Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinofanira Kukwereta Mari Here?

Ndinofanira Kukwereta Mari Here?

“Kukwereta kunonakidza semuchato; asi kudzorera kwakafanana nekuchema mufi.”—Chirevo chechiSwahili.

CHIREVO ichi chinozivikanwa nevakawanda vekuEast Africa, uye hapana mubvunzo kuti vakawanda pasi rose vanobvumirana nemashoko iwayo. Unombonzwawo saizvozvo here paunokwereta mari kushamwari yako kana kuti kumwewo? Kunyange zvazvo dzimwe nguva kukwereta kungaita sekune musoro, kwakanaka here? Ndezvipi zvakaipira kukwereta?

Chimwezve chirevo chechiSwahili chinonyatsoti dyo pamudzi wenyaya iyi. Chinoti: “Kukwereta uye kukweretesa kunokanganisa ushamwari.” Chokwadi, zvikwereti zvinogona kuita kuti vanhu vagume vasisawirirane. Kunyange kana munhu akanyatsoronga aine vavariro dzakanaka, zvinhu zvinogona kuzotadza kufamba sezvaari kufunga. Somuenzaniso, kana chikwereti chikatadza kubhadharwa panguva yamakawirirana, munhu akakweretesa angatsamwa. Chigumbu chinogona kutokura, uye ushamwari hweanenge akweretesa neakwereta, kana kuti hwemhuri dzavo hunogona kukanganisika. Sezvo zvikwereti zvichigona kukonzera kuti vanhu vasawirirana, zvakanaka kuti tizofunga kukwereta patinenge taona kuti zvinhu zvatiomera zvechokwadi.

Kukwereta mari kunogona kukanganisa kunamata kwemunhu. Sei tichidaro? Chokutanga, Bhaibheri rinoti munhu akaipa ndiye anoramba kubhadhara zvikwereti zvake iye achikwanisa hake. (Pisarema 37:21) Rinoratidzawo zvakajeka kuti “uya anokwereta anova muranda womunhu anomukweretesa.” (Zvirevo 22:7) Munhu anenge akwereta anofanira kuziva kuti chikwereti chake chinopera kana abhadhara. Chimwe chirevo chinoti: “Ukakwereta gumbo remunhu, uchaenda kwose kwaanenge achida kuti uende.” Izvi zvinoreva kuti munhu anenge aine chikwereti chihombe haana rusununguko rwokuita zvaanoda.

Saka zvinokosha zvikuru kuti munhu adzorere zvaakakwereta. Kana akasadaro zvinogona kuzonetsa. Kana zvikwereti zvikaramba zvichikura, zvinogona kuita kuti unetseke, utadze kurara, ushande zvakapfurikidza, upopotedzane newawakaroorana naye, kunyange kurambana chaiko, uye nyaya dzacho dzingatosvika kumatare kana kuti zvingatoita kuti munhu asungwe. Zvine musoro kutevedzera mashoko ari pana VaRoma 13:8 iyo inoti: “Musambova nechikwereti chero nomunhu upi zvake, kunze kwokudanana.”

NDOKWERETA HERE?

Nezvose zvatakurukura izvi, zvakanaka kuti tingwarire panyaya yokukwereta mari. Zvakanaka kuzvibvunza kuti: Ndine chikonzero chihombe chekukwereta here? Inyaya yokuti uri kuda kuramba uchiwana chinoita kuti uriritire mhuri yako here? Kana kuti une kapfungwa kemakaro, zvimwe kekuda kurarama zvisingaenderani nehomwe yako? Kakawanda kacho, zviri nani kugutsikana nezvishoma pane kuzviomesera nekupinda muchikwereti.

Asi pane zvimwe zvinonzwisisika kuti munhu akwerete, sepaya panenge paitika zvinoda kukurumidza kuitwa zvekuti unenge wapererwa. Kunyange zvakadaro, kana munhu akasarudza kukwereta, anofanira kuratidza kuti akatendeka. Angazviratidza sei?

Chokutanga, haufaniri kurega kudzorera munhu mari yake nekuti anoita seakabudirira kupfuura vamwe. Hatifaniri kufunga kuti kana munhu achiita seakabudirira, anotofanira kutibatsira kana tichida mari. Hatifaniriwo kufunga kuti takasununguka hedu kusava vakatendeka kumunhu akadaro. Usaitira shanje vaya vanoita sekuti vane mari.Zvirevo 28:22.

Iva nechokwadi chekuti unodzorera zvawakakwereta, uye haufaniri kuverengera. Kana munhu anenge akukweretesa akasakuudza nguva yokudzorera, iwe ndiwe unofanira kumuudza, woita zvawavimbisa. Zvakanaka kunyora zvamunenge mabvumirana kuti musazonetsane. (Jeremiya 32:9, 10) Kana zvichiita, unofanira kuonana nemunhu wacho akakukweretesa kuti umutende paunenge uchidzorera zvawakakwereta. Kana ukagara uchiyeuka kudzorera zvaunenge wakwereta zvichaita kuti uwirirane nevamwe. MuMharidzo yepaGomo, Jesu akati: “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa; nokuti zvinopfuura izvi zvinobva kune akaipa.” (Mateu 5:37) Uyewo unofanira kugara uchiyeuka mashoko ekuti: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”Mateu 7:12.

MAGWARO ANOBATSIRA PANYAYA IYI

Bhaibheri rinotiudza nzira iri nyore inotibatsira kuzvidzora patinenge tava kuda kukwereta mari. Rinoti: “Chokwadi, kuzvipira kuna Mwari uku pamwe chete nokugutsikana inzira inopfumisa kwazvo.” (1 Timoti 6:6) Izvi zvinoreva kuti, kana munhu akagutsikana nezvaainazvo zvinomudzivirira kuti asazonetseka nechikwereti. Zvisinei, hazvisi nyore kuti munhu agutsikane munyika ino ine vanhu vanoda kukurumidza kuwana zvavanenge vachida. Pakadaro ndipo panoda kuti munhu ‘azvipire kuna Mwari.’ Angazvipira sei kuna Mwari?

Chimbofunga nezvevamwe vaKristu vaviri, murume nemudzimai vanogara kuAsia. Pavaiva vaduku, vaiyemura vaya vaiva nedzimba dzavo. Saka vakasarudza kutenga yavowo nemari yavakakwereta kubhengi uye kune veukama, neimwewo yavainge vachengeta. Pasina kana nguva, vakatanga kuomerwa nekubhadhara mari yakawanda yaidiwa mwedzi nemwedzi. Vakatanga kushanda zvakaoma, izvo zvaiita kuti vasare vava nenguva shoma yekuva nevana vavo. “Kunetseka kwandaiita uye kutadza kurara zvaiita kuti ndinzwe sekuti ndakatsiga zidombo. Zvaindipedza simba,” anodaro murume wacho.

“Kuona zvinhu zvokurarama nazvo maererano nezvinotaurwa neBhaibheri kunotidzivirira”

Nokufamba kwenguva, vakazoyeuka mashoko ari pana 1 Timoti 6:6, ndokuona kuti kutengesa imba yacho ndiko kuzvipedza. Zvakavatorera makore maviri kuti vapedze chikwereti. Vaviri ava vakadzidzei pane zvakaitika izvi? Vakati: “Kuona zvinhu zvokurarama nazvo maererano nezvinotaurwa neBhaibheri kunotidzivirira.”

Chirevo chechiSwahili chataurwa patangira nyaya ino chinozivikanwa nevakawanda. Asi vanhu vachiri kungokwereta. Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri zvataona, zvine musoro kuti tinyatsofungisisa mubvunzo wekuti, Ndinofanira kukwereta mari here?