Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Dzidzo?

Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Dzidzo?

 Maonero atinoita dzidzo anobva pane zvinotaurwa neBhaibheri. Chapupu chimwe nechimwe chinoshandisa hana yacho yakadzidziswa neBhaibheri kuti choshandisa sei zvinotaurwa neBhaibheri pazvinhu zvinotevera. a

 Dzidzo yakakosha

 Dzidzo inobatsira munhu kuti akwanise kuva nenjere uye kuti agone kushandisa pfungwa, zvinova ndizvo zvinhu zvinokurudzirwa neBhaibheri. (Zvirevo 2:10, 11; 3:21, 22) Jesu akaudza vateveri vake kuti vadzidzisewo vamwe zvinhu zvaakavadzidzisa. (Mateu 28:19, 20) Saka tinokurudzira vatinonamata navo kuti vawanewo dzidzo inovabatsira kuti vagone kuverenga, kunyora, kukurukura nevamwe, b kuzivawo zvitendero netsika zvevamwe.—1 VaKorinde 9:20-22; 1 Timoti 4:13.

 Hurumende dzinokoshesa chaizvo nyaya yedzidzo zvekuti dzinoda kuti vana vaende kupuraimari nekusekondari. Tinotevedzera zvavanotaura nekuti Bhaibheri rinoti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevanhu vane masimba makuru,” kana kuti hurumende. (VaRoma 13:1) Uyewo tinokurudzira vana vedu kuti vadzidze nesimba kuchikoro kuti vabudirire pazvidzidzo zvavo, kwete kungoita zvemasiyandaita. c Shoko raMwari rinoti: “Zvose zvamunoita, zviitei nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu.”—VaKorose 3:23, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

 Dzidzo inotibatsira kuriritira mhuri dzedu. Bhaibheri rinoti, “kana munhu asingagoveri vokwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.” (1 Timoti 5:8) Dzidzo inotibatsira kuti tikwanise kuriritira mhuri dzedu. Bhuku rinonzi The World Book Encyclopedia rinoti, chinangwa chikuru chedzidzo “ndechekubatsira vanhu kuti vave nechimuko munharaunda.” Munhu akadzidza uye ane unyanzvi anokwanisa kuriritira mhuri yake asinganyanyi kuita zvekutamburira kupfuura munhu anenge asina kudzidza.—Zvirevo 22:29.

 Rimwe basa rinoitwa nevabereki pakuriritira vana vavo nderekuvaendesa kuchikoro kuitira kuti vagokwanisa kuzozviraramirawo kana vakura. (2 VaKorinde 12:14) Tinokurudzira vabereki kuti vaendese vana vavo kuchikoro kunyange kana zvisiri nyore uye zvichipesana nezvinoitwa patsika dzenyu. d Tinopawo mazano ekubatsira vabereki kuti vangabatsirawo sei vana pazvidzidzo zvavo zvekuchikoro. e

 Maonero akanaka atinofanira kuita dzidzo

 Tinoongorora kuti ndeipi dzidzo inonyanya kubatsira. Bhaibheri rinoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.” (Zvirevo 14:15) Tinoshandisa zano iri kuona kuti ndeipi dzidzo ingatsvagwa pashure pekupedza sekondari uye kuti inoda marii uye kuti inobatsira sei. Kudzidzira kuita mabasa emaoko kunobatsira chaizvo.

 Kudzidza nezvaMwari kunokosha kupfuura dzidzo yekuchikoro. Kudzidza nezvaMwari kunobatsira munhu kuti awane zivo ichamuita kuti awane upenyu husingaperi. (Johani 17:3) Kunobatsirawo munhu kuti ave netsika, uye akatendeseka. (Zvirevo 2:9) Muapostora Pauro akawana dzidzo inogona kufanana nedzidzo yekuyunivhesiti, asi akati “kuziva Kristu Jesu Ishe,” kunokosha kupfuura dzidzo chero ipi zvayo. (VaFiripi 3:8; Mabasa 22:3) Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakawana imwe dzidzo pashure pesekondari, asi zvinoona dzidzo yaMwari ichikosha kupfuura yekuchikoro. f

Dzidzo yaMwari inodzidzisa tsika dzakanaka

 Dzidzo yepamusoro inogona kukanganisa unhu nemanamatiro emunhu

 Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Zvapupu zvaJehovha zvinoona kuti zvinoitika mune mamwe mayunivhesiti nedzimwe nzvimbo dzinowanikwa dzidzo yepamusoro zvinogona kukanganisa munhu pakunamata uye paunhu hwake. Izvi ndizvo zvinoita kuti vakawanda vavo vasada kuendako kana kuendesa vana vavo kuzvikoro zvakadaro. Vanoti munzvimbo idzodzo ndimo munoita kuti vanhu vave nemafungiro asiri iwo. Mamwe acho ndeaya:

  •   Mafungiro asiri iwo: Mari inoita kuti munhu afare uye asambova nechekutyira. Dzidzo yepamusoro inowanzonzi ndiyo inoita kuti vanhu vawane basa rinobhadhara, saka vakawanda vanoenda kuyunivhesiti vachiitira kuti vazowana mari. Vamwe vanofunga kuti mari ichaita kuti vafare uye vasambova nechekutyira, asi Bhaibheri haribvumirani nemafungiro iwayo. (Muparidzi 5:10) Rinodzidzisawo zvekare kuti “kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose” uye kunoita kuti munhu apedzisire asisina kutenda. (1 Timoti 6:10) Zvapupu zvaJehovha zvinoedza zvese zvavanogona kuti zvisatsauswa ‘nesimba rinonyengera repfuma.’—Mateu 13:22.

  •   Mafungiro asiri iwo: Dzidzo yepamusoro inoita kuti munhu aremekedzwe

     Semuenzaniso, Nika Gilauri, aimbova mutungamiriri wehurumende yeGeorgia, akanyora zvaiwanzofungwa nevakawanda munyika yake achiti: “MuGeorgia kunenge kuti munhu wese anotofanira kuva nedhigirii rekuyunivhesiti. . . . [Kare,] vechidiki vakanga vasina dhigirii vaitonzi vazvidzisa mhuri dzavo.” g Asi Bhaibheri rinoti hatifaniri kuzvitsvagira mukurumbira munyika ino. Jesu akaudza vatungamiriri vezvitendero vaitsvaga mukurumbira kuti: “Mungagona sei kutenda, imi muchigamuchira kukudzwa kunobva kune mumwe nomumwe?” (Johani 5:44) Kumayunivhesiti kunogona kuita kuti munhu apedzisire ava neunhu hunovengwa naMwari hwekuzvikudza.—Zvirevo 6:16, 17; 1 Petro 5:5.

  •   Mafungiro asiri iwo: Munhu ega ega anofanira kuzvifungira ega kuti chakanaka ndechipi uye chakaipa ndechipi

     Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera zvinonzi naMwari zvakanaka uye zvaanoti zvakaipa. (Isaya 5:20) Imwe nyaya yakabudiswa mubhuku rinonzi Journal of Alcohol and Drug Education, yakati kutevedzera shamwari kumayunivhesiti ndiko kunoita kuti vadzidzi vakawanda “vaite zvinhu zvakaipa zvinopesana nezvavakakura vachidzidziswa.” h Izvi zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri zvekuti: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:33) Mumayunivhesiti makazara zvinhu zvinovengwa naMwari zvakadai sekudhakwa, kushandisa madhiragi, kuita zvepabonde kwevanhu vasina kuroorana, uye ndizvo zvinotokurudzirwa.—1 VaKorinde 6:9, 10; 2 VaKorinde 7:1.

  •   Mafungiro asiri iwo: Dzidzo yepamusoro ndiyo inoita kuti nyika ibudirire

     Tinoziva kuti vakawanda vanotsvaga dzidzo yepamusoro kwete kuti vawane mari, mukurumbira, kana kuti mafaro, asi kuti vasimudzire nyika uye vavandudze upenyu hwavo. Zvikonzero izvi zvine musoro, asi handiwo mafungiro ane Zvapupu zvaJehovha. Tinoti Umambo hwaMwari chete ndiwo huchaita kuti zvinhu zvinake munyika, uye ndiwo mafungiro aivawo naJesu. (Mateu 6:9, 10) Asi hazvirevi kuti tinongopeta maoko patiri kumirira Umambo hwaMwari kuti hugadzirise zvinhu. Sezvaiitwa naJesu, tinoparidza “mashoko akanaka eUmambo” munyika yese, tichibatsira vanhu vakawanda kuti vave neupenyu hwakanaka. iMateu 24:14

a Vana veZvapupu kana vachiri pasi pevabereki vanofanira kuteerera zvinotaurwa nevabereki vavo panyaya yedzidzo chero bedzi zvinotaurwa nevabereki zvisingapesani nemitemo yaMwari.—VaKorose 3:20.

b Kuti tikwanise kuita izvi, takaprinda mabhuku anobatsira pakudzidza anopfuura 11 miriyoni uye rimwe racho rinonzi Shingairira Kuverenga Nokunyora. Uye tinodzidzisa vanhu kuverenga nekunyora pasi rese mumitauro 120 uye hatibhadharisi. Kubva muna 2003 kusvika 2017, takadzidzisa vanhu vanosvika 70 000 kuverenga nekunyora.

c Verenga nyaya yakanzi “Ndosiya Chikoro Here?

d Tinokurudzirawo vabereki kuti vaendese vana vavo kuchikoro kusanganisira vasikana. Verenga nyaya yakanzi “Mwana Wangu Anofanira Kuenda Kuchikoro Here?” iri muNharireyomurindi yaMarch 15, 2003.

e Verenga nyaya yakanzi “Mungabatsira Sei Mwana Wenyu Kuti Apase?

f Enda pajw.org pachikamu chakanzi “Zvinotaurwa Nevamwe Nezvekwakabva Upenyu.”

g Practical Economics: Economic Transformation and Government Reform in Georgia 2004—2012, peji 170.

h Volume 61, No. 1, April 2017, peji 72.

i Enda pajw.org pachikamu chakanzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu” uone vanhu vakachinja upenyu hwavo pashure pekunge vadzidza Shoko raMwari uye vanzwa mashoko eUmambo atinoparidza.