Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Zvirevo 22:6—Rovedza Mwana Nzira Yaanofanira Kufamba Nayo”

Zvirevo 22:6—Rovedza Mwana Nzira Yaanofanira Kufamba Nayo”

 “Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo; kunyange kana akwegura haazobvi mairi.”—Zvirevo 22:6, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.”—Zvirevo 22:6, The Bible in Union SHONA Version.

Zvinorehwa naZvirevo 22:6

 Vabereki vanodzidzisa vana vavo kuda Mwari uye kuteerera mitemo yake vanogona kutarisira kuti zvavanodzidzisa zvichavabatsira kweupenyu hwavo hwese.

 “Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo.” Mashoko aya anogonawo kunyorwa achinzi “tanga kuratidza mwana nzira yakarurama.” Mavhesi akawanda ari mubhuku raZvirevo anokurudzira vabereki kuti vatange kudzidzisa vana vavo vachiri vadiki kuti zvakanaka uye zvakaipa ndezvipi. (Zvirevo 19:18; 22:15; 29:15) Asi vabereki vane rudo vanonzwisisa kuti kungofanana nevanhu vakuru, vana vavo vane rusununguko rwekusarudza zvavanoda. Saka pane kuti vaudze vana vavo zvekuita, vabereki vane rudo vanokurukura nevana vavo uye vanovabatsira kuti vakure zvekusvika pakukwanisa kuita vega zvisarudzo zvakanaka.—Dheuteronomi 6:6, 7; VaKorose 3:21.

 Dzimwe nyanzvi dzinoongorora Bhaibheri dzinoti mashoko aya anoreva kuti, “dzidzisa mwana zvichienderana nezvaari,” kana kuti zvichienderana neunhu hwake. Izvozvo zvinogona kuita sezvine musoro, asi mashoko echiHebheru akashandurwa kuti “nzira yaanofanira kufamba nayo” anofanira kunge achireva mararamiro akanaka uye akarurama. Bhuku raZvirevo rinotaura nezvenzira mbiri dzinogona kufambwa nadzo nemunhu. Imwe yacho inonzi “nzira yevanhu vakanaka,” ‘nzira yeuchenjeri,’ uye ‘nzira yakarurama.’ (Zvirevo 2:20; 4:11; 23:19) Imwe yacho inonzi ‘nzira yevanhu vakaipa,’ ‘nzira yebenzi,’ uye ‘nzira isiriyo.’ (Zvirevo 4:14; 12:15; 16:29) Saka muna Zvirevo, mwana ari kunzi ‘anofanira’ kufamba “munzira yakarurama” kureva mararamiro anodzidziswa muShoko raMwari, Bhaibheri.—Pisarema 119:105.

 “Kunyange kana akwegura haazobvi mairi.” Kana vabereki vakadzidzisa mwana wavo mitemo yaMwari yekuzvibata, kazhinji kacho anoramba achiita zvakarurama kweupenyu hwake hwese. Asi izvi hazvirevi kuti mwana akadzidziswa zvakanaka haazombofi ‘akabva’ munzira yakarurama kana kuti akasiya mitemo yaMwari. Semuenzaniso, kana munhu akaita nguva yakawanda aine vanhu vanomukurudzira kuita zvinhu zvakaipa anogona kupedzisira asiya “makwara ekururama,” oita zvakaipa. (Zvirevo 2:12-16; 1 VaKorinde 15:33) Kunyange zvazvo izvi zvichigona kuzoitika, vabereki vanenge vadzidzisa vana vavo kuteerera mirayiro yaMwari, vanenge vatopa vana mukana wakazonakisisa wekubudirira muupenyu.—Zvirevo 2:1, 11.

Mashoko akapoteredza Zvirevo 22:6

 Chitsauko 22 chaZvirevo chine zvirevo zvidiki zvinogona kutibatsira kushandisa uchenjeri hwaMwari mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana muupenyu. Zvirevo izvi zvinosimbisa kukosha kwekuva nemukurumbira wakanaka pamberi paJehovha, a izvo zvinogona kuitika kana munhu akaratidza kuzvininipisa, akava nerupo, uye akashanda nesimba. (Zvirevo 22:1, 4, 9, 29) Asi mamwe mavhesi arimo anoratidza kuti vaya vasingateereri mitemo yaMwari uye vanodzvinyirira varombo vachasangana nematambudziko muupenyu hwavo.—Zvirevo 22:8, 16, 22-27.

 Mavhesi akawanda ari muchitsauko 22 chaZvirevo haanyanyi kutaura nezvekudzidzisa vana, asi anoratidza mararamiro anofanira kuitwa nemunhu kuti afarirwe naMwari uye awane mufaro wechokwadi. (Zvirevo 22:17-19) Vabereki pavanodzidzisa vana vavo kurarama munzira iyoyo, vanenge vachiratidza kuti vanoda kuti vana vavo vararame upenyu hwakanakisisa.—VaEfeso 6:1-3.

 Ona vhidhiyo iyi kuti uone pfupiso yezviri mubhuku raZvirevo.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?