Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | JOSEFA

“Kududzira Hakusi kwaMwari Here?”

“Kududzira Hakusi kwaMwari Here?”

Josefa ari kufamba mukoridho rine rima, dikita richiyerera nekuti anga achifondoka. Panze zuva riri kugocha zvichiita kuti mujeri maari mupise sehovhoni yezvidhinha. Zvinoita sekuti ainge ava kutoziva kuti jeri racho rine zvidhinha zvingani. Jeri ndihwo hwakanga hwava upenyu hwake. Kunyange zvazvo airemekedzwa chaizvo, akanga achiri musungwa.

Josefa anofanira kunge aimbofunga nezveupenyu hwake ari kuHebroni, nzvimbo ine makomo azere nematombo, kwaaifudza mapoka ezvipfuwo zvababa vake! Ainge ava nemakore anenge 17 paakatumwa nababa vake Jakobho, akazoguma ava kure chaizvo nekumusha kwavo. Iye zvino zvinhu zvakanga zvachinja. Vakoma vake vakamuitira godo zvokusvika pakuda kumuuraya, ndokumutengesa kuti ave muranda. Akaendwa naye kuIjipiti, uye asvika ikoko akatanga kushanda mumba maPotifari, rimwe jinda reikoko. Josefa akanga ava kuvimbwa natenzi wake, asi izvi zvakachinja mudzimai waPotifari paakamupomera zvenhema kuti aida kumubata chibharo, zvikaita kuti akandwe mujeri iri. *Genesisi, chitsauko 37, 39.

Iye zvino Josefa ainge ava nemakore 28, uye akanga aita muranda pamwe nekugara mujeri kwemakore anenge gumi. Zvinhu zvakanga zvisiri kufamba sezvaaitarisira. Aizoburitswa here? Aizoonazve baba vake vaaida avo vainge vakwegura, nemunun’una wake waaida Bhenjamini here? Aizoramba ari mugomba iri kusvika riini?

Wakambonzwawo sezvakaita Josefa here? Dzimwe nguva zvataishuvira tiri vaduku handizvo zvinozoitika muupenyu. Zvinhu zvinotinetsa zvingaita sekuti hazvifi zvakapera, uye tingafunga kuti hapana pekubuda napo. Ngationei zvatingadzidza pakutenda kwaJosefa.

“JEHOVHA AKARAMBA AINA JOSEFA”

Josefa aiziva kuti Mwari wake Jehovha ainge asina kumukanganwa, uye hapana mubvunzo kuti izvi zvakamubatsira kutsungirira. Ari mujeri iroro rekuIjipiti, Jehovha akaramba achimukomborera. Bhaibheri rinoti: “Jehovha akaramba aina Josefa, uye akaramba achimuitira mutsa worudo uye achiita kuti anzwirwe nyasha nomukuru mukuru wejeri.” (Genesisi 39:21-23) Josefa akaramba achishanda nesimba, saka Jehovha akarambawo achimukomborera. Kuziva kuti Jehovha aigara ainaye kunofanira kunge kwakamusimbisa zvikuru.

Jehovha aizosiya Josefa kuti afire mujeri iroro here? Josefa aisaziva, saka anofanira kunge aigara achinyengetera kuna Mwari nezvenyaya yacho. Sezvinowanzoitika, mhinduro yakauya nenzira yaaisambotarisira. Rimwe zuva mujeri makaita zhowe zhowe, pakavharirwa vamwe varume vaviri, vakuru vakuru pavashandi vaMambo Farao. Mumwe wacho aiva mukuru wevabiki, mumwe ari mukuru wevadiri.—Genesisi 40:1-3.

Mukuru wevarindi akaisa varume vaviri ivavo vaimbova nezvinzvimbo mumaoko aJosefa. * Humwe usiku varume ivavo vakarota hope dzainge dzakaoma kunzwisisa. Ava mangwanani, Josefa akaona kuti pane zviri kunetsa varume ivavo. Saka akavabvunza kuti: “Nei zviso zvenyu zvakasuruvara nhasi?” (Genesisi 40:3-7) Zvimwe varume vacho pavakaona kuti aiva netsitsi, vakabva vaona pasina chakaipa nekumuudza zvaivanetsa. Josefa haana kuziva kuti kukurukura navo kwaakaita kwaizochinja upenyu hwake. Kukurukurirana uku kungadai kwakaitika here kudai Josefa asina kunzwira vamwe tsitsi? Zvaakaita izvi zvinoita kuti tizvibvunzewo kuti: ‘Ndinoratidza kuti ndinotenda muna Mwari kuburikidza nekufarira vamwe here?

