Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzo Uye Mari Zvinoita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?

Dzidzo Uye Mari Zvinoita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?

Vakawanda vanofunga kuti vaya vakadzidza uye vane mari, vane ramangwana rakanaka. Vanofunga kuti kana munhu akaenda kuyunivhesiti zvichamubatsira kuti ashande nesimba pabasa, ave nemhuri inofara uyewo agarisane nevamwe zvakanaka. Vanofungawo kuti kana munhu akadzidza, zvichamubatsira kuti ave nebasa rinobhadhara uye kuti vaya vane mari yakawanda vachava nemufaro.

ZVINOSARUDZWA NEVAKAWANDA

Inzwa zvakataurwa nemumwe murume anonzi Zhang Chen wekuChina. Akati: “Ndaifunga kuti ndaifanira kuenda kuyunivhesiti kuti ndive neupenyu huri nani uye kuti basa rinobhadhara raizoita kuti ndifare uye ndive neupenyu hunogutsa.”

Kuti vazova neramangwana rakanaka, vamwe vanoita zvese zvavanogona kuti vaende kumayunivhesiti akakurumbira, zvimwe mune dzimwe nyika. Izvi ndizvo zvaiitwa nevakawanda chirwere cheCOVID-19 chisati chatanga, icho chakaita kuti zviomere vanhu kufamba vachienda kune dzimwe nyika. Imwe ongororo yakaitwa nesangano rinonzi Organisation for Economic Co-operation and Development muna 2012 yakati: “Inopfuura hafu yevanhu vakaenda kuzvikoro kunze kwenyika, vanhu vakabva kuAsia.”

Vabereki vanowanzoita zvese zvavanogona kuti vana vavo vaende kuyunivhesiti mune imwe nyika. Mumwe murume wekuTaiwan anonzi Qixiang akati: “Vabereki vangu vaisava nemari yakawanda, asi vakaita kuti tese tiri 4 tiende kuyunivhesiti kuUnited States.” Kuti vakwanise kubhadhara mari inodiwa kuyunivhesiti, vabereki vaQixiang nevamwewo vabereki vakawanda vaitofanira kutora zvikwereti.

ZVINOGUMA NEI?

Vakawanda vanotsvaga dzidzo yepamusoro uyewo mari, vanopedzisira vaodzwa mwoyo

Dzidzo ine zvimwe zvainogona kubatsira munhu muupenyu, asi kakawanda kacho haiiti kuti uwane zvaunenge uchishuvira. Semuenzaniso, vakawanda vakaita makore vachishanda nesimba uye vachikwereta mari yekuti vaende kuchikoro, asi havasi kuwana mabasa avaishuvira. Mumwe munyori anonzi Rachel Mui, akanyora mupepanhau rekuSingapore rinonzi Business Times kuti: “Vanhu vakawanda vakaenda kuyunivhesiti vari kushaya mabasa.” Mumwe murume ane madhigirii akawanda anonzi Jianjie anogara kuTaiwan, akati: “Vanhu vakawanda vava kutoita mabasa asinei nezvavakanodzidza kuchikoro.”

Vaya vanokwanisa kuwana mabasa anoenderana nezvavakadzidza kuchikoro, vanogona kuona kuti upenyu hwavo hausi kuenderana nezvavaishuvira. Pashure pekunge adzoka kubva kuyunivhesiti iri kuUnited Kingdom, mumwe murume anonzi Niran wekuThailand akawana basa rinoenderana nezvaakadzidza kuchikoro. Akati: “Sezvandaifunga, dhigirii randakaita rakandibatsira kuti ndiwane basa rinobhadhara. Asi izvozvo zvaireva kuti ndaiva nebasa rakawanda uyewo ndaifanira kushanda kwemaawa akawanda. Pava paya kambani yandaishandira yakadzinga vamwe vashandi uye ini ndakabva ndadzingwawo. Ndakaona kuti hakuna basa rinogona kuita kuti uve neramangwana rakanaka.”

Kunyange zvazvo vanhu vane mari yakawanda vachiita sevakachengeteka, vanewo matambudziko mumhuri, vanorwara uyewo vanogara vachingofunga nezvemari. Mumwe murume wekuJapan anonzi Katsutoshi akati: “Ndaiva nemari yakawanda asi ndaisafara nekuti vanhu vaigara vachida kuita zvemakwikwi neni, vachindiitira shanje uyewo vachindibata zvisina kunaka.” Mumwe mukadzi wekuVietnam anonzi Lam anoti: “Ndinoona vanhu vakawanda vanotsvaga mabasa anobhadhara vachifunga kuti achaita kuti vasanetseke nezvemari asi chokwadi ndechekuti mabasa iwayo anotoita kuti vawedzere kunetseka, varware uyewo vazvidye mwoyo.”

SaFranklin, vakawanda vakaona kuti panewo zvimwe zvinokosha kupfuura kuva nedzidzo yepamusoro, uyewo mari yakawanda. Pane kungoraramira kutsvaga zvinhu, vamwe vanofunga kuti kuva munhu akanaka uchibatsirawo vamwe kunoita kuti uve neramangwana rakanaka. Kuita zvinhu izvi kunoita kuti munhu ave neramangwana rakanaka here? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.