Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tiri muushumiri nemudzimai wangu Tabitha

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndaiti Mwari Haako

Ndaiti Mwari Haako
  • GORE REKUBEREKWA: 1974

  • NYIKA: GERMAN DEMOCRATIC REPUBLIC

  • NHOROONDO YEUPENYU: AITI MWARI HAAKO

MARARAMIRO ANDAIITA

Ndakaberekerwa mune mumwe musha uri muSaxony, mune yaimbozivikanwa seGerman Democratic Republic (GDR). Ndakakurira mumhuri ine rudo uye vabereki vangu vakandidzidzisa tsika dzakanaka. GDR yaiva nyika yechiCommunist, saka vanhu vakawanda vemuSaxony vaisakoshesa zvechitendero. Kana ndiri ini, ndaiti Mwari haako. Ndaivawo ndakanyura mune zvechiCommunist kusvika ndava nemakore 18.

Ndaifarira zvechiCommunist nekuti ndaida kuti vanhu vese vawane zvakaenzana. Uyewo, ndaifunga kuti kana vanhu vese vakapiwa zvakaenzana, hapana anozoita upfumi hunodarika hwevamwe. Saka ndakabva ndabatana nerimwe sangano revechidiki raikurudzira zvechiCommunist. Pandakanga ndava nemakore 14, ndakamboita basa rekunhonga mapepa ndichiaendesa kwaaizogadzirwa zvekare. Vanhu vemutaundi reAue vakafara chaizvo nebasa randaiita zvekuti ndakapiwa mubayiro nevakuru vakuru vetaundi racho. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri mudiki, ndakanga ndava kutozivana nevamwe vakuru vakuru vezvematongerwo enyika muGDR. Ndainyatsonzwa kuti zvinhu zvangu zviri mugwara uye kuti ramangwana rangu rainge rakanaka.

Asi zvinhu zvakazongoerekana zvachinja. Muna 1989, West Germany neEast Germany zvakabatana uye chiCommunist chakabva chapera muEastern Europe. Zvinhu zvakanga zvisisina kugadzikana. Ndakaona kuti vanhu vaisabatwa zvakafanana muGDR. Semuenzaniso, vanhu vakanga vasingatsigiri zvechiCommunist vaisapiwa kodzero dzakafanana nedzevamwe uye izvi zvaindinetsa kuti sei vaidaro. ChiCommunist chaiti vanhu vese vakaenzana. ZvechiCommunist kwaingova kurota here? Ndakabva ndatanga kuora mwoyo.

Saka ndakabva ndasiyana nezvechiCommunist ndichibva ndatanga kuita zvemimhanzi nekudhirowa mifananidzo. Ndakaenda kuchikoro chemimhanzi uye ndaigona kuzoenda kuyunivhesiti, saka ndakafunga zvekutoita basa rekuimba uye kudhirowa mifananidzo. Ndakabva ndasiyawo tsika dzakanaka dzandakanga ndadzidziswa ndichikura. Ndakanga ndava kunyanya kukoshesa mafaro uye kuita zvevasikana. Asi mimhanzi, kudhirowa uye mafaro hazvina kupedza dambudziko rekuzvidya mwoyo randaiva naro. Kunyange mifananidzo yandaidhirowa yaiva nezvinhu zvinotyisa. Ndaizvibvunza kuti, Ramangwana richange rakaita sei? Uye chinangwa cheupenyu ndechei?

Pandakazowana mhinduro dzemibvunzo iyoyo, ndakashamisika. Mamwe manheru ndiri kuchikoro, tainge takagara tichitaura nezveramangwana. Mumwe musikana wataidzidza naye ainzi Mandy * aiva Chapupu chaJehovha. Zvaakandiudza manheru iwayo zvakandibatsira. Akanditi, “Andreas, kana uchida kuwana mhinduro dzemibvunzo yako, verenga Bhaibheri.”

Ndakanga ndisina chokwadi nazvo asi ndakasarudza kuriverenga. Mandy akandiudza kuti ndiverenge chitsauko 2 chaDhanieri uye zvandakaverenga zvakandishamisa. Uprofita uhwu hunotaura nezvekutevedzana kwemadzimambo aizotonga, hurumende dzaitozosvika kunguva yedu. Mandy akandiratidza humwe uprofita huri muBhaibheri hunotaura nezveramangwana redu. Ndakanga ndava kuwana mhinduro dzemibvunzo yandaiva nayo! Asi ndiani akanyora uprofita ihwohwo, anogona kunyatsotaura zvichaitika mune ramangwana? NdiMwari here?

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

Mandy akaita kuti ndionane naHorst naAngelika. Murume uyu nemudzimai wake vaiva Zvapupu, uye vakandibatsira kunzwisisa Shoko raMwari. Hazvina kunditorera nguva kuti ndione kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvega zvinogara zvichishandisa uye zvichidzidzisa vamwe zita raMwari rekuti Jehovha. (Pisarema 83:18; Mateu 6:9) Ndakadzidza kuti Jehovha Mwari anopa vanhu tariro yekurarama nekusingaperi muparadhiso panyika. Pisarema 37:9 inoti: “Vaya vanotarisira kuna Jehovha ndivo vachagara nhaka yenyika.” Ndakafara kuziva kuti vanhu vese vanoedza kuteerera mitemo yaMwari inotaurwa muBhaibheri vanogona kuwana upenyu uhwu.

Asi zvakandinetsa kuti ndichinje mararamiro angu, ndotanga kutevedzera zviri muBhaibheri. Kubudirira mune zvemimhanzi uye kudhirowa kwakandiita kuti ndive munhu anozvikudza, saka ndaitofanira kudzidza kuzvininipisa. Chimwezve chainge chakandiomera kwaiva kusiya unzenza. Ndinoonga kuti Jehovha anoratidza mwoyo murefu, mutsa uye kunzwisisa kuvanhu vanoedza zvese zvavanogona kuti vaite zvinodzidziswa neBhaibheri!

Kubvira pandakasiya zvechiCommunist ndiine makore 18, Bhaibheri riri kuchinja upenyu hwangu. Zvandakadzidza zvakaita kuti ndisazvidye mwoyo nezveramangwana uye kuti ndirarame upenyu hune chinangwa. Ndakabhabhatidzwa muna 1993 kuva Chapupu chaJehovha uye muna 2000 ndakaroora Tabitha, munamati waJehovha. Nguva yedu yakawanda tinenge tichibatsira vamwe kuti vazive Bhaibheri. Vanhu vakawanda vatinosangana navo havabvumi kuti Mwari ariko uye vanoita zvechiCommunist. Ndinonzwa kunyatsogutsikana pandinovabatsira kuziva Jehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

Pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, vabereki vangu vakagumbuka. Asi vava kuona kuti kuva Chapupu kwakandiita kuti ndive munhu ari nani. Ndiri kufara kuti iye zvino vava kuverenga Bhaibheri uye kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha.

Ini naTabitha tiri kufara nekuti tinoedza kuteerera mazano anopiwa neBhaibheri kuvanhu vakaroorana. Semuenzaniso, kuteerera zvarinotaura nezvekuva akavimbika kune wawakaroorana naye kuri kuita kuti wanano yedu irambe yakasimba.​—VaHebheru 13:4.

Handichatyi upenyu kana kuzvidya mwoyo nezveramangwana. Pasi rese, vanhu vandinonamata navo vane rugare rwechokwadi uye vakabatana. Hapana munhu anotarisirwa pasi. Ndizvo zvandaida muupenyu hwangu.

^ ndima 12 Zita rakachinjwa.