Josefa ainzwira vamwe vasungwa tsitsi uye aivaremekedza

Varume vacho vaviri vakatsanangura kuti vainetseka chaizvo nehope idzi, uye kuti pakanga pasina aigona kudzidudzira. VaIjipiti vaikoshesa chaizvo nyaya yekurota uye vaivimba chaizvo nevanhu vaizviti vanogona kududzira hope. Varume vaviri ava havana kuziva kuti zvavakarota zvakabva kuna Mwari waJosefa, Jehovha. Asi Josefa aizviziva. Akaita kuti vasanetseke paakati: “Kududzira hakusi kwaMwari here? Ndapota, rondedzerai hope dzacho kwandiri.” (Genesisi 40:8) Mashoko aJosefa anokosha chaizvo kune vanodzidza Bhaibheri nemwoyo wose mazuva ano. Kudai vanhu vose vanonamata vakazvininipisa sezvakaitwa naJosefa. Hatifaniri ku kuzvikudza asi tinofanira kuvimba naMwari patinenge tichitsvaka kududzirwa kwakarurama kweshoko rake!—1 VaTesaronika 2:13; Jakobho 4:6.

Mudiri ndiye akatanga kutaura. Akaudza Josefa kuti akarota muzambiringa waiva nemapazi matatu, ukabereka mazambiringa akawanda. Mazambiringa acho akaibva, mudiri ndokusvinira muto wacho mukapu yaFarao. Jehovha akaita kuti Josefa abve aziva zvairehwa nehope dzacho. Akaudza mudiri wacho kuti mapazi matatu aiva mazuva matatu uye kuti mumazuva matatu Farao aizodzosa mudiri wacho pabasa rake. Mudiri wacho paaifarira zvaainge audzwa, Josefa akawedzera kuti: “Ndapota . . . , undiitire mutsa worudo, uudze Farao nezvangu.” Josefa akatsanangura kuti ainge abiwa kumusha kwavo uye kuti akaiswa mujeri asina mhosva.—Genesisi 40:9-15.

Mubiki akatorwa mwoyo nezvakaudzwa mudiri, saka akakumbira Josefa kuti adudzirewo zvaakarota. Muhope dzake ainge akatsiga tswanda nhatu dzechingwa, shiri dzichidya mune imwe yetswanda dzacho. Josefa akaratidzwazve kududzirwa kwadzo. Asi kududzirwa kwadzo hakuna kufadza mubiki. Josefa akati: “Uku ndiko kududzirwa kwadzo: Tswanda nhatu mazuva matatu. Mazuva matatu kubva zvino, Farao achakusunungura obvisa musoro wako pauri uye achakuturika padanda; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa pauri.” (Genesisi 40:16-19) Sezvinongoitwawo nevashumiri vaMwari vose vakatendeka, Josefa akataura neushingi mashoko akabva kuna Mwari ezvakanaka uye zvakaipa zvakanga zvava kuda kuitika.—Isaya 61:2.

Pazuva rechitatu, zvakataurwa naJosefa zvakaitika. Farao akaita mutambo wezuva rekuberekwa, izvo zvaisamboitwa nevanhu vaMwari vanotaurwa muBhaibheri uye akapa mutongo kuvaranda vake vaviri. Mubiki akaturikwa sezvakadudzirwa naJosefa, uye mudiri akadzorerwa pabasa rake. Asi zvinosuwisa kuti mudiri akabva atokanganwa nezvaJosefa.—Genesisi 40:20-23.

“HANDIFANIRI HANGU KUONEKWA SECHINHU!”

Makore maviri azere akapfuura. (Genesisi 41:1) Izvi zvinofanira kunge zvakarwadza Josefa zvisingaiti! Zvimwe Josefa aitarisira kuti achabva angosunungurwa pashure pekunge Jehovha aita kuti akwanise kududzira hope dzainge dzakaoma kunzwisisa dzemudiri nemubiki. Zuva nezuva Josefa angangodaro aimuka achifunga kuti nhasi ndichaburitswa, asi mazuva aingopindana pasina chaitika. Makore maviri aya ndiwo anofanira kunge akanyanya kurwadza Josefa kupfuura mamwe ose. Asi akaramba achivimba naMwari wake Jehovha. Pane kuti adzokere shure, Josefa akaramba achitsungirira uye akazobuda mujeri ava nekutenda kwakasimba.—Jakobho 1:4.

Nekuoma kwaita zvinhu, ndiani wedu angati haadi kutsungirira? Kuti tikurire miedzo inongoramba iripo, zvinotoda kuti Mwari atibatsire kuti titsungirire, tive nemwoyo murefu uye pfungwa dzakagadzikana. Anogona kutibatsirawo sezvaakaita Josefa, achitipa simba rekuti tisakurirwe nekuora mwoyo, toramba tiine tariro.—VaRoma 12:12; 15:13.

Mudiri akakanganwa Josefa asi Jehovha haana. Humwe usiku Jehovha akaita kuti Farao arote hope dzaisakanganwika. Muhope dzekutanga, mambo wacho akaona mhou nomwe dzakanaka uye dzakakora dzichibuda murwizi rwaNire, dzichiteverwa nenomwe dzakashata uye dzakaonda. Mhou dzakaonda dzakadya dzakakora. Mune dzechipiri, Farao akaona hura nomwe dzezviyo dzakanaka dzichibuda padzinde rimwe chete. Asi dzimwe hura nomwe dzezviyo dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo dzakabuda, dzikamedza dzakanaka. Farao akamuka mangwanani achinetseka chaizvo nehope dzacho, saka akashevedza vanhu vose vakachenjera nevapristi vose veIjipiti vaiita zvemashiripiti kuti vadudzire hope dzacho. Vose vakatadza. (Genesisi 41:1-8) Hatizivi zvakaitika, kungava kuti vakashaya neremuromo kana kuti zvavaitaura zvaipesana. Farao haana kufara nazvo asi aida chaizvo kuziva kuti hope idzi dzairevei.

Mudiri akazoyeuka Josefa! Hana yake yakamunetsa, uye akaudza Farao nezvemurume wechidiki iyeye aiva mujeri uyo akadudzira nemazvo hope dzake nedzemubiki makore maviri ainge apfuura. Farao akabva aita kuti Josefa ashevedzwe kubva mujeri.—Genesisi 41:9-13.

Fungidzira kuti Josefa akanzwa sei paakaona vatumwa vamambo Farao vauya kuzomushevedza. Akabva achinja nguo, akagera ndebvu, zvimwe nebvudzi rese sezvaiitwa nevaIjipiti. Zviri pachena kuti akanyengetera nemwoyo wose kuna Jehovha kuti amubatsire paainobvunzwa namambo! Pasina nguva akanga atomira pamberi pamambo mumuzinda wake wemaoresa. Tinoverenga kuti: “Farao akabva ati kuna Josefa: ‘Ndarota hope, asi hapana angadzidudzira. Zvino ini ndanzwa nezvako zvichinzi unogona kunzwa hope wodzidudzira.’” Josefa akaratidzazve kuzvininipisa uye kutenda muna Mwari paakapindura kuti: “Handifaniri hangu kuonekwa sechinhu! Mwari achazivisa kugarika kuna Farao.”—Genesisi 41:14-16.

Josefa akazvininipisa kuna Farao achiti: “Handifaniri hangu kuonekwa sechinhu!”

Jehovha anoda vanhu vanozvininipisa uye vakatendeka, saka hazvishamisi kuti akaita kuti Josefa adudzire zvakatadzwa nevarume vakachenjera nevapristi. Josefa akatsanangura kuti hope dzaFarao dzaireva zvimwe chete. Nekuita kuti arote kaviri, Jehovha akaratidza kuti nyaya yacho yainge ‘yasimbiswa kwazvo,’ kureva kuti zvaisazombokundikana. Mhou dzakakora uye hura dzezviyo dzakanaka zvaireva makore manomwe ezvokudya zvizhinji muIjipiti, uye mhou dzakaonda nehura dzezviyo dzakatetepa zvaireva makore manomwe enzara aizouya pashure pemakore ezvokudya zvizhinji. Zvokudya zvose zvaiva munyika yacho zvaizopera.—Genesisi 41:25-32.

Farao akaona kuti zvakadudzirwa naJosefa chaiva chokwadi. Asi chii chaifanira kuitwa? Josefa akataura zvavaigona kuita. Farao aifanira kutsvaka murume “akangwara uye akachenjera” kuti atungamirire pakuunganidza zviyo zvose zvaisara mumakore manomwe ezvokudya zvizhinji uye zvozopiwa kune vanenge vasina zvokudya munguva yenzara yaizouya. (Genesisi 41:33-36) Pasinei nekuti Josefa aiva neruzivo rwunotopfuura rwaidiwa pakuita basa racho, haana kuzviti ndiye anokwanisa basa racho. Kuzvininipisa kwakaita kuti asatombova nekapfungwa kakadaro uye kutenda kwake kwakaita kuti azvione zvisina musoro. Kana tichinyatsotenda muna Jehovha hatizotsvaki zvinzvimbo. Hatizonetseki uye tichamirira Jehovha!

‘MUMWE MURUME AKAFANANA NOUYU ANGAWANIKA HERE?’

Farao nevashandi vake vose vakaona kuti zvakataurwa naJosefa zvaishanda. Mambo iyeye akaonawo kuti Mwari waJosefa ndiye akaita kuti ataure mashoko aya ouchenjeri. Akaudza vashandi vake vaivapo kuti: “Mumwe murume akafanana nouyu ane mudzimu waMwari maari angawanika here?” Kuna Josefa akati: “Mwari zvaaita kuti uzive zvose izvi, hapana mumwe munhu akangwara uye akachenjera sezvawakaita. Iwe pachako uchatarisira imba yangu, uye vanhu vangu vose vachakuteerera chose. Ndichangova mukuru kwauri pachigaro choumambo chete.”—Genesisi 41:38-41.

Farao akaita zvaakavimbisa. Josefa akabva apfekedzwa nguo yerineni yakanaka. Farao akamupa chishongo chemuhuro chendarama, rin’i yaiva nechidhindo, ngoro yeumambo uye mvumo yekufamba munyika yacho yose achiita zvaanga audza Farao. (Genesisi 41:42-44) Muzuva rimwe chete Josefa akabudiswa mujeri akaswera ava mumuzinda wamambo. Akamuka ari musungwa akazorara ava mutongi wechipiri kubva kuna Farao. Izvi zvakaratidza kuti kutenda kwaJosefa muna Jehovha Mwari kwakabatsira! Jehovha aiona kudzvinyirirwa kwaiitwa mushumiri wake kwemakore ose iwayo. Akagadzirisa nyaya idzi panguva yakakodzera uye nenzira yakakodzera. Jehovha aida kugadzirisa nyaya yaJosefa uye kuponesa rudzi rwaIsraeri rwaizouya. Tichaona kuti zvakazoitika sei munyaya ichabuda mumagazini inotevera.

Kana ukasangana nemuedzo, kungava kudzvinyirirwa kunoita sekuti hakumbofi kwakapera, usaore mwoyo. Yeuka Josefa. Sezvo Josefa akaramba achinzwira vamwe tsitsi, achizvininipisa, achitsungirira uye aine kutenda, Jehovha akazomukomborera pakupedzisira.

^ ndima 4 Ona nyaya dzinoti “Tevedzera Kutenda Kwavo” dziri muNharireyomurindi yaAugust 1 neyaNovember 1, 2014.

^ ndima 10 VaIjipiti vekare vaidya marudzi anopfuura 90 ezvingwa nemakeke. Saka mukuru wevabiki vaFarao aiva nechinzvimbo chepamusoro. Uyewo mukuru wevadiri aitungamirira vashandi vaigadzirira Farao waini, zvimwe nedoro, kuti zvinge zviri zvemhando yepamusoro, uyewo kuti zvisaiswa muchetura, sezvo zvaiwanzoitika kuti vemuimba yamambo vakuvadzwe kana kutourayiwa. Zvaisashamisa kuti mudiri ave chipangamazano aivimbwa namambo.