Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAUNGAITA KUTI UFARIRE BASA RAKO

Zvekushanda Nesimba Ndezvekare Here?

Zvekushanda Nesimba Ndezvekare Here?

Alex anotura befu paanosimudza rimwe bhokisi achiriisa murori yekambani yaanoshandira inoita zvekutamisa vanhu. Anozvibvunza kuti, ‘Sei ndichingoramba ndiri pabasa iri risina pundutso? Ndichazobudirirawo riini? Upenyu hwaizova nani kudai ndisingafaniri kushanda!’

SaAlex ataurwa pamusoro apa, vanhu vakawanda mazuva ano havafariri kushanda nesimba. Mumwe makanika anonzi Aaron anoti, “Vakawanda vanofunga kuti kushanda basa rinoita serepasi kunonyadzisa. Nechemumwoyo vanenge vachiti: ‘Ndiri kumbobata-bata kusvikira ndazowana rimwe riri nani.’”

Sei vakawanda vasingadi kushanda nesimba? Zvimwe inyaya yezvavanonzwa mune zvinobudisa nhau, kuti hunonzi upenyu kugara muumbozha wakadekara hako. Matthew uyo anoita basa rekugadzirisa zvivako anoti, “Vanhu vanofunga kuti kana uchifanira kushanda nesimba kuti urarame, zvinokuomerawo kuti uzobudirira.” Shane uyo anoona nezvekuchengetedzwa kwezvivako anobvumirana naMatthew. Anoti: “Vanhu havachadi kushanda zvinoenderana nemari yavanobhadharwa.”

Asi vanhu vakawanda vakabudirira vanofarira kushanda nesimba. “Ndinofunga kuti kushanda nesimba kunoita kuti unyatsogutsikana, kunyanya kana uine chinangwa chakanaka,” anodaro mumwe anoita zvekuvaka anonzi Daniel, ane makore 25. Andre, ane makore 23 anobvumiranawo nazvo. Anoti, “Ndinofunga kuti kushanda ndiko kunoita kuti munhu afare. Kusashanda nesimba kunoita kuti munhu agare asingafari, achingosurukirwa chete!”

Vanhu vakadai saDaniel naAndre vakaita sei kuti vafarire kushanda nesimba? Vakashandisa zvinodzidziswa neBhaibheri muupenyu hwavo. Bhaibheri haritsigiri zvachose usimbe, asi rinokurudzira kushanda nesimba uye kutsungirira. Bhaibheri haringotiudzi kuti tishande nesimba chete asi rinoratidzawo zvatingaita kuti tifarire basa redu.

Ndezvipi zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira kuti ugutsikane nebasa rako? Tinokukumbira kuti uone zvimwe zvacho zvichakurukurwa munyaya inotevera.