Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvombo zvehondo: Anton Petrus/Moment via Getty Images; money: Wara1982/iStock via Getty Images Plus

RAMBAI MAKAMUKA!

Kunze Kwemari Yakawanda Yakashandiswa, Ndeapi Mamwe Matambudziko Akonzerwa Nehondo?

Kunze Kwemari Yakawanda Yakashandiswa, Ndeapi Mamwe Matambudziko Akonzerwa Nehondo?

 Matambudziko acho akakura zvisingaiti.

  •   “Gore rakapera hurumende dzakashandisa mari inopfuura USD2.2 trillion muhondo dzaiitika uye hakuna rimwe rimwe gore rakamboshandiswa mari yakawanda kudai.”—The Washington Post, February 13, 2024.

 Haisi mari yakawanda chete yakangoshandiswa. Pane matambudziko akawanda azvakakonzera. Regai tingotaura muenzaniso mumwe chete wehondo yekuUkraine.

  •   Masoja. Vamwe vaongorori vanoti kubvira pakatanga hondo iyi makore maviri apfuura kwafa kana kukuvadzwa masoja anoda kusvika 500 000.

  •   Vagari Vemo. Sangano reUnited Nations rinoti vanhu vanopfuura 28 000 vakafa kana kuti kukuvadzwa muhondo iyi. Asi mumwe mukuru mukuru weUnited Nations anoti: “Matambudziko akonzerwa nehondo iyi kuvagari vemo haatsananguriki.” a

 Kutambura kuri kuita vanhu nemhaka yehondo uye kurwisana zviri kuitika pasi rese kwakakura.

  •   Kubva muna September 2023, pasi rese vanhu 114 miriyoni vaitofanira kusiya misha yavo nemhaka yehondo kana kuti kurwisana.

  •   Vanhu 783 miriyoni vari kushaya zvekudya. “Kurwisana ndiko kuri kunyanya kukonzera dambudziko renzara, zvekuti vanhu 7 pa10 vega vega vari kusangana nedambudziko iri renzara ndevaya vanenge vachigara munzvimbo dziri kuitika hondo kana kuti kurwisana.”—World Food Programme.

 Pane here pazvichambonzi hakusisina hondo panyika? Panyika pachazombova nerunyararo here? Pachazombova here nenguva yekuti upfumi huri panyika huchange hwava kushandiswa zvakanaka zvekuti munhu wese achange ava kuwana zvinhu zvinomukwanira pakurarama? Bhaibheri rinomboti kudii?

Nguva yehondo

 Bhaibheri rakagara rataura kuti panyika paizova nehondo uye rakazvitaura richishandisa mufananidzo wemutasvi webhiza.

  •   “Pakabva pabuda rimwe bhiza raiva neruvara rwakaita serimi remoto, uye akanga akaritasva akabvumirwa kubvisa runyararo panyika kuti vanhu vaurayane, uye akapiwa bakatwa hombe.”—Zvakazarurwa 6:4.

 Mutasvi webhiza uyu wekufananidzira anobva ateverwa nevamwe vatasvi vaviri vanomirira nzara nerufu runokonzerwa nezvirwere kana kuti zvimwewo. (Zvakazarurwa 6:5-8) Kana uchida kunzwa zvakawanda nezveuprofita uhwu hweBhaibheri uye kuti nei tichiti huri kuzadzika iye zvino, verenga nyaya yakanzi “Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?

Ramangwana rine runyararo

 Munguva pfupi iri kutevera, upfumi huri panyika hunenge husingachashandiswi kutsigira hondo. Asi hazvisi kureva kuti vanhu ndivo vachaita kuti izvi zviitike. Bhaibheri rinoti:

  •   Mwari ‘achagumisa hondo munyika yese.’—Pisarema 46:9.

  •   Mwari achabvisa ndangariro dzese dzinorwadza dzakakonzerwa nehondo. “Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

  •   Mwari achaita kuti munhu wese ararame murunyararo pasina chekutya. “Vanhu vangu vachagara munzvimbo ine rugare, munzvimbo dzekugara dzakachengeteka nemunzvimbo dzekuzororera dzine runyararo.”—Isaya 32:18.

 Bhaibheri rinotiudza kuti hondo uye zvinhu zviri kuitika mazuva ano zvinoratidza kuti nguva yekuti panyika pachiva nerunyararo yava pedyo chaizvo.

 Mwari achazviita sei kuti panyika pave nerunyararo? Achashandisa hurumende yake yekudenga inonzi Umambo hwaMwari. (Mateu 6:10) Kana uchida kunzwa zvakawanda nezveUmambo ihwohwo uye zvahuchaita, ona vhidhiyo pfupi inonzi Umambo hwaMwari Chii?

a Miroslav Jenca, mutevedzeri wemukurumukuru weUnited Nations kuEurope, December 6, 2023.