Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakawanikwa Paicherwa Matongo Zvinoratidza Kuti Mambo Dhavhidhi Akamborarama Zvechokwadi

Zvakawanikwa Paicherwa Matongo Zvinoratidza Kuti Mambo Dhavhidhi Akamborarama Zvechokwadi

Bhaibheri rinoratidza kuti Mambo Dhavhidhi akararama makore ekuma1000 B.C.E. achitonga vaIsraeri uye dzinza rake rakaramba richitonga kwemazana emakore. Asi vamwe vanoti Dhavhidhi haana kumbobvira avako, dzingoriwo ngano kuti kwaimbova nemunhu akadaro. Ichokwadi here kuti munhu ainzi Dhavhidhi aivako?

Muna 1993, anochera matongo, Avraham Biran nevamwe vake vakawana dombo kuTel Dan, kuchamhembe kweIsrael, rakanga rakanyorwa kuti “Imba yaDhavhidhi.” Zvakanga zvakanyorwa padombo iroro zvairatidza kuti zvakanyorwa mumakore ekuma800 B.C.E mumutauro wechiSemitic. Rinofanira kunge raiva chidimbu chaiva parusvingo rwakavakwa nevaAramu, vachizvikudza nekukunda kwavakanga vaita vaIsraeri.

Imwe nyaya yaiva muBible History Daily inoti: “Vamwe havabvumi kuti dombo iri rakanyorwa kuti ‘Imba yaDhavhidhi’ umboo hwekuti Mambo Dhavhidhi aivako zvechokwadi. . . Asi vakawanda vanoongorora Bhaibheri uye vanochera matongo, vanobvuma kuti dombo rekuTel Dan ndihwo umboo hwakasimba hwakatanga kuwanikwa hunoratidza kuti Mambo Dhavhidhi anotaurwa muBhaibheri, akararama zvechokwadi. Umboo uhwu hwakakosha zvekuti hwakatonyorwa [muBiblical Archaeology Review].”