Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndakafarira Chaizvo Mhinduro Dzakajeka Uye Dzine Musoro dzeBhaibheri

Ndakafarira Chaizvo Mhinduro Dzakajeka Uye Dzine Musoro dzeBhaibheri
  • GORE ROKUBEREKWA: 1948

  • NYIKA: HUNGARY

  • NHOROONDO YOUPENYU: NDAIDA CHAIZVO KUWANA MHINDURO DZEMIBVUNZO MIKURU YEUPENYU

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndakaberekerwa kuHungary muguta reSzékesfehérvár, rine nhoroondo refu, rava nemakore anopfuura 1 000 riripo. Nanhasi ndichiri kungoyeuka kukanganiswa kwakaitwa guta racho nehondo yenyika yechipiri.

Ndichiri mudiki ndaigara naambuya vangu nasekuru. Ndinogara ndichifunga nezvavo, kunyanya ambuya vangu Elisabeth. Vakandibatsira kuti ndive nekutenda kwakasimba muna Mwari. Kubva ndiine makore matatu, ndaidzokorora navo munamato unowanzonzi Munyengetero waShe manheru ega ega. Asi ndakatozonzwisisa zvinorehwa nemunyengetero uyu ndava kuda kusvitsa makore 30.

Ndaigara nambuya nasekuru nekuti vabereki vangu vaishanda siku nesikati, kuti vawane mari yekutenga imba yakanaka. Asi pashure pemavhiki maviri ega ega, musi weMugovera, taidya pamwe chete semhuri. Ndaizvifarira chaizvo.

Muna 1958, vabereki vangu vakazowana chavairwarira; vakatenga imba yekuti tigare. Ndakafara zvekubata denga nekuti ndakanga ndava kunogara nevabereki vangu! Asi pangopera mwedzi 6, baba vangu vakafa nekenza. Mufaro uya wakabva wangopera.

Zvakandipedza simba. Ndinoyeuka ndichinyengetera kuti: “Mwari, ndakakutetererai kuti muponese baba vangu. Ndinovada. Sei musina kupindura minamato yangu?” Ndaida chaizvo kuziva kuti baba vangu vaiva kupi. Ndainetseka kuti, ‘Vaenda kudenga here? Kana kuti ndopazvaperera here?’ Ndaiita shanje pandaiona vamwe vana vainge vaina baba.

Ndakaita makore akawanda ndichienda kumakuva. Ndingatoti ndaiendako mazuva ose. Ndaipfugama paguva rababa vangu ndonamata ndichiti: “Ndapota Mwari ndiratidzei kuna baba vangu.” Ndainamatawo kuti ndibatsirwe kunzwisisa chinangwa cheupenyu.

Ndasvitsa makore 13, ndakatanga kudzidza chiGerman. Ndakafunga kuti ndaizowana mhinduro dzemibvunzo yangu mumabhuku akasiyana-siyana echiGerman ane zvinhu zvakawanda. Muna 1967, ndakatanga kuita zvidzidzo muguta reJena, raimbova muEast Germany mazuva iwayo. Ndaifarira kuverenga mabhuku ainyorwa nevanhu vakadzidza vekuGermany, kunyanya aitaura nezvekuti sei vanhu varipo pano panyika. Kunyange zvazvo ndakawanawo zvimwe zvandaisaziva, hazvina kunyatsopindura mibvunzo yangu. Ndakaramba ndichingonamata kuti ndiwane mhinduro.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Muna 1970, ndakadzokera kuHungary, kwandakaonana naRose, uyo akazova mudzimai wangu. Panguva iyoyo Hungary yaiva neutongi hwechiCommunist. Tangoroorana, takabva tatizira kuAustria. Taida kuzotamira kuSydney, muAustralia, kwaigara sekuru vangu.

Ndakabva ndawana basa muAustria. Mumwe musi, wandaishanda naye akandiudza kuti ndaigona kuwana mhinduro dzemibvunzo yangu yese muBhaibheri. Akandipa mabhuku akati kuti aitsanangura Bhaibheri. Ndakakurumidza kuverenga mabhuku acho ose uye ndaida kudzidza zvakawanda. Saka ndakanyorera Zvapupu zvaJehovha ndichikumbira mamwe sezvo vari ivo vaibudisa mabhuku acho.

Musi watakasvitsa gore tachata, takashanyirwa nemumwe murume wechidiki wemuAustria aiva Chapupu. Akauya nemabhuku andainge ndakumbira uye akati aida kundidzidzisa Bhaibheri, ndikabva ndabvuma. Semunhu aida kudzidza zvakawanda, taidzidza kaviri pavhiki, chidzidzo chimwe chete chichiita maawa anenge 4.

Ndakafara chaizvo nezvandakadzidziswa neZvapupu kubva muBhaibheri. Pavakandiratidza zita raMwari rekuti Jehovha muBhaibheri rangu rechiHungarian, ndakafunga kuti ndiri kurota. Ndakanga ndava nemakore 27 ndichienda kuchechi asi handina kumbobvira ndanzwa zita raMwari richitaurwa. Ndakafarira chaizvo mhinduro dzakajeka uye dzine musoro dzeBhaibheri. Semuenzaniso, ndakadzidza kuti vakafa havana chavanoziva, asi vakangoita semunhu akafa nehope. (Muparidzi 9:5, 10; Johani 11:11-15) Ndakadzidzawo zvinovimbiswa neBhaibheri kuti munyika itsva “rufu haruchazovipo.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Ndinotarisira kuzoonazve baba vangu sezvo “kuchava nokumuka” kwevakafa munyika itsva iyoyo.—Mabasa 24:15.

Rose akatangawo kudzidza Bhaibheri nemwoyo wose pamwe chete neni. Takafambira mberi nekukurumidza zvokuti takapedza kudzidza kwacho mumwedzi miviri chete! Taipinda misangano yese yaiitwa neZvapupu paImba yeUmambo. Takafarira chaizvo rudo rune Zvapupu zvaJehovha, kubatsirana kwavanoita uye kubatana kwavakaita.—Johani 13:34, 35.

Muna 1976, ini naRose takabvumirwa kupinda muAustralia. Tasvika ikoko takabva tangowana Zvapupu zvaJehovha. Vakatibata sehama dzavo chaidzo. Muna 1978, takabva tavawo Zvapupu.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Ndakazowana mhinduro dzemibvunzo yainge yandinetsa kwemakore. Ndakazowanawo Baba vasina vamwe vanovapfuura, Jehovha Mwari. Ndakavawana pandakaswedera pedyo navo. (Jakobho 4:8) Uyewo munyika itsva iri mberi, ndinotarisira nemwoyo wose kuzoonazve baba vangu vakandibereka.—Johani 5:28, 29.

Muna 1989, ini naRose takadzokera kuHungary kuti tinoudzawo shamwari dzedu, vemumhuri nevamwewo nezvechokwadi chemuBhaibheri chatainge tadzidza. Takava neropafadzo yekudzidzisa mazana evanhu Bhaibheri. Vanopfuura 70 vavo vakabatana nesu pakushumira Jehovha, kusanganisirawo amai vangu vandinoda.

Ndakaita makore 17 ndichinyengetera kuti ndiwane mhinduro dzemibvunzo yangu. Iko zvino papfuura makore 39, uye ndichiri kungonyengetera, asi iye zvino ndava kukwanisa kuti, “Ndinokutendai Baba vangu vekudenga nekupindura zvandainyengeterera ndichiri muduku.”