteka pasi rose.” d Kunyange zvazvo chinangwa chavo chingaita sechakanaka, United Nations inotozvidza Mwari nekuti inoti inogona kuita zvakanzi naMwari zvinongogonekwa neUmambo hwake chete.​—Pisarema 46:9; Dhanieri 2:44.

  6.   Chaizombova nenguva yachinenge chisina simba. League of Nations, iyo yakavambwa Hondo Yenyika Yekutanga ichangopera nechinangwa chekuita kuti panyika parambe paine rugare, yakatadza kuzadzisa chinangwa chayo. Yakabva yaparara muna 1939 pakatanga Hondo Yenyika Yechipiri. Hondo Yenyika Yechipiri payakapera muna 1945, United Nations yakabva yaumbwa. Maitiro esangano iri, marongerwe arakaitwa uye zvinangwa zvaro zvakafanana nezveLeague of Nations.

a Maererano neduramazwi rinonzi Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “gomba rakadzikadzika” rinoreva “kudzika kusina pakunogumira.” King James Version yakashandura shoko racho ichiti “gomba risina parinogumira.” MuBhaibheri, shoko racho rinoreva nzvimbo yeusungwa kana kuti kuva muusungwa usingakwanisi kuita kana kufunga chero chii zvacho.

b Ona Article 2 yegwaro rinonzi Charter of the United Nations.

c Somuenzaniso, imwe komiti yaimiririra zvitendero zvakabuda muchechi yeRoma zvaiva muAmerica muna 1918, yakataura kuti League of Nations ichange iri “sangano rezvematongerwe enyika rinomiririra umambo hwaMwari panyika.” Muna 1965, vamiririri vezvitendero zvakasiyana-siyana, zvinosanganisira chiBhudha, chiHindu, chiIslam, chiJudha, chechi yeEastern Orthodoxy, Roma, nemamwewo akabuda muchechi yeRoma, vakaungana kuSan Francisco kuti vatsigire uye vanamatire United Nations. Muna 1979, Papa John Paul II akataurawo kuti aitarisira kuti United Nations “ndiyo icharamba iri nzira huru yekupangana mazano anounza rugare nekururamisira panyika.”

d Ona Article 1 yegwaro rinonzi Charter of the United Nations.