Enda pane zvauri kuda

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuBulgaria

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuBulgaria

 Zvapupu zvaJehovha zviri kuBulgaria zviri kushanda nesimba kudzidzisa vamwe chokwadi nezvaMwari neShoko rake, Bhaibheri. Kubvira muna 2000, Zvapupu zvakawanda zvakatamira kuBulgaria kuti zvibatsirewo pakuita basa iri. Matambudziko api anogona kuvapo kana munhu akatamira kune imwe nyika kuti anoparidza? Asiwo makomborero api aunogona kuwana? Izvi ndizvo zvakataurwa nevamwe vakatamira kuBulgaria.

Kuva Nechinangwa

 Darren, uyo aigara kuEngland akati, “Takanga tagara tiine chinangwa chekutamira kune imwe nyika inodiwa vaparidzi vakawanda. Pandakaroora Dawn, takatamira kuLondon kuti tibatsire kudzidzisa vanhu Bhaibheri muchiRussian. Takamboronga kutamira kune imwe nyika kakawanda asi taitadza kuenda nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Takapotsa tasiyana nazvo asi imwe shamwari yedu yakazotibatsira kuona kuti mamiriro edu ezvinhu akanga achinja uye kuti taikwanisa kutama.” Darren naDawn vakatanga kutsvaga nyika yavaikwanisa kutamira yaidiwa vadzidzisi veBhaibheri vakawanda. Muna 2011, vakazotamira kuBulgaria.

Darren naDawn

 Vamwe vakanga vasina chinangwa chekunoshumira kune dzimwe nyika vakakurudzirwa nekuona mufaro waiva nevamwe vakanga vatama. Giada, aigara kuItaly nemurume wake, Luca anoti: “Ndakaona Zvapupu zvaishingaira zvainakidzwa nekushumira kuSouth America uye kuAfrica. Ndakabatwa-batwa nekufara kwavaiita uye nekunzwa nezvezvinhu zvavakasangana nazvo. Izvozvo zvakandibatsira kuti ndichinje zvinangwa zvangu zvekunamata.”

Luca naGiada

 Muna 2015, Tomasz naVeronika nevana vavo vaviri, Klara naMathias vakatamira kuBulgaria vachibva kuCzech Republic. Chii chakaita kuti vade kutama? Tomasz anoti: “Takafunga nezvemienzaniso yevamwe vakatamira kune dzimwe nyika, kusanganisira hama dzedu, uye takafungisisa nezvezvinhu zvavaisangana nazvo. Takabatwa-batwa pataiona mufaro wavaiva nawo uye takakurukura nezvazvo semhuri.” Iye zvino mhuri iyi inofara iri kuparidza mundima yayo itsva muguta reMontana kuBulgaria.

Klara, Tomasz, Veronika, naMathias

 Linda ndemumwe weZvapupu zvakatamira kuBulgaria. Anoti: “Makore akawanda adarika ndakamboenda kuEcuador uye ndakasangana nevamwe vakanga vatamira ikoko kuti vanoparidza. Izvi zvakaita kuti ndifunge kuti pamwe rimwe zuva ndaizokwanisawo kunoshanda mundima inodiwa vaparidzi vakawanda.” Petteri naNadja vakatama vachibva kuFinland, vakafungisisawo nezvemienzaniso yevamwe. Vanoti: “Muungano yedu maiva nevaparidzi vane unyanzvi vakanga vambotamira kune dzimwe nzvimbo kuti vanodzidzisa vanhu Bhaibheri. Vaigara vachitaura nezvemufaro wavakawana makore avaiita basa iri. Vaiti makore iwayo ndiwo avakanyanya kunakidzwa neupenyu.”

Linda

Nadja Petteri

Kugara Waronga

 Kuronga zvakanaka kunokosha kana uchida kuzonoshumira kune imwe nyika. (Ruka 14:28-30) Nele, anobva Belgium anoti: “Pandakatanga kunyatsofunga nezvekunoshumira kune imwe nyika, ndakanyengetera uye ndakatsvaga nyaya dzakanga ndabuda mumabhuku edu dzaitaura nezvekutamira kune imwe nyika. Ndakanyatsodziverenga uye ndakatsvaga mazano aivamo andaida kushandisa.”

Nele (kurudyi)

 Kristian naIrmina, vanobva kuPoland, vava nemakore anopfuura 9 vachigara muBulgaria. Vakaona kubatsirwa kwavakaitwa nekumbopinda neboka remutauro wechiBulgarian vachiri kuPoland. Boka ravaipinda naro rakavakurudzira uye rakavabatsira kudzidza mutauro wacho. Kristian naIrmina vanoti: “Takaona kuti paunozvipira kuwedzera basa rako, Jehovha Mwari anokupa zvaunoda pakurarama uye izvi zvinoita kuti ufare. Paunoudza Jehovha kuti, ‘Ndiri pano! Nditumei!’ uchaona uchikwanisa kuita zvinhu zvawanga usingambofungi kuti ungazvigona.”—Isaya 6:8.

Kristian naIrmina

 Kuti vagadzirire uye vachengete mari, Reto naCornelia, vanobva kuSwitzerland, vakasarudza kurarama upenyu husina twakawandawanda. Vanoti: “Gore rimwe chete tisati tatama, takaenda kuBulgaria kwevhiki rimwe chete kuti tinodzidza zvakawanda nezvenyika yacho. Tiri ikoko takakurukura nemamishinari agara nebasa uye vakatipawo mazano.” Reto naCornelia vakashandisa mazano avakapiwa uye vava nemakore anopfuura 20 vachishumira kuBulgaria.

Cornelia naReto, nevanakomana vavo Luca naYannik

Kukurira Matambudziko

 Vaya vanotamira kune dzimwe nyika vanenge vachitofanira kujairana nezvinhu zvitsva uye dzimwe nguva nezvinhu zvakaoma. (Mabasa 16:9, 10; 1 VaKorinde 9:19-23) Kudzidza mutauro mutsva ndicho chimwe chezvinhu zvakaoma. Luca ambotaurwa nezvake anoti: “Tagara tichinakidzwa nekupa mhinduro tisingaite zvekuverenga pamisangano yeungano. Asi takamboita nguva zvichitiomera kugadzirira kunyange mhinduro iri nyore chaizvo mumutauro wechiBulgarian! Zvaiita sekuti tadzokera pakuva vana zvakare. Tingatoti mhinduro dzaipiwa nevana vechiBulgarian dzaitova nani nekure pane dzataipa.”

 Ravil, anobva kuGermany, akati: “Kudzidza mutauro wacho kwakanga kwakaoma. Asi ndairamba ndichizviudza kuti, ‘Paunokanganisa usabva wanyanya kuzviomesera.’ Handioni kuomerwa uku sedambudziko rakakura, asi ndinokuona sebasa dzvene randiri kuitira Jehovha.”

Ravil naLilly

 Linda, ambotaurwa anoti: “Zvakandiomera kudzidza mutauro mutsva. ChiBulgarian haichisi nyore kudzidzira, uye ndakatombofunga zvekusiyana nazvo kakawanda. Unotanga kusurukirwa kana usingakwanisi kutaura nevamwe kana kunzwisisa zvavanenge vachitaura. Kuti ndisimbise ukama hwangu naMwari ndaidzidza zvinhu zvese muchiSwedish. Ndichibatsirwa nehama nehanzvadzi dzangu, ndakazodzidza mutauro.”

 Kusuwa kumba ndiro rimwe dambudziko. Vanhu pavanotama vanosiya hama neshamwari dzavo dzavanoda. Eva, uyo akatamira kuBulgaria nemurume wake, Yannis anoti, “Pakutanga, ndaisurukirwa. Kuti ndisanyanye kusurukirwa, taigara tichitaura nehama neshamwari dzedu dzaiva kumba uye takatsvaga dzimwe shamwari kuno.”

Yannis naEva

 Panewo mamwe matambudziko. Robert naLiana, vakabva kuSwitzerland, vakatsanangura kuti: “Zvakanga zvakatiomera chaizvo kudzidza mutauro uye tsika dzekuno uye takanga tisina kugadzirira chando chekuno.” Asi kuramba vaine maonero akanaka uye kuva vanhu vanofara kwabatsira mhuri iyi kuti irambe ichishumira kuBulgaria kwemakore 14 adarika.

Robert naLiana

Makomborero

 Lilly anokurudzira vamwe kunoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda. Akati: “Ndaona nzira dzakawanda dzatinogona kubatsirwa nadzo naJehovha, zvandaisazokwanisa kuita kudai ndakanga ndichiri kushumira ndiri kumba. Ndinenge ndakabatikana kubatsira vamwe uye izvi zvinondibatsira kuswedera pedyo naJehovha, zvoita kuti ndifare uye ndigutsikane.” Murume wake Ravil, anobvumirana naye. Akati: “Uhwu ndihwo upenyu chaihwo, uye mukana wakanaka wekuti uzive Zvapupu zvinoshingaira zvinobva munyika dzakasiyana-siyana zvine unyanzvi hwekudzidzisa chokwadi cheBhaibheri. Ndakadzidza zvakawanda kubva kwavari.”

 Kuzvipira uye kukwanisa kuwedzera basa kwevakawanda kwaita kuti basa rekuparidza “mashoko akanaka eUmambo . . . munyika yese” ribudirire. (Mateu 24:14) Nekuti vakazvipira kutama kuti vanobatsira vamwe, vaya vakaenda kuBulgaria, vari kunyatsoona kuti Jehovha ari kuvapa zvinodiwa nemwoyo yavo uye ari kuita kuti zvese zvavanoronga zvibudirire.—Pisarema 20:1-4.