Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVINHU ZVINOITA KUTI TIZVIDYE MWOYO

Kuzvidya Mwoyo Nenyaya Dzemari

Kuzvidya Mwoyo Nenyaya Dzemari

“Mari payaishaya simba zvakanyanya munyika yedu, zvokudya zvakatanga kudhura uye kusawanika,” anodaro Paul, murume ane vana vaviri. “Taimira mumitsetse kwemaawa akawanda, asi zvekudya zvaiwanzopera tisati tatenga. Vanhu vakaonda zvinotyisa, uye vamwe vaitodonha mumigwagwa nenzara. Mitengo yezvinhu zvekurarama nazvo yakakwira kusvika kumamiriyoni, ikatozowedzera kusvika kumabhiriyoni. Mari yedu yakapedzisira isisatenge. Ndakarasikirwa nemari yangu yaiva mubhengi, inishuwarenzi, uye mari yemudyandigere.”

Paul

Kuti mhuri yake irarame, Paul aiziva kuti aifanira kushandisa “uchenjeri.” (Zvirevo 3:21) Anoti, “Ndaiita zvemagetsi, asi apa ndakanga ndava kuita chero basa rinenge ramuka, ndichiwana mari shoma chaizvo pane yandaiwanzowana. Vamwe vaindibhadhara nezvokudya kana kuti zvimwewo zvekushandisa pamba. Ndaiti kana ndikapiwa sipo ina, ndaishandisa mbiri dzacho, ndotengesera vamwe dzimwe dzacho. Nekufamba kwenguva, ndakazowana nhiyo 40. Padzakakura, ndakadzitengesa, ndikatenga dzimwe 300. Ndakazochinjanisa huku 50 nema50 kg maviri eupfu. Upfu uhwu hwakararamisa mhuri yangu nedzimwewo kwenguva yakareba.”

Paul aizivawo kuti kuvimba naMwari ndicho chinhu chikuru chinobatsira kupfuura zvose zvingaitwa nemunhu. Patinoita zvatinoudzwa naMwari, anotibatsira. Panyaya yekutsvaka zvekurarama nazvo, Jesu akati: “Regai kuramba muchizvidya mwoyo; nokuti . . . Baba venyu vanoziva kuti munoda zvinhu izvi.”—Ruka 12:29-31.

Zvinosuruvarisa kuti Satani, muvengi mukuru waMwari, ari kunyengera vanhu vakawanda munyika kuti vararamire kungotsvaka zvavanoda muupenyu. Vanhu vanonetseka pavanofunga nezvekuwana kwavangaita zvinhu zvinovararamisa kana kuti zvimwewo zvavanofunga kuti havakwanisi kurarama vasina. Vanozvidya mwoyo vachiita zvose zvavanokwanisa kuti vawane zvinhu zvavanogona kurarama vasina. Vakawanda vanopinda muzvikwereti, votozozviona pave paya kuti “uya anokwereta anova muranda womunhu anomukweretesa.”—Zvirevo 22:7.

Vamwe vanhu vanosarudza kuita zvinhu zvinovapinza muna taisireva. Paul anoti, “Vavakidzani vedu vakawanda vakasiya mhuri dzavo neshamwari vachinotsvaka upenyu huri nani kune dzimwe nyika. Vamwe vakangoenda vasina mapepa akakwana uye havana kukwanisa kuwana mabasa. Vava ikoko vaiwanzogara vachitiza mapurisa uye vachirara mumigwagwa. Havana kupa Mwari mukana wekuti avabatsire. Asi isu takatsunga kutarisana nenhamo yemari tiri pamwe chete semhuri, tichibatsirwa naMwari.”

KUITA ZVAKATAURWA NAJESU

Paul anoenderera mberi achiti: “Jesu akati: ‘Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro.’ Saka zuva rimwe nerimwe ndainyengetera kuti Mwari atipe ‘zvokudya’ zvezuva iroro kuti tirarame. Uye akatibatsira sezvakavimbiswa naJesu. Hapasi pose pataiwana zvataida chaizvo. Pane imwe nguva, ndakamira mumutsetse ndisingazivi kuti chii chakanga chichitengeswa. Nguva yangu yekutenga payakasvika, ndakazoona kuti yaiva yogati. Handifarire yogati. Asi ndizvo zvakanga zviripo, saka takararira yogati musi iwoyo. Ndinotenda Mwari kuti panguva yose iyi, mhuri yangu haina kumborara nenzara. *

Mwari akavimbisa kuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.”—VaHebheru 13:5

“Iye zvino zvinhu zvava nani panyaya dzemari. Asi pane zvakaitika kwatiri takadzidza kuti chinhu chinogona kubatsira chaizvo pakuzvidya mwoyo kuvimba naMwari. Jehovha * achagara achitibatsira chero bedzi tichiramba tichiita kuda kwake. Takaona kuti mashoko ari pana Pisarema 34:8 ndeechokwadi anoti: ‘Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.’ Kana mamiriro ezvinhu panyaya dzeupfumi akachinja zvakare, iye zvino hatichatyi.

Mwari anobatsira vanhu vakatendeka kuti vawane “zvokudya” zvezuva iroro

“Tava kunyatsonzwisisa kuti chinoita kuti vanhu vararame, harisi basa kana mari asi zvekudya. Tiri kumirira nemwoyo wose nguva ichazadzisa Mwari mashoko aakavimbisa ekuti: ‘Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo.’ Iye zvino, ‘kana tiine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nezvinhu izvi.’ Tinosimbiswa nemashoko emuBhaibheri anoti: ‘Mararamiro enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti iye akati: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” Kuti tive vakashinga kwazvo tichiti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi.”’” *

Zvinotoda kuva nekutenda kwechokwadi kuti ‘tifambe naMwari’ sezviri kuitwa naPaul nemhuri yake. (Genesisi 6:9) Tinowana zvidzidzo zvinokosha kubva pakutenda kwaPaul uye kushandisa kwaakaita uchenjeri, pasinei nekuti tine nhamo yemari iye zvino kana kuti zvimwe tingazova nedambudziko racho munguva yemberi.

Ko kana tichizvidya mwoyo pamusoro pematambudziko emhuri?

^ ndima 10 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.