Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Genesisi 1:26—“Ngatiitei Munhu Nemufananidzo Wedu”

Genesisi 1:26—“Ngatiitei Munhu Nemufananidzo Wedu”

 “Mwari akabva ati: ‘Ngatiitei munhu nemufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvipfuwo uye panyika yese nepamhuka dzese dzinokambaira dzinofamba panyika.’”—Genesisi 1:26, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Mwari akati, ‘Ngatichigadzira munhu akafanana nesu, akatodzana nesu, agotonga hove dzegungwa neshiri nezvipfuwo, nepasi pose, nezvinhu zvipenyu zvose zvinokambaira zviri pasi pose.’”—Genesisi 1:26, Bhaibheri rine Apokirifa.

Zvinorehwa naGenesisi 1:26

 Vanhu vakasikwa nemufananidzo waMwari, izvo zvinoreva kuti vakasikwa vachikwanisa kuratidza unhu huna Mwari hwakadai serudo, tsitsi, uye kutonga zvakarurama. Ndosaka vanhu vachikwanisa kutevedzera unhu hwaMwari.

 “Mwari akabva ati: ‘Ngatiitei munhu nemufananidzo wedu.’” Asati asika zvimwe zvinhu zvese, Jehovha Mwari a akasika ngirozi ine simba chaizvo iyo yatava kuziva saJesu. Mwari akashanda naJesu, ‘kusika zvimwe zvinhu zvese kudenga nepanyika.’ (VaKorose 1:16) Jesu ane unhu hwakafanana nehwaJehovha. Bhaibheri rinototi, “ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki.” (VaKorose 1:15) Ndosaka Mwari aikwanisa kuudza Jesu kuti: “Ngatiitei munhu nemufananidzo wedu.”

 “Ngavave nesimba . . . pazvipfuwo uye panyika yese.” Mhuka hadzina kusikwa nemufananidzo waMwari. Hadzina kusikwa kuti dziratidze unhu hwakafanana nehwevanhu hwakadai serudo uye hadzina hana. Kunyange zvakadaro, Mwari ane hanya nadzo. Ndosaka akataura kuti vanhu vaifanira ‘kuva nesimba’ padziri, izvo zvinogona kushandurwawo zvichinzi ‘kudzitonga’ (Bhaibheri rine Apokirifa). Mashoko aya anoratidza kuti Jehovha aipa vanhu basa rekuchengeta mhuka. (Pisarema 8:6-8; Zvirevo 12:10) Jehovha anotarisa kuti vanhu vachengete zvakanaka nyika nezvinhu zvese zvipenyu zviri mairi.

Mashoko akapoteredza Genesisi 1:26

 Zvitsauko zviviri zvekutanga zvebhuku raGenesisi zvinotipa pfupiso yekusikwa kwakaitwa zvinhu zviri muchadenga, nyika yedu uye zvinhu zvipenyu zviri mairi. Zvinhu zvese zvakasikwa naJehovha zvinoshamisa asi vanhu ndivo vanopfuura zvese zvaakasika pano panyika. Paakapedza basa rake rekusika, Mwari “akaona zvinhu zvese zvaakanga aita, uye zvakanga zvakanaka chaizvo.”—Genesisi 1:31.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti udzidze zvakawanda nezvekusikwa kwezvinhu kunotaurwa muna Genesisi.

Nhema dzinotaurwa nevamwe nezvaGenesisi 1:26

 Zvavanotaura: Vanhurume chete ndivo vanokwanisa kutevedzera kana kuratidza unhu hwaMwari, kwete vanhukadzi.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Shoko rekuti “munhu” rakashandiswa mumaBhaibheri eChirungu akawanda, rinogona kuita kuti muverengi afunge kuti vanhurume chete ndivo vari kutaurwa. Asi pavhesi iyi, shoko rechiHebheru rakashandiswa rinoreva vanhu vese, vangava vanhurume kana kuti vanhukadzi. Vanhurume nevanhukadzi vanokwanisa kuratidza unhu hwaMwari. Vese vane mukana wakaenzana wekufarirwa naye uye wekuwana upenyu usingaperi.—Johani 3:16.

 Zvavanotaura: Mwari ane muviri wakafanana newedu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: “Mwari mweya,” izvo zvinoreva kuti haagari mudenga ratinoona. (Johani 4:24) Kunyange zvazvo dzimwe nguva Bhaibheri richiti ane chiso, maoko, mwoyo, nezvimwewo, iyi ingori mifananidzo inotibatsira kudzidza nezvaMwari pachishandiswa mashoko atinogona kunzwisisa.—Eksodho 15:6; 1 Petro 3:12.

 Zvavanotaura: Genesisi 1:26 inoratidza kuti Jesu ndiMwari.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari naJesu ndibaba nemwana uye vanowirirana chaizvo, asi havasi munhu mumwe chete. Jesu akadzidzisa kuti Mwari mukuru kwaari. (Johani 14:28) Kuti unzwe zvakawanda, ona vhidhiyo inonzi Jesu Kristu ndiMwari Here? kana kuti verenga nyaya yakanzi “Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku raGenesisi.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?