Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | JOSEFA

“Ndingaita Seiko Chinhu Ichi Chakaipa Kwazvo?”

“Ndingaita Seiko Chinhu Ichi Chakaipa Kwazvo?”

JOSEFA akatanga kufema mhepo inodziya, uye kunzwa kunhuwirira kwemaruva anomera mumvura. Aitungamirirwa nevafambi vaiita zvokutengesa, uye iye zvino vakanga vava kupfuura nemumapani ekumadiriro kwerwizi rwaNire. Fungidzira mudungwe wevarume vari kufamba nengamera pedyo nemvura vakananga kune rimwe guta reIjipiti, vachimboona madhadha emumvura kana kuti shorechena zvichibhururuka pazvinoona vachisvika pedyo. Josefa anofungazve kumusha kwavo kure chaizvo, kumakomo eHebroni ayo ainge aita segwenga. Asi iye zvino zvinhu zvakanga zvamuchinjira.

Fungidzira tsoko dzichirira dziri pamusoro pemiti yemichindwe neyemaonde. Josefa akanga asiri kutombonzwisisa zvaitaurwa nevanhu vavaisangana navo. Zvichida aiedza kufungidzira zvairehwa nemashoko avaitaura. Zvimwe aizodzidza mutauro wacho. Aiziva kuti aigona kusazombofa akatsika kumba kwavo.

Josefa akanga ava nemakore 17 kana kuti 18, asi akasangana nematambudziko aigona kuomera varume vakawanda vakura. Vakoma vake vaimuitira godo zvokuti vakapotsa vamuuraya nekuti ainyanya kufarirwa nababa vavo. Asi vakazomutengesa kuvanhu vaya vaiita zvokutengesa. (Genesisi 37:2, 5, 18-28) Pashure pekufamba kwemavhiki akati kuti, vatengesi ava vanofanira kunge vaiwedzera kufara sezvavakanga vava pedyo neguta guru vachitarisira kutengesa Josefa uye zvinhu zvaikosha zvavaiva nazvo kuti vaite mari. Josefa akaita sei kuti kunetseka kwaaiita kusamuodza mwoyo uye kusamupedza simba? Tingaitawo sei kuti matambudziko omuupenyu nezvimwewo zvinotidzorera shure zvisaparadza kutenda kwedu? Tine zvakawanda zvatinodzidza kuna Josefa.

“JEHOVHA AKANGA AINA JOSEFA”

“Zvino Josefa, akaendeswa kuIjipiti, Potifari, jinda raFarao, mukuru wevarindi, muIjipiti, akamutenga paruoko rwevaIshmaeri vakanga vaenda naye ikoko.” (Genesisi 39:1) Nemashoko mashoma iwayo, nyaya iyi yemuBhaibheri inotibatsira kufungidzira kunyadziswa kwakaitwa murume uyu wechidiki ainge atengeswazve. Ainge ava kungoitwa semudziyo chaiwo! Tinogona kufunga nezvaJosefa achitevera tenzi wake mutsva, jinda reIjipiti, vachifamba nemunzira dzine ruzha dzemuguta dzakazara nezvitoro vakananga kumusha mutsva waJosefa.

Zvinhu zvose zvaiva zvitsva! Zvainge zvatosiyana zvachose nekumusha kwake. Ainge akurira mumhuri yaiita zvokutama tama vachigara mumatende sezvavaifamba vachifudza makwai avo. Asi kuIjipiti, vanhu vaiva neupfumi saPotifari vaigara mudzimba dzemberi uye dzakapendwa zvakanaka. Vanochera matongo vanotaura kuti vaIjipiti vekare vaifarira mapindu akavakirirwa uye akasvibirira, ane miti ine mimvuri, nemadziva ekusima nhokwe, maruva nezvimwe zvinokura mumvura. Dzimwe dzimba dzaivakwa kure nedzimwe mumapindu, dziine mavharanda anofefetera, mahwindo ari mudenga ekupinza mhepo, nemakamuri akawanda, kusanganisira imba yakakura yekudyira nedzimba dzevashandi.

Josefa akatorwa mwoyo nekubudirira kwevanhu ivavo here? Zvinoita sokuti haana kudaro. Zvimwe  chaitonyanya kumunetsa ndechokuti akanga ava kure nehama dzake. VaIjipiti vaiva nemutauro wavo, mapfekero avo, uye chitendero chavo zvaisatombozivikanwa naJosefa. Vainamata vanamwari vakasiyana-siyana uye vaiita zvemashiripiti. Zvinotoshamisa ndezvokuti vaifarira kufa kuti vazowana humwe upenyu. Asi pane chinhu chaiita kuti Josefa asanyanya kusurukirwa. Bhaibheri rinoti: “Jehovha akava naJosefa.” (Genesisi 39:2) Zvechokwadi Josefa akaudza Mwari nhunha dzake dzose. Bhaibheri rinotiudzawo kuti, “Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari.” (Pisarema 145:18) Ndezvipi zvimwe zvakaitwa naJosefa kuti ave pedyo naMwari wake?

Murume wacho wechidiki haana kukurirwa nekushunguridzika, asi akaramba achiita basa rake sezvaaigona. Saka Jehovha akakomborera zvaiitwa naJosefa, zvikaita kuti atange kufarirwa natenzi wake mutsva. Potifari akaona kuti mushandi wake uyu wechidiki aikomborerwa naJehovha, Mwari ainamatwa nevanhu vekwakabva Josefa, uye zviri pachena kuti izvi ndizvo zvakaita kuti muIjipiti wacho awedzere kubudirira. Josefa akatanga kuremekedzwa natenzi wake Potifari, zvokuti zvinhu zvose zvakazoiswa muruoko rwake nekuti aigona basa.—Genesisi 39:3-6.

Josefa akasiya muenzaniso wakanaka kune vechidiki vari kushumira Mwari mazuva ano. Somuenzaniso pavanenge vari kuchikoro, dzimwe nguva vangaona sokuti vava mune imwe nyika yavasingazivi, inofarira kuita zvemidzimu uye isina ramangwana rakajeka. Kana zviri izvo zviri kuitika kwauri, yeuka kuti Jehovha haana kuchinja. (Jakobho 1:17) Achiri kungotsigira vaya vanoramba vakavimbika kwaari uye vanoshanda nesimba kuti vaite zvinomufadza. Anovakomborera chaizvo uye achakukomborerawo.

Nhoroondo yacho inotiudza kuti Josefa akanga achikura. Mukomana wacho akazova murume ane “chimiro chakanaka,” nechiso chakanaka. Mashoko iwayo anoratidza kuti aigona kungoerekana apinda mudambudziko, nekuti munhu akanaka anowanzofarirwa nevakawanda.

Mudzimai waPotifari akatorwa mwoyo naJosefa, mukomana ainge akavimbika

“IYE AISAMBOMUTEERERA”

Josefa aikoshesa kuti munhu ave akatendeka, asi mukadzi waPotifari aisava nebasa nazvo. Tinoverenga kuti: “Mudzimai watenzi wake akatanga kutarira Josefa achiti: ‘Rara neni.’” (Genesisi 39:7) Josefa akambova here nekapfungwa kekuda kuita zvairwarirwa nemukadzi iyeye wechihedheni? Bhaibheri harina zvarinotaura zvingaita kuti titi Josefa ainge asina pfungwa dzinowanzova nevakomana dzekuda vasikana. Mukadzi uyu aiva mudzimai wejinda raiva nechinzvimbo uye rainge rakapfuma, achiwana zvose, uye Bhaibheri  hariratidzi kuti aisakwezva. Kuti Josefa akambova nekapfungwa kekuti tenzi wake aisazombozviziva here? Angava akafunga kuti kurara nemukadzi wacho kwaizoita kuti apfume here?

Ichokwadi kuti hatigoni kuziva zvose zvakauya mupfungwa dzaJosefa. Asi pane zvinotiratidza kuti aifungei. Tinozviwana mumhinduro yaakapa yekuti: “Tarirai tenzi wangu haazivi zvandinazvo mumba, nezvose zvaanazvo akazviisa muruoko rwangu. Hapana mukuru kundipfuura mumba muno, uye haana kana chaakandirambidza kunze kwenyu, nokuti muri mudzimai wake. Naizvozvo ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?” (Genesisi 39:8, 9) Fungidzira murume uyu wechidiki achitaura mashoko iwayo, asingaiti zvokutamba. Zvaitomurwadza kufungidzira achiita zvaidiwa nemukadzi iyeye. Nei tichidaro?

Sezvakataurwa naJosefa, tenzi wake aivimba naye. Potifari ainge aisa imba yake yose mumaoko aJosefa kunze kwemudzimai wake chete. Saka zvaisava nemusoro kuti Josefa arasise tenzi wake. Izvozvo zvaitova kure naye. Asi chikonzero chikuru chaiva chokuti aisada kutadzira Mwari wake Jehovha. Josefa akanga adzidza zvakawanda kuvabereki vake nezvemaonero aMwari panyaya yewanano uye kuvimbika. Jehovha ndiye akachatisa vanhu vokutanga, uye akanyatsoratidza maonero ake panyaya iyi. Murume nemudzimai vaifanira kuramba vari pamwe chete, vova “nyama imwe.” (Genesisi 2:24) Vaya vakaedza kukanganisa mubatanidzwa iwoyo vaigona kumutsa hasha dzaMwari. Somuenzaniso, varume vakapotsa vakanganisa mudzimai waAbrahamu, aiva amai vambuya vaJosefa uyewo mudzimai waIsaka, mbuya vaJosefa, vakapotsa vapinda mudambudziko. (Genesisi 20:1-3; 26:7-11) Saka Josefa akadzidza kuti Jehovha anokoshesa wanano uye iye aidawo kuramba achiikoshesa.

Mudzimai waPotifari haana kufarira zvakataurwa naJosefa. Fungidzira murandawo zvake iyeye achiramba, achitotaura kuti chikumbiro chacho chaiva ‘chinhu chakaipa kwazvo’! Asi mukadzi wacho akaramba achingoedza. Anofanira kunge akanzwa sokuti atarisirwa pasi, zvokuti akafunga kumanikidza Josefa kuita zvaainge aramba. Akaratidza mafungiro akafanana neaSatani, uyo akaedza Jesu. Satani akakundikanawo, asi panzvimbo pokuti akande mapfumo pasi, akatomirira “imwe nguva yakakodzera.” (Ruka 4:13) Saka vanhu vakatendeka vanotofanira kusimba vorega kudzokera shure. Ndizvo zvakaitwa naJosefa. Kunyange zvazvo zvakaramba zvichiitika “zuva nezuva,” haana kubvuma. Tinoverenga kuti: “Iye aisambomuteerera.” (Genesisi 39:10) Asi mudzimai waPotifari akanga atsunga kuti aizomunyengera.

Akashandisa mukana wakamuka mumwe musi vashandi vose pavainge vasiri mumba. Aiziva kuti Josefa aizouya mumba kuti aite basa rake. Paakauya mumba, mukadzi wacho anga akamuteya. Achibata nguo yake, akamuteterera kekupedzisira achiti: “Rara neni!” Josefa akabva aedza kupukunyuka mumaoko ake, asi mukadzi wacho akaramba akabata nguo yake. Akavhizingura, ndokusiya mukadzi wacho akabata nguo chete. Akabva atiza!Genesisi 39:11, 12.

Izvi zvingatifungisa nezvemashoko akafemerwa muapostora Pauro ekuti: “Tizai ufeve.” (1 VaKorinde 6:18) Josefa akaratidza muenzaniso wakanaka chaizvo kuvaKristu vose vechokwadi! Upenyu hunogona kuita kuti tigare tichionana nevanhu vasingakoshesi mitemo yaMwari, asi izvozvo hazvirevi kuti tinofanira kubvuma kuti vatifurire. Pasinei nekuti chii chinozoitika, tinofanira kutiza.

Zvakazoitwa kuna Josefa zvakanga zvakaipa. Mudzimai waPotifari aida kumukaurisa. Akabva angoti mhere kwetsu, achishevedza vamwe vashandi kuti vauye mumba imomo. Akapomera Josefa kuti aida kumubata chibharo uye kuti ainge atiza paakatanga kuchema. Akachengeta nguo yacho kuti ive umbowo kumurume wake paaizodzoka. Potifari paakadzoka kumba, mudzimai wake akamuudza nhema idzodzo, achitoti Potifari ndiye ainge akanganisa nekuunza mutorwa mumusha. Potifari akaitei? Tinoverenga kuti: “Akatsamwa kwazvo”! Akabva aita kuti Josefa aiswe mujeri.Genesisi 39:13-20.

“VAKARWADZISA TSOKA DZAKE NEZVISUNGO ZVOMUMAKUMBO”

Tinongoziva zvishoma nezvezvainge zvakaita majeri ekuIjipiti mazuva iwayo. Vamwe vaongorori vakawana matongo ezvivako zvakakura zvaiva nezvitokisi nemajeri aivakwa pasi pevhu. Josefa akazotaura nezvenzvimbo yacho achishandisa shoko rinoreva kuti “gomba,” rinoratidza kuti yaiva nzvimbo  ine rima yekuti haufi wakabudiswa. (Genesisi 40:15) Bhuku reMapisarema rinoratidza kuti Josefa akawedzera kurwadziswa richiti: “Vakarwadzisa tsoka dzake nezvisungo zvomumakumbo,” vakamuisa simbi muhuro. (Pisarema 105:17, 18) Dzimwe nguva vaIjipiti vaiita kuti vasungwa vaise maoko kumusana vovasunga mumagokora uye vamwe vaisungwa nesimbi muhuro. Josefa anofanira kunge akarwadziwa chaizvo kubatwa seizvi, iye asina kana mhosva yaainge apara!

Iri rakanga risiri dambudziko rakangouya richipfuura. Nhoroondo yacho inoti Josefa “akaramba ari mujeri imomo.” Akaita makore achitambura arimo! * Aisatomboziva kana aizobudiswa. Mazuva iwayo ekutanga airwadza zvaaifamba, chii chaimubatsira kuti asarase tariro?

Nyaya yacho inotipa mhinduro inokurudzira yekuti: “Jehovha akaramba aina Josefa, uye akaramba achimuitira mutsa worudo.” (Genesisi 39:21) Hakuna masvingo ejeri, hakuna zvisungo, kana jeri riri pasi pevhu zvinogona kutadzisa Jehovha kuratidza kuti anoda vashumiri vake. (VaRoma 8:38, 39) Tinogona kufungidzira Josefa achitaura kese kaimunetsa kuna Baba vake vaanoda vokudenga, achizowana rugare rwemupfungwa uye kugadzikana zvinongowanika chete kuna “Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4; VaFiripi 4:6, 7) Zvii zvimwe zvakaitirwa Josefa naJehovha? Tinoverenga kuti Jehovha akaramba achiita kuti Josefa “anzwirwe nyasha nomukuru mukuru wejeri.”

Zviri pachena kuti vasungwa vaipiwa mabasa ekuita, uye Jehovha akakomborerazve zvaiitwa naJosefa. Aishanda nesimba, achiita zvose zvaaigona pabasa raainzi aite, achimirira kuona zvaizoitwa naJehovha. Jehovha akakomborera Josefa zvokuti akatanga kuvimbwa naye uye kuremekedzwa sezvaaimboitwa kumba kwaPotifari. Tinoverenga kuti: “Naizvozvo mukuru mukuru wejeri akaisa vasungwa vose vaiva mujeri muruoko rwaJosefa; uye zvinhu zvose zvavakanga vachiita imomo ndiye aiita kuti zviitwe. Mukuru mukuru wejeri akanga asina kana chaaitarisira chaiva muruoko rwake, nokuti Jehovha akanga aina Josefa uye Jehovha aiita kuti zvaakanga achiita zvibudirire.” (Genesisi 39:22, 23) Josefa akanyaradzwa chaizvo nekuziva kuti Jehovha ainge asina kumusiya!

Josefa akashanda nesimba mujeri, ndokumborerwa naJehovha

Muupenyu zvinhu zvinogona kumbochinja kana kuti tinogona kudzvinyirirwa, asi tine zvatinodzidza pakutenda kwaJosefa. Kana tikagara tichinyengetera kuna Jehovha, tikaramba tichiteerera mitemo yake, tichishanda nesimba kuti tiite zvakarurama, achakomborera zvatinenge tichiita. Jehovha akazopa Josefa makomborero akatowanda, sezvatichaona munyaya dzinotevera.

^ ndima 23 Bhaibheri rinoratidza kuti Josefa ainge ava nemakore anenge 17 kana kuti 18 paakasvika mumusha waPotifari, uye akagara naye, zvichida kwemakore akati kuti kusvikira ati kurei. Akanga ava nemakore 30 paakabudiswa mujeri.Genesisi 37:2; 39:6; 41:46.