Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAMBAI MAKAMUKA!

Ko Unhu Hwakaendepi?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Ko Unhu Hwakaendepi?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Vanhu vakawanda mazuva ano havasisina unhu. Varwere vava kupopotera vanachiremba; makasitoma ava kutuka vashandi vemuzvitoro; vanhu vanenge vakwira mabhazi vava kunetsana kana kurwisana nemadhiraivha kana makondakita; kana vari vana havachanyari kutaura mashoko ekutuka, kuda kurwa nevamwe kana kurova vadzidzisi; vamwe vezvematongerwo enyika vari kuita zvinhu zvinovhundutsa nepo vamwe vachiedza kuzviti vanhu kwavo.

 Bhaibheri rinogona kutibatsira kuziva chinonzi unhu. Rinotsanangurawo kuti sei mazuva ano vanhu vasisina unhu.

Ko unhu hwakaendepi?

 Kwese kwese tiri kuona vanhu vasina unhu uye vasina tsika.

  •   Imwe ongororo yakaitwa yakaratidza kuti vanhu vekuAmerica unhu hwavo hwachinja zvakanyanya kana tichienzanisa nevanhu vairarama mugore ra2002 zvichidzokera kumashure.

  •   Pane imwe ongororo yakaitwa pakabvunzwa vanhu vanopfuura 32 000 vaibva munyika 28, uye vanopfuura hafu yacho vakataura kuti vanhu variko mazuva ano havasisina unhu zvachose.

 Unhu huri kuratidzwa nevanhu mazuva ano hwakagara hwataurwa neBhaibheri kuti ndizvo zvaizoitika.

  •   “Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, . . . vasina rudo, [uye] vane utsinye.”—2 Timoti 3:1-3, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

 Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvekuzadzika kuri kuita uprofita uhwu, verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Rakagara Rataura Here Unhu Hune Vanhu Mazuva Ano?

Chinhu chingatibatsira kuziva chinonzi unhu

 Mamiriyoni akawanda evanhu ari kuona kuti Bhaibheri ndiro bhuku rinogona kutibatsira kuziva chinonzi unhu. Zvarinotaura panyaya dzetsika kana kuti unhu tinogona ‘kuvimba nazvo iye zvino uye nekusingaperi.’ (Pisarema 111:8) Tarisa uone zvimwe zvacho:

  •   Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.”—Mateu 7:12.

     Zvazvinoreva: Tinofanira kubata vamwe zvakanaka tichivaremekedza semabatiro atinodawo kuti vatiite.

  •   Zvinotaurwa neBhaibheri: “Sezvo makasiya unyengeri, mumwe nemumwe wenyu ngaataure chokwadi nemuvakidzani wake.”—VaEfeso 4:25.

     Zvazvinoreva: Tinofanira kuva vanhu vakavimbika pazvese zvatinoita kana kuti zvatinotaura.

 Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvenyaya iyi verenga: