Enda pane zvauri kuda

Mwari Ariko Here Zvechokwadi?

Mwari Ariko Here Zvechokwadi?

Mhinduro yeBhaibheri

 Tinongofanira kutarisa zvakatipoteredza. Bhaibheri rinoti: “Chokwadi, imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaHebheru 3:4) Paunofunga nezvemarongerwo akaita zvinhu zvose zvakasikwa, matangiro akaita upenyu, kana kuti masikirwo akaitwa uropi hwomunhu uhwo hwakaoma chaizvo kunzwisisa, ungati panofanira kuva nomumwe munhu akangwara kutipfuura.

 Asi hatigoni kudzidza zvose nezvaMwari kubva pane zvakasikwa. Bhaibheri ndiwo musuo unoita kuti tizive nezvaMwari. Kana ukavhura musuo uyu woongorora humwe uprofita hwakadzama hurimo uye kuzadzika kwahwakaita, uchaona uchapupu hwokuti Mwari ariko. Uyewo nhoroondo yemabatiro aiita Mwari nevanhu iri muBhaibheri inonyatsoratidza kuti munhu ane rudo uye anorwadziwa kana akaitirwa zvakaipa. (Pisarema 11:5; Johani 3:​16) Rinoratidzawo kuti zvinhu zvinoitwa nevanhu zvinogona kufadza kana kugumbura Mwari.​—Pisarema 78:​40, 41.