Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mufananidzo wekuEgypt Unotsigira Zvinotaurwa muBhaibheri

Mufananidzo wekuEgypt Unotsigira Zvinotaurwa muBhaibheri

Mufananidzo uyu uri pedyo nepanopindwa napo mutemberi yamwari anonzi Amun muKarnak kuEgypt. Wakaita zvekutemererwa pachidziro uye wakareba mamita 8. Vamwe vaongorori vanoti mufananidzo wacho unoratidza kukunda kwakaita Mambo Shishaki weEgypt nharaunda dziri nechekuchamhembe kweEgypt, kusanganisira Judha uye umambo hweIsraeri.

Mufananidzo wekuKarnak uri kuratidza nhapwa dzakasungwa

Mufananidzo wacho unoratidza Amun achiuya nenhapwa dzinopfuura 150 kuna Shishaki, kana kuti Sheshonk. a Nhapwa imwe neimwe inomiririra guta kana kuti rudzi rwakatapwa uye zita reguta racho rakanyorwa panhapwa yacho. Pane mazita akawanda achiri kuoneka, uye mamwe acho anozivikanwa chaizvo nevaverengi veBhaibheri. Mamwe acho ndeekuti Bheti-sheyani, Gibhiyoni, Megidho, uye Shunemi.

Kurwiswa kwakaitwa Judha kunotaurwa nezvako muBhaibheri. (1 Madzimambo 14:25, 26) Bhaibheri rinonyatsotaura zvakaitwa naShishaki paakarwisa Judha. Rinoti: “Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Mambo Shishaki weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema. . . . Aiva nengoro 1 200 nevatasvi vemabhiza 60 000, nemauto asingaverengeki aakabva nawo kuIjipiti . . . Akatora maguta eJudha akanga akakomberedzwa nemasvingo, achibva azosvika kuJerusarema.”—2 Makoronike 12:2-4.

Mufananidzo uri pamadziro ekuKarnak handiwo wega unoratidza kurwisa kwakaita Shishaki vaIsraeri. Panewo rimwe dombo rakanyorwa kuti “Sheshonk” rakawanikwa kuMegidho, guta rinotaurwa muBhaibheri.

Nyaya iri muBhaibheri inotaura nezvekukundwa kwakaitwa Judha namambo Shishaki inongoratidza kuti vanhu vakanyora Bhaibheri vaiva vanhu vakavimbika. Vakanyatsonyora nezvekukunda uye kukundwa kwerudzi rwavo. Vanhu vainyora zvinhu zvakaitika kare vakanga vasina kuvimbika saizvozvo.

a Manyorerwo ezita rekuti “Shishaki” muBhaibheri anoratidza madaidzirwo aiitwa zita iri muchiHebheru.