Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kutungamirira Kwamungaita Vana Venyu

Kutungamirira Kwamungaita Vana Venyu

 Zvamunofanira kuziva

 Mazuva ano mune dzimwe tsika vana vane ushamwari hwakasimba nevabereki vavo uye vanoda kutungamirirwa navo. Mune dzimwe tsika, vana vanowanzoenda kune vezera ravo kuti vatsvage mazano.

 Zvataurwa pechipiri zvinoita kuti vabereki vasava nesimba pakutungamirira vana vavo. Tingatoti vana ivavo pavanoyaruka, vabereki vavo vanogona kuona sekuti havasisina zvavanokwanisa kuita kuti vavabatsire. Izvi hazvingashamisi! Vana pavanoita nguva yakawanda vaine vamwe vana zvinoita sekuti vari kurerana panzvimbo pekurerwa nevabereki vavo.

 Nei zviri nyore chaizvo kuti vana vave neushamwari hwakasimba nevezera ravo kupfuura vabereki vavo? Onai zvikonzero zvinotevera.

  •   Chikoro. Vana pavanoita nguva yakawanda vaine vamwe vana vanoumba ushamwari uye vangatanga kukoshesa zvinofungwa nevezera ravo pamusoro pavo kupfuura zvinofungwa nevabereki vavo. Mafungiro akadaro anogona kutowedzera kusimba vana pavanenge vachiyaruka.

    Vana vanofanira kukoshesa zvinofungwa nevabereki vavo kupfuura vavanodzidza navo

  •   Kushaya nguva yekuva pamwe chete. Mumhuri dzakawanda, vana vanowana pamba pasina munhu pavanodzoka kuchikoro, zvimwe nekuti mubereki kana kuti vabereki vese vanenge vari kubasa.

  •   Tsika dzevechidiki. Pavanosvika panguva yekuyaruka vechidiki vanenge vanyura mutsika dzevechidiki dzine mitemo yadzo, inosanganisira mapfekero, matauriro, uye maitiro. Zvinofungwa nevezera ravo pamusoro pavo zvinokosha kwavari kupfuura zvinofungwa nevabereki vavo.

  •   Kushambadzwa kwezvinhu. Zvinhu zvizhinji zvinogadzirwa nevemabhizinesi zvakanyanya kunangana nevechidiki chete, uye zvinoita kuti vabereki nevana vawedzere kusanzwisisana. “Kudai tsika dzevechidiki dzaizonyangarika,” akanyora kudaro Dr. Robert Epstein, “mabhizinesi akawanda ari kuita mazakwatira emari aizoparara ipapo ipapo.” a

 Zvamungaita

  •   Rambai muine ushamwari hwakasimba nemwana wenyu.

     Bhaibheri rinoti: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako, uye unofanira kuramba uchiadzokorora kuvanakomana vako, uchitaura nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.”—Dheuteronomi 6:6, 7.

     Vechidiki vanogona kuva shamwari, asi havatombofaniri kutora basa renyu semubereki. Mashoko akanaka ndeekuti: Nyanzvi dzinoti vana vakawanda vanoremekedza vabereki vavo uye vanoda kuvafadza. Kana mukaramba muine ushamwari hwakasimba nevana venyu, muchakwanisa kuvatungamirira.

     “Unofanira kuwana nguva yekuva nevana vako, muchiita pamwe chete zvinhu zvemazuva ese zvakadai sekubika, kuchenesa, uye kunyange kuita homuweki. Itai pamwe chete zvinhu zvinonakidza zvakadai sekuona firimu kana TV. Garai muchiita zvinhu izvi kwete kungozviita pano neapo. Hamukwanisi kuumba ushamwari hwakasimba kana musingawani nguva yakakwana yekuva pamwe!”—Lorraine.

  •   Ivai nechokwadi chekuti vana venyu vanewo dzimwe shamwari dzisiri dzezera ravo.

     Bhaibheri rinoti: “Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo memwana.”—Zvirevo 22:15.

     Vamwe vabereki vanogutsikana pavanoona kuti mwana wavo ane shamwari dzakawanda. Asi kunyange zvingaita sekuti mwana ane shamwari dzakawanda, anofanira kushamwaridzana nemazera akasiyana-siyana kuti akure mupfungwa. Uye vechidiki havakwanisi kupa mazano anodiwa newechidiki uye mazano akadaro anongopiwa nevabereki vane rudo.

     “Shamwari dzemwana dzezera rake dzingava neruzivo pane zvimwe zvinhu, asi hadzina ruzivo neupenyu uye hadzina uchenjeri hwekubatsira vamwe vechidiki kuti vaite zvisarudzo zvakanaka. Vechidiki pavanoteerera mazano anobva kuvabereki vavo vanokura zvinonyatsoenderana nezera ravo.”—Nadia.

  •   Tungamirirai nenzira yeuchenjeri.

     Bhaibheri rinoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”—Zvirevo 13:20.

     Kunyange pavanenge vachikura, vana venyu vanogona kubatsirwa chaizvo nekuita nguva vainemi. Itai zvakanaka zvavanogona kuzotevedzera.

     “Vabereki ndivo mienzaniso inokosha yekuti vana vatevedzere. Kana vana vakadzidziswa kukoshesa uye kuremekedza vabereki vavo, vachada kuzofanana navo.”—Katherine.

a Kubva mubhuku rinonzi Teen 2.0—Saving Our Children and Families From the Torment of Adolescence